Kunamata Jehovha Semhuri
1 Munguva inotaurwa muBhaibheri, nhengo dzemhuri dzaiita zvinhu zvakawanda pamwe chete. Vaiita mabasa epamba ezuva nezuva uye zvinotonyanya kukosha ndezvokuti vainamata Jehovha semhuri. (Revh. 10:12-14; Dheut. 31:12) Nhasi munzvimbo dzakawanda, nhengo dzemhuri hadziwanzoiti zvinhu pamwe chete. Zvisinei, vaKristu vanoziva kukosha kwokuita mabasa semhuri, zvikurukuru kana toreva nezvokunamata. Pasina mubvunzo izvi zvinofadza zvikuru Muvambi wemhuri kuona mhuri dzichimunamata dzakabatana!
2 Paridzai Pamwe Chete: Kuparidza mashoko akanaka pamwe chete kunosimbisa kubatana kwemhuri. Nokudaro, pane kungoshanda nevamwe muungano pakuparidza, mukuru achashandawo nomudzimai nevana vake nguva dzose. (1 Tim. 3:4, 5) Pasinei nokuti vane purogiramu ine zvakawanda, vatariri vanofambira vanoronga nguva yokushanda nemadzimai avo muushumiri.
3 Vabereki vanoparidza nevana vavo vanokwanisa kuvabatsira kufambira mberi sevaevhangeri. Vana havazooni chete mufaro uye kugutsikana kwevabereki vavo muushumiri, asi vachaonawo kuti vabereki vavo vanoda Jehovha uye vamwe vanhu. (Dheut. 6:5-7) Kukosha kweizvi hakudereri sezvo vana vanokura. Vamwe vakaroorana vane vanakomana vatatu vemazera anobva pa15 kusvika ku21 vanoramba vachienda navo muushumiri nguva dzose. Baba vacho vakati: “Tinovadzidzisa chimwe chinhu nguva imwe neimwe. Uye tinova nechokwadi chokuti zvinonakidza uye zvinokurudzira.”
4 Gadzirirai Pamwe Chete: Mhuri dzakaona zvichibatsira kugadzirira ushumiri pamwe chete. Vana vanowanzofarira nguva dzokudzidzira mharidzo, nhengo dzemhuri dzichipanana mikana yokuva muparidzi kana kuti kuva saimba. Pakupera kwechidzidzo chemhuri, vamwe vanoshandisa maminitsi mashomanana kuti vaite izvi.
5 Mufaro wedu unowedzera patinoita zvimwe zvinhu zvinokosha uye zvinogutsa tiine vatinoda. Zvinofadza kwazvo kuti nhengo dzemhuri dzishande pamwe chete muushumiri hwepaimba neimba, pakudzokerazve uye pakudzidza Bhaibheri nevanhu! Saka sezvaunoshumira Jehovha nemhuri yako, unogona kuzivisa uchifara kuti: “Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”—Josh. 24:15.