RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naAugust 13
  • Vhiki Inotanga naAugust 20
  • Vhiki Inotanga naAugust 27
  • Vhiki Inotanga naSeptember 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naAugust 13

Rwiyo 20

15 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 15 uye Awake! yaAugust. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ita kuti muparidzi ashandise rimwe remazano ari mundima 3 papeji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo huno kubvunza mubvunzo waachazopindura paanodzokerazve. Kurukura “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu.” Zivisa misi yegungano redunhu rinotevera kana iripo.

15 min: Kubatsirwa Nokuzviisa Pasi Pourongwa hwaMwari. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muchitsauko 15 chebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

15 min: “Kunamata Jehovha Semhuri.”a Kumbira vateereri kuti vataure kuti vakabatsirwa sei nokuita ushumiri semhuri. Fanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vagadzirire kuzotaura.

Rwiyo 48 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 20

Rwiyo 100

10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo,” uye zivisa musi wezuva regungano chairo rinotevera kana uchizivikanwa.

15 min: Tanga Kudzidza Bhaibheri Nomunhu Pakushanya Kwokutanga Muna September. Kukurukurirana nevateereri. Muna September tichagovera bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye tichaedza kukurukura ndima shomanana nasaimba pakushaya kwokutanga. Dzokorora mazano ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2006 uye iva nomuenzaniso mumwe kana kuti miviri inoratidza kutangwa kungaitwa kudzidza Bhaibheri nomunhu pakushanya kwokutanga.

20 min: “Kubatsirwa Kwatinoitwa Nourongwa Hwechidzidzo Chebhuku Cheungano.”b Pakukurukura ndima 5, taurawo mashoko ari mubhuku rinonzi Takarongwa, papeji 41, ndima 2.

Rwiyo 6 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 27

Rwiyo 98

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 1 uye Awake! yaSeptember.

10 min: ‘Ita Shamwari Nefuma Isakarurama.’ Hurukuro inopiwa nomukuru kubva muNharireyomurindi yaDecember 1, 1994, mapeji 13-18.

25 min: “Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva.”c Bvunzurudza mumwe chete kana kuti vaviri vakaita upiyona hwebetsero nguva pfupi yadarika. Zvii zvavakagadzirisa papurogiramu yavo? Vakabatsirwa sei? Kana aripo, mumwe wevari kubvunzurudzwa ngaave munhu akaita upiyona hwebetsero nokuti akabatsirwa uye akatsigirwa nevamwe vomumhuri yake. Pakukurukura ndima 9, taura misi yokushanya kunotevera kwomutariri wedunhu kana ichizivikanwa.

Rwiyo 196 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 3

Rwiyo 50

10 min: Zviziviso zveungano uye Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaAugust.

15 min: “Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!”d Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure magwaro arimo.

20 min: “Kuita Kuti Vatinogovera Magazini Vave Vadzidzi veBhaibheri.”e Iva nomuenzaniso mupfupi uchishandisa imwe yemharidzo dziri mundima 2. Yeuchidza vaparidzi kuti chidzidzo cheBhaibheri chingashumwa kana chaitiswa kaviri pashure pokunge urongwa hwokudzidza hwaenzanisirwa uye kana zvichiratidza kuti muchaenderera mberi.

Rwiyo 2 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe