Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira govera uye taura nezveturakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana munhu akati haana vana, govera bhurocha rinonzi Rambai Makarinda! December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Ungagoverawo Swedera Pedyo naJehovha kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. January 2008: Chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku iwayo dzingagovera Zivo (kana riripo) kana kuti Rambai Makarinda!
◼ Sezvo December aine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanaka zvikuru kuita upiyona hwebetsero.
◼ Vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights ichakurukurwa paMusangano Webasa muna January. Kana muchiida munofanira kuiodha nokuungano nokukurumidza sezvamungagona.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2008” uye inofanira kuchengeterwa gore ra2008 rose.
◼ Tapota onai kuti hama ichange iine hurukuro yokupedzisira paMusangano Webasa inofanira kusuma rwiyo rwokugumisa. Zvadaro, hama iyi kana kuti imwe hama inokwanisa yakasarudzwa pachiine nguva ichapa munyengetero wokugumisa.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Watchtower Publications Index 2006 (dx06)—Chirungu