RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 10
  • Vhiki Inotanga naSeptember 17
  • Vhiki Inotanga naSeptember 24
  • Vhiki Inotanga naOctober 1
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naSeptember 10

Rwiyo 225

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 15 uye Awake! yaSeptember. Mumienzaniso yacho, magazini aya anofanira kugoverwa ari maviri kunyange zvazvo imwe chete ichitaurwa nezvayo.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomukuru. Kana nguva iripo, verenga uye kurukura magwaro arimo.

20 min: “Tevedzera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu.”a Kumbira vateereri kuti vataure kubatsirwa kwavakaitwa nemienzaniso yakanaka yevamwe.

Rwiyo 130 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 17

Rwiyo 60

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Takaita Sei Gore Rapera? Mutariri webasa anokurukura zvakaitwa mugore rebasa rapera, achinyanya kutaura zvinhu zvakanaka zvakaitwa muushumiri. Varumbidze zvakakodzera. Taura chinhu chimwe kana kuti zviviri izvo ungano ingada kushandira panzviri mugore rebasa idzva. Taura basa remapiyona, uchivarumbidza nezvebasa ravo rakanaka. Rondedzera zvakanaka zvakavapo pakuedza kubatsira vaya vasingachaiti basa.

20 min: Hama Dzakabatana. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri chitsauko 16 muna Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

Rwiyo 74 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 24

Rwiyo 162

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: Shandisa Turakiti Rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Kuti Utange Kudzidza Bhaibheri Nevanhu Muna October. Muna October tichagovera Nharireyomurindi neAwake! Kana munhu akafarira, ungashandisa turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri kuti mutange kudzidza Bhaibheri. Kurukura muchidimbu pashure pokunge varindiri vapa muteereri mumwe nomumwe turakiti racho kana muinawo. Tsanangura kuti muparidzi anogona kukurukura turakiti racho rose kana chikamu charo nasaimba pakushanya kwekutanga kana kuti paanodzokera. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 1 uye Awake! yaOctober. Mune mumwe wemienzaniso yacho, muparidzi anosiya turakiti pashure pokunge saimba aramba magazini acho. Mune mumwe wacho, pashure pokunge saimba agamuchira magazini, muparidzi anomupa turakiti okurukura naye peji 5 omuratidza kuponi riri papeji 6 rinotaura nezvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? otaura kuti achadzoka nebhuku racho.

Rwiyo 222 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 1

Rwiyo 88

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaSeptember.

15 min: Tsamba Inobva Kubazi. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri tsamba iri papeji yokutanga yeUshumiri Hwedu hwoUmambo huno. Kumbira vateereri kuti vataure zvakaitika pamushandirapamwe uchangobva kupfuura wokukoka vanhu kuti vapinde Gungano Reruwa raiti “Tevera Kristu!”

20 min: “Kuwedzera Ushumiri Hwedu.”b Taurawo zvinotaurwa nehama nehanzvadzi dziri kuwedzera zvadziri kuita uye ngadzitsanangure kuti dzinoita sei kuti dzirambe dzichitsvaka nzira dzokuita zvakawanda muushumiri hwadzo. Ungafanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vazotaura.

Rwiyo 102 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe