RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mavhidhiyo Nemabhuku zveChikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mavhidhiyo Nemabhuku zveChikamu 1
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kushandiswa kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta—Chenjerera Njodzi Dzacho!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼“Muranda akatendeka, akangwara” anotsigira here mapoka akazvimiririra eZvapupu anosangana kuti atsvakurudze kana kuti akurukurirane pamusoro penyaya dzomuMagwaro?—Mat. 24:45, 47.

Kwete, haatsigiri. Asi munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika vashomanana vanowadzana nesangano redu vakaumba mapoka akazvimiririra kuti vatsvakurudze nyaya dzine chokuita neBhaibheri. Vamwe vakaita mapoka akazvimiririra okudzidza chiHebheru nechiGiriki chomuBhaibheri kuti vazoongorora kururama kweShanduro Yenyika Itsva. Vamwe vanotsvakurudza nyaya dzesayenzi dzine chokuita neBhaibheri. Vakagadzira nzvimbo dzokubudisira mashoko uye dzokukurukurirana paIndaneti nechinangwa chokuzivisana uye kukurukurirana maonero avo. Vakatoitawo misangano uye vakabudisa mabhuku okuzivisa zvavakawana kuti vawedzere pane zvatinowana pamisangano yedu yechiKristu uye mumabhuku edu.

Pasi pose vanhu vaJehovha vari kurayiridzwa nokukurudzirwa zvakakwana mune zvokunamata pamisangano yeungano, magungano edunhu neeruwa uyewo nomumabhuku anobudiswa nesangano raJehovha. Jehovha anopa zvinodiwa achitungamirira nomudzimu mutsvene wake uye neShoko rake rechokwadi kuti vanhu vake vose ‘vanyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete’ uye kuti ‘vadzikamiswe pakutenda.’ (1 VaK. 1:10; VaK. 2:6, 7) Zvechokwadi tinoonga zvatinopiwa naJehovha mune zvokunamata mumazuva ano okupedzisira. Saka “muranda akatendeka, akangwara,” haatsigiri mabhuku ose, misangano yose kana nzvimbo dzose dzokubudisira mashoko dzepaIndaneti dzinogadzirwa kana kurongwa iye asingatarisiri.—Mat. 24:45-47.

Zvakanaka kuti vanhu vade kushandisa mano avo okufunga vachitsigira mashoko akanaka. Zvisinei, zvinotsvakurudzwa nomunhu mumwe nomumwe hazvifaniri kuderedza kukosha kwezviri kuitwa naJesu Kristu achishandisa ungano yake iri pasi pano nhasi. Muzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akanyevera nezvokubatanidzwa munyaya dzinopedza simba nenguva dzakadai ‘senyaya dzemadzinza, dzisina zvadzinobatsira, asi dzinomutsa mibvunzo yokutsvakurudza panzvimbo pokugovera zvinhu zvinobva kuna Mwari pamusoro pokutenda.’ (1 Tim. 1:3-7) VaKristu vose vanofanira kuedza nepavanogona napo ku“ramba mibvunzo youpenzi nenyaya dzemadzinza nokukakavadzana nokurwa pamusoro poMutemo, nokuti hazvina zvazvinobatsira uye hazvina maturo.”—Tito 3:9.

Kune vanoda kuwedzera kudzidza Bhaibheri uye kutsvakurudza, tinoti zvakanaka kuti vatsvakurudze muInsight on the Scriptures, “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” uye mune mamwe mabhuku edu akadai seaya anokurukura uprofita hunowanikwa mumabhuku eBhaibheri akadai saDhanieri, Isaya uye Zvakazarurwa. Mabhuku aya ane mashoko akawanda okudzidza Bhaibheri nokufungisisa, anoita kuti ‘tizare nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwaMwari nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti tifambe zvakakodzera Jehovha, timufadze kwazvo zvatinoramba tichibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, tiwedzere pazivo yakarurama pamusoro paMwari.’—VaK. 1:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe