RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/07 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 8
  • Vhiki Inotanga naOctober 15
  • Vhiki Inotanga naOctober 22
  • Vhiki Inotanga naOctober 29
  • Vhiki Inotanga naNovember 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 10/07 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naOctober 8

Rwiyo 56

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 15 uye Awake! yaOctober. Mumienzaniso yacho, magazini aya anofanira kugoverwa ari maviri kunyange zvazvo imwe chete ichitaurwa nezvayo.

20 min: Ramba Uri Pedyo Nesangano raJehovha. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muchitsauko 17 chaTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

15 min: “Awake! Ichagoverwa Muna November Ichange Iine Nyaya Inokosha!”a Kurukura zviri muAwake! yaNovember kwenguva pfupi. Zvadaro kurukura nyaya yacho nemibvunzo nemhinduro. Pamunokurukura ndima 3, enzanisira kugoverwa kungaitwa Awake! yaNovember uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti imwe mharidzo yakakodzera ndima yenyu. Muenzaniso wacho usati wapera taura chimwe chinhu chichaita kuti saimba ade kuti udzoke.

Rwiyo 10

Vhiki Inotanga naOctober 15

Rwiyo 67

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

20 min: Chokwadi Chiri Kubereka Zvibereko Mune Vaunodzidzisa Here? Kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2005 mapeji 28-30. Taurawo kuti mibvunzo iri muna Bhaibheri Rinombodzidzisei inotibatsira sei kunzwisisa zviri mumwoyo wemudzidzi. Kurukurai mienzaniso mishomanana, yakadai sechitsauko 1, ndima 19; chitsauko 2, ndima 4; chitsauko 3, ndima 24; chitsauko 4, ndima 18. Kurudzira vaparidzi kushandisa zvakanaka zvikamu zvaro zvakasiyana-siyana.

15 min: Unoyeuka Here? Kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaAugust 15, 2007 peji 19.

Rwiyo 151

Vhiki Inotanga naOctober 22

Rwiyo 175

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 1 uye Awake! yaNovember.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: Rambai Muchifamba Sevana Vechiedza. Hurukuro uye kubvunzurudza. Takasiya rima renyika ino uye takabvuma kutungamirirwa nechiedza chaJehovha. (VaEf. 5:8, 9) Izvi zvakaita kuti upenyu hwedu huve nani uye zvichihupa chinangwa. (1 Tim. 4:8) Chiedza ichi chinotipawo tariro. (VaR. 15:4) Bvunzurudza vaparidzi vaviri kana vatatu vakambotarisana nematambudziko makukutu vakaakurira kuti varambe vaine ukama hwakanaka naJehovha. Matambudziko api avakatarisana nawo pavaidzidza chokwadi? Vakaakurira sei? Upenyu hwavo hwava nani pakudini? Chii chinovabatsira kuramba vakatsiga muchokwadi? Gumisa nokukurudzira vose kuti varambe vachisimbisa ukama hwavo naJehovha uye vachionga nomwoyo wose chokwadi chaakavazivisa.—2 Pet. 1:5-8.

Rwiyo 23

Vhiki Inotanga naOctober 29

Rwiyo 124

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaOctober. Taura mabhuku achagoverwa muna November uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.

15 min: Ronga Zvinangwa Zvokunamata Kuti Ukudze Musiki Wako. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaJuly 15, 2004 mapeji 21-3. Kumbira vateereri kuti vataure zvinangwa zvokunamata zvavakaronga uye kuti vari kuitei kuti vazviite. Ungafanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vazotaura.

20 min: “Ipa Varombo Tariro.”b Pamunokurukura ndima 2, taurawo zviri muMukai! yaSeptember 8, 2003 mapeji 28-9.

Rwiyo 7

Vhiki Inotanga naNovember 5

Rwiyo 156

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Kudzivirira Kwaungaita Vana Vako Nouchenjeri hwaMwari. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2005 mapeji 23-7.

20 min: “Kukurudzirana”c Kumbira vateereri kuti vataure kuti vakakurudzirwa sei nemutariri wedunhu paakashanyira ungano yenyu. Ungafanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vazotaura.

Rwiyo 192

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe