Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOctober 29, 2007. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSeptember 3 kusvika kune yaOctober 29, 2007.
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Nei kudzokorora iri nzira yokudzidzisa nayo inokosha? [be-CA p. 206 ndima 1-2, bhokisi]
2. Tingasimbisa sei musoro wehurukuro? [be-CA p. 210, bhokisi]
3. Pfungwa huru dzehurukuro chii, uye chii chichabatsira mukurukuri kudzisarudza? [be-CA p. 212 ndima 1-3]
4. Nei tisingafaniri kutaura pfungwa huru dzakawandisa muhurukuro? [be-CA p. 213 ndima 2-4]
5. Nei zvichikosha kuti sumo yedu iite kuti vanhu vafarire, uye izvi zvingaitwa sei? [be-CA p. 215 ndima 1; p. 216 ndima 1-3, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Mashoko ari pana Pisarema 119:89, 90 anotibatsira sei kunzwisisa kuti tinogona kuvimba neshoko raMwari? [w05-CA 4/15 p. 15 ndima 3]
7. Bhuku raEzekieri rinosimbisa chii, uye chii chichaitika kune vaya vari kurarama vachinamata Jehovha nenzira inomufadza? [si-CA p. 137 ndima 33]
8. “Shoko raJehovha” rinogona sei kuchengetedza mwoyo yedu? (Pis. 18:30) [w05-CA 9/1 p. 30 ndima 2]
9. Tariro yoUmambo inosimbiswa sei mubhuku raDhanieri rose zvaro? [si-CA p. 142 ndima 23]
10. Bhuku raHosiya rinosimbisa sei kutenda kwedu muuprofita hwakafuridzirwa naJehovha? [si-CA p. 145 ndima 14]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Kuyerwa kwetemberi yakaonekwa naEzekieri kwaimirirei, uye izvi zvinotivimbisei nhasi? (Ezek. 40:2-5) [w99-CA 3/1 p. 9 ndima 6; p. 14 ndima 7]
12. Mukuzadzika kwokupedzisira kwezvakaonekwa naEzekieri, ndiani “jinda”? (Ezek. 48:21) [w99-CA 3/1 p. 16 ndima 13-15; map. 22-3 ndima 19-20].
13. Mashoko ari pana Dhanieri 2:21 anorevei? [w98-CA 9/15 p. 12 ndima 9]
14. Chii chakaita kuti Dhanieri ave “munhu anodiwa kwazvo” mukuona kwaJehovha? (Dhan. 9:23) [dp-CA p. 185 ndima 12; w04-CA 8/1 p. 12 ndima 17]
15. Munyika yeIsraeri makanga musina “kuziva Mwari” mupfungwa ipi, uye mashoko iwaya anofanira kuita kuti tinzwe sei? (Hos. 4:1, 2, 6) [w05-CA 11/15 p. 21 ndima 21; jd-CA mapeji 57-8 ndima 5; p. 61 ndima 10]