RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 pp. 2-3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 pp. 2-3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pakushanya kwekutanga. Kana vanasaimba vaine bhuku iri, ratidza kuti vangabatsirwa sei naro nomuenzaniso mupfupi wemadzidzire amungaita Bhaibheri. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira govera uye taura nezveturakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. November: Rambai Makarinda! December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Ungagoverawo Swedera Pedyo naJehovha kana kuti Mufarwa Wemhuri.

◼ Sezvo September aine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanaka zvikuru kuita upiyona hwebetsero.

◼ Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News ichakurukurwa paMusangano Webasa muna December. Kana muchiida munofanira kuiodha nokuungano nokukurumidza sezvamungagona.

◼ Hurukuro chaiyo yemwaka weChirangaridzo cha2008 ichapiwa muvhiki yaMarch 31, 2008. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki yacho dzichava nayo vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro iyi vhiki yaMarch 31 isati yasvika.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaJune, July, naAugust. Kana izvi zvaitwa, ungano inofanira kuziviswa kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).

◼ Ungano dzakaodha Rugwaro Rwegore rwa2007 hadzifaniri hadzo kuodha Rugwaro Rwegore rwa2008 sezvo ruchabva rwangotumirwa maererano nokuodha kwadzakamboita. Zvisinei, ungano dzisina kumboodha Rugwaro Rwegore rwa2007 asi dzichida kuwana rwa2008 dzinofanira kutumira odha dzadzo dzeRugwaro Rwegore rwa2008 neodha dzemabhuku dzinotevera. Ruchaonekwa pamapepa emabhuku anenge atumirwa pakanzi “Zvakamirirwa” kusvikira rwatumirwa. Rugwaro rwegore urwu ruchawanika muChirungu, Shona uye Zulu. Runodhindwa neimwe kambani saka tinofanira kuyeuka kuti iropafadzo yedu kutsigira uye kutarisira nomwoyo wose basa roUmambo nokupa mari yezvipo kuti tiripe mari iyi. Ungano dzinofanira kuisa Rugwaro Rwegore kumadziro musi waJanuary 1, 2008.

◼ Dzimwe nguva hofisi yebazi inogamuchira Mafomu Okuodha Mabhuku uye Mafomu Okuodha Magazini asina kunyorwa zita nenhamba zveungano. Pazvinenge zvakadaro, hazviiti kuti odha yacho itumirwe. Uku kungokuyeuchidzai kuti Munyori anofanira kunyatsoongorora zvose izvi pakusaina nokutumira fomu racho.

◼ Kuwanikwa kweNharireyomurindi neAwake! muMitauro Yokumwe: Tinowana magazini mumitauro yokumwe kubva kumapazi ari mhiri kwemakungwa. Aya anotumirwa kwatiri pachishandiswa nzira dzakati chipei saka kazhinji haasviki nenguva kuti ashandiswe pachidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki. Zvisinei, kana ungano iine mitauro yainoda kuti isvike nenguva kuti ishandise pachidzidzo cheNharireyomurindi, tinogona kutumira kopi yenyaya dzokudzidza chete. Tapota nyorerai hofisi yebazi kana muchida mamwe mashoko uye taurai nezvechiziviso chino.

◼ Musi woMugovera September 22, 2007 hofisi yebazi muHarare ichange yakavharwa nokuda kwokuchenesa kunoitwa muchirimo. Pachange pasina urongwa hwokuratidza vanhu zvivako kana hwokuti ungano dzizotora mabhuku musi iwoyo.

◼ Makaseti evhidhiyo Matsva Aripo:

Mwari Anodei Kwatiri?—Citonga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe