RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/07 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 12
  • Vhiki Inotanga naNovember 19
  • Vhiki Inotanga naNovember 26
  • Vhiki Inotanga naDecember 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 11/07 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 12

Rwiyo 59

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 15 uye Awake! yaNovember. Mumienzaniso yacho, magazini aya anofanira kugoverwa ari maviri kunyange zvazvo imwe chete ichitaurwa nezvayo.

15 min: “Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu.” Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2007, mapeji 17-21.

20 min: “Fambai Sezvinoita Vanhu Vakachenjera.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zviri mumagwaro aripo.

Rwiyo 192

Vhiki Inotanga naNovember 19

Rwiyo 109

10 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku achagoverwa muna December, uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Usarega!”b Pakukurukura ndima 5, kumbirawo kuti vaya vakadzidza nevanhu vakazouya muchokwadi vataure. Zvinofadza sei uye chikomborero chakadini kudzidza Bhaibheri nomunhu obva auya muchokwadi? Ungafanoronga kuti munhu mumwe chete kana vaviri vazotaura.

Rwiyo 96

Vhiki Inotanga naNovember 26

Rwiyo 172

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaNovember. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 1 uye Awake! yaDecember.

15 min: Ungawedzera Rudo Rwako Here? Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2007, mapeji 9-11.

20 min: Vechiduku—Mungarumbidza Sei Jehovha? Kukurukurwa kwezviri muNharireyomurindi yaJune 15, 2005, mapeji 26-8, ndima 15-19, uchishandisa mibvunzo yokudzidza iripo. Pakukurukura ndima 18, kumbira vechiduku vari muvateereri kuti varondedzere kupupurira kwavakaita kune vavanodzidza navo kana kuti kuvadzidzisi kuchikoro.

Rwiyo 5

Vhiki Inotanga naDecember 3

Rwiyo 77

15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Dzokorora Bhokisi Remibvunzo.

15 min: Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2006, mapeji 10-13. Bvunzurudza kwenguva pfupi vakuru kana vashumiri vanoshumira vari muungano vangave vakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Chikoro chacho chakavabatsira sei kuti vave vaparidzi, vafudzi uye vadzidzisi vanofambira mberi? Kurudzira hama dzinokodzera kuti dzifunge nezvokuva nechinangwa chokupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri.

15 min: “Tinoudza Vamwe Tariro Yedu yoUmambo.”c Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zviri mumagwaro aripo.

Rwiyo 173

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe