Mhuri yechiKristu Inoitira Zvinhu Pamwe Chete
“Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, . . . kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.”—1 VAKORINTE 1:10.
1. Ndoupi uri mugariro pamusoro pechinzwano mumhuri dzakawanda?
YENYU imhuri yakabatana here? Kana kuti munhu ari wose anoratidzika kuva anoita zvaanoda here? Munoitira zvinhu pamwe chete here? Kana kuti mose zvenyu hamuwanzova munzvimbo imwe panguva imwe cheteyo here? Shoko rimene rokuti “mhuri” rinoreva imba yakabatana.a Bva, hadzisati dziri mhuri dzose dzakabatana. Mumwe mudzidzisi weBritain akasvika pakuti: “Panzvimbo pokuva hwaro hwenzanga yakanaka, mhuri . . . manyuko okusagutsikana kwedu kwose.” Ikoko ndokwechokwadi nezvemhuri yako here? Kana zvakadaro, kunofanira kuva kwakadaro here?
2. Vanhu vapi veBhaibheri vanopa ufakazi hwokubva mumhuri yakanaka?
2 Kubatana kana kuti kusabatana kwemhuri kazhinji kazhinji kunotsamira pakutungamirirwa kwayo, kungave kunobva kuvabereki vaviri kana kuti mubereki mumwe. Munguva dzeBhaibheri, mhuri dzakabatana dzainamata pamwe chete dzaifarikanya chikomborero chaJehovha. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi muna Israeri wakare, uko mwanasikana waJefta, Samsoni, uye Samueri, mumwe nomumwe munzira dzakasiana-siana, akapa ufakazi hwokubva mumhuri youmwari. (Vatongi 11:30-40; 13:2-25; 1 Samueri 1:21-23; 2:18-21) Munguva dzapakuvamba dzechiKristu, Timotio, mubiyake akatendeka waPauro padzimwe dzenzendo dzoufundisi dzaPauro, akarerwa nezivo yaMagwaro echiHebheru naambuya vake Roisi naamai vake, Juniki. Akava mudzidzi nomufundisi akatanhamara zvakadini!—Mabasa 16:1, 2; 2 Timotio 1:5; 3:14, 15; onawo Mabasa 21:8, 9.
Kuitirei Zvinhu Pamwe Chete?
3, 4. (a) Mavarai anofanira kuva pachena mumhuri yakabatana? (b) Musha unogona sei kupfuura imbawo zvayo?
3 Neiko kuchibetsera kuti mhuri dziitire zvinhu pamwe chete? Nemhaka yokuti kunovaka kunzwisisana nokuremekedzana. Panzvimbo pokuzviparadzanisa timene nomumwe nomumwe, tinoramba tiri pedyo ndokupa tsigiro. Imwe nyaya yemisi ichangobva kupfuura iyi mumagazini inonzi Family Relations yakati: “Mufanikiso wakajeka zvikuru wakabuda uchirondedzera mavara akananga e‘mhuri dzakasimba.’ Mavara akadaro anobatanidza musengwa kune mumwe nomumwe nokuongana, kuva pamwe chete, kurukurirano yakanaka, mano okupedza zvinetso, uye umudzimu hwakasimba.”
4 Apo aya mavara anenge aripo mumhuri, musha hauchisiri wakafanana nechiteshi chepeturo, nzvimbo yokumira nokuda kwepeturo. Inopfuura imbawo zvayo. Inzvimbo inofadza iyo inokwezva mitezo yemhuri. Inzvimbo youshamwari nechidakadaka, tsitsi, uye nzwisiso. (Zvirevo 4:3, 4) Inzvimbo umo kubatana kwemhuri kunowanwa, kwete nzvimbo yekarize yerwisano nokukamukana. Asi ikoku kunowanwa sei?
Kuva Pamwe Chete Mufundo Yemhuri
5. Chii chatinoshandisa kuti tidzidze kunamata kwechokwadi?
5 Kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kunodzidzwa kupfurikidza nokushandiswa kwamano edu okurangarira, kana kuti “simba rokurangarira.” (VaRoma 12:1, NW) Mufambiro wedu haufaniri kudzorwa nemirangariro yechinguvana yakafanana neiyo inonyandurwa nemharidzo dzinokurukurwa zvakanaka namasangano orudzidziso anonyengera anobuda muTV. Panzvimbo pezvo, tinonyandurwa nefundo yedu yenguva dzose nefungisiso pamusoro peBhaibheri namabhuku efundo yeBhaibheri zvinogoverwa no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45, NW) Zviito zvedu zvechiKristu muuyo wokuwana murangariro waKristu pamusoro pomugariro upi noupi kana kuti muedzo ungamuka. Muna ikoko, Jehovha ndiye Mudzidzisi wedu Mukuru.—Pisarema 25:9; Isaya 54:13; 1 VaKorinte 2:16.
6. Muenzanisoi wenyika yose wefundo yemhuri watinawo?
6 Fundo yemhuri yeBhaibheri inoita basa rinokosha muumudzimu hwemhuri iri yose yechiKristu. Munova nefundo yenyu yemhuri rini? Kana isingarongwi kana kuti iri yechisarudzo chakamwe kamwe, ipapo sezvingabvira inoitwa kasiri kazhinji, kana ichitongoitwa. Kuva pamwe chete mufundo yemhuri kunoda rudungwe rwenguva dzose, rwakagadzwa. Ipapo vose vanoziva kuti pazuva ripi uye kuti panguva ipi vanokarirwa kuwanika kuti vafarikanye kuungana pamwe chete kwomudzimu kwemhuri. Mitezo inopfuura 12 000 yemhuri yeBheteri yenyika yose inoziva kuti fundo yayo yemhuri iri Muvhuro madekwana. Kunoorora sei kuti ava vazvipiri vapaBheteri vayeuke kuti vose vari kugoverana fundo imwe cheteyo sezvo zuva rinoguma, muzvitsuwa zvePacific neNew Zealand, ipapo nenzira inofambira mberi muAustralia, Japan, Taiwan, Hong Kong, tevere mhiri kweAsia, Africa, uye Europe, uye pakupedzisira nyika dzeAmerica. Kunyange zvazvo yakaparadzaniswa nezviuru zvamamaira nemitauro yakawanda, iyi fundo yemhuri inonyandura mumitezo yemhuri yeBheteri kunzwa kwokuva pamwe chete. Pamwero muduku zvikuru, unogona kusakurira kunzwa kumwe cheteko mufundo yenyu yemhuri.—1 Petro 2:17; 5:9.
7. Mukuwirirana naPetro, tinofanira kurangarira sei shoko rezvokwadi?
7 Muapostora Petro anotipa zano, kuti: “Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa; kana mukaravira kuti Ishe une mwoyo munyoro.” (1 Petro 2:2, 3) Mufananidzo wakaisvonaka zvakadini Petro anonyandura namashoko iwayo! Akashandisa chiito chechiGiriki e·pi·po·theʹsa·te, icho, mukuwirirana neLinguistic Key to the Greek New Testament, chinobva mushoko rinoreva “kupanga, kushuva, kuda.” Rinoreva chishuvo chikuru. Wati wacherekedza here kuti mwana wemhuka anotsvaka sei nokudisa munyatso waamai wake uye kuti mwana wohunhu anogutswa sei pakuyamwa zamu raamai wake? Tinofanira kuva nechishuvo chimwe chetecho nokuda kweshoko rezvokwadi. Nyanzvi yechiGiriki William Barclay yakati: “Nokuda kwomuKristu wapachokwadi, kufunda shoko raMwari harisati riri basa asi mufaro, nokuti anoziva kuti imomo mwoyo wake uchawana zvokudya zvaunopanga.”
8. Idenhoi inotarisana nomusoro wemhuri mukuitisa fundo yemhuri?
8 Fundo yemhuri inoisa mutoro mukuru pamusoro wemhuri. Iye anofanira kuva nechokwadi chokuti fundo yacho inofadza kuna vose uye kuti vose vanogona kutora rutivi. Vana havafaniri kunzwa kuti fundo yacho inongova bedzi chaizvoizvo yavakuru. Kunaka kwefundo kunokosha zvikuru kupfuura chitsama chamashoko chinofukidzwa. Ita kuti Bhaibheri rive benyu. Apo kunenge kwakakodzera, betsera vana vako kuisa muchiono nharaunda namativi eParestina uko zvinoitika zviri kukurukurwa zvakaitika. Vose vanofanira kukurudzirwa kuita nzvero yavo yomunhu oga uye kuigoverana nemhuri. Neiyi nzira vanawo vanogona ku‘kura naJehovha.’—1 Samueri 2:20, 21.
Kuva Pamwe Chete Mukuparidza Evhangeri
9. Basa rokuparidzira rinogona sei kuitwa kuti rive chinoitika chemhuri chinofadza?
9 Jesu akati: “Neevhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa kumarudzi ose.” (Marko 13:10) Mashoko iwayo anopa muKristu ari wose anotungamirirwa nehana mugove—kuparidza evhangeri, kugoverana mashoko akanaka okutonga kwoUmambo hwaMwari navamwe. Kuita ikoku pamwe chete semhuri kunogona kuva chinoitika chinokurudzira nechinofadza. Vanamai namadzibaba vanodada nokupa kwavana vavo mashoko akanaka. Vamwe varoorani vane vanakomana vatatu vari pakati pamazera amakore 15 ne 21 vanotaura kuti nguva dzose vakava netsika yokuperekedza vana vavo mubasa rokuparidzira pachena Chitatu chiri chose pashure pechikoro uye mangwanani ari ose eChitanhatu. Baba vacho vakati: “Tinovadzidzisa chimwe chinhu nguva iri yose. Uye tinova nechokwadi chokuti ndichinoitika chinofarikanywa, chinokurudzira.”
10. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo muushumiri?
10 Kushandira pamwe chete semhuri mukuparidzira nokudzidzisa kunogona kuva kunobudirira zvikuru. Pane dzimwe nguva vanhu vanogamuchira zvakanaka zvikuru mharidzo yomwana yakapfava asi yapachokwadi. Ipapo, Amai kana kuti Baba varipo kuti vabetsere kana kuchidikanwa. Vabereki vanogona kuva nechokwadi chokuti vana vavo vanowana rovedzo inofambira mberi uye nokudaro vanova vashumiri “vasina chokunyadziswa nacho, vanobata shoko rezvokwadi zvakarurama.” Kuparidzira pamwe chete neiyi nzira kunobvumira vabereki kucherekedza chimiro chendangariro chomwana wavo, kubudirira, uye tsika dzakanaka muushumiri. Kupfurikidza nokuva nomuitiro wenguva dzose, vanoona fambiro mberi yomwana ndokupa rovedzo yenguva dzose nekurudziro kuti vasimbise kutenda kwake. Panguva imwe cheteyo, vana vanoona kuti vabereki vavo mienzaniso yakanaka muushumiri. Muidzi nguva dzinotambudza nedzamasimba masimba, kushanda semhuri yakabatana neinoitira hanya kungatogovera mwero wakati wekotsekano munharaunda dzine utsotsi hukuru.—2 Timotio 2:15, NW; VaFiripi 3:16.
11. Chii chinogona kusatana kuderedza kushingairira zvokwadi kwomwana?
11 Vana havatani kuona mipimo miviri muvakuru. Kana vabereki vasingaratidzi rudo chairwoirwo nokuda kwezvokwadi uye nokuda kwoushumiri hwapaimba neimba, vana havatongogoni kukarirwa kuva vanoshingaira. Nokudaro, mubereki akagwinya ane basa romumunda bedzi riri fundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki navana angava nemiuyo isingafadzi apo ivava vanokura.—Zvirevo 22:6; VaEfeso 6:4.
12. Dzimwe mhuri dzinogona sei kuwana chikomborero chinobva kuna Jehovha?
12 Betsero yoku“batanidzwa zvakakodzera mundangariro imwe cheteyo” ndeyokuti zvichida mhuri ingagona kubatira pamwe chete kuitira kuti unenge mutezo mumwe zvawo ungagona kubatira somushumiri piona wenguva yakazara muungano. Mhuri dzakawanda kupota nyika dzinoita ikoku, uye dzose dzinogamuchira chikomborero muzvinoitika nokubudirira kwakawedzerwa kwomutezo wadzo piona.—2 VaKorinte 13:11; VaFiripi 2:1-4.
Kuva Pamwe Chete Mukutarisira Zvinetso
13, 14. (a) Migariroi inogona kutapura tsinhirano yemhuri? (b) Zvinetso zvakawanda zvemhuri zvinogona sei kudziviswa?
13 Muidzi nguva dzakaoma dze“nhamo” ne“ngozi,” tose zvedu tinotambura dzvinyiriro. (2 Timotio 3:1, Revised Standard Version; Phillips) Kune zvinetso kubasa, kuchikoro, mumigwagwa, uye kunyange mumusha umene. Vamwe vanotambura undonda kana kuti zvinetso zvemirangariro zvenguva refu, izvo pane dzimwe nguva zvinotungamirira kunyanduko nokusanzwisisana mumhuri. Migariro yakadaro inogona sei kutarisirwa? Kupfurikidza nokuti mumwe nomumwe ave asingakurukuri here? Kupfurikidza nokuzviparadzanisa umene kunyange pamunenge muchigoverana musha mumwe chetewo here? Aiwa. Panzvimbo pezvo, tinofanira kukurukura funganyo dzedu ndokukumbira betsero. Uye inzvimboi iri nani nokuda kwaikoku kupfuura muboka remhuri ine rudo?—1 VaKorinte 16:14; 1 Petro 4:8.
14 Sokuziva kunoita chiremba upi noupi, kudzivirira kuri nani kupfuura kurapa. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvinetso zvemhuri. Kurukurirano yakajeka neyapachokwadi kazhinji kazhinji inogona kudzivisa zvinetso kuva zvakakomba. Kunyange kana zvinetso zvakakomba zvikamuka, zvinogona kutarisirwa uye kunyange kupedzwa kana mhuri ichirangarira pamwe chete nheyo dzeBhaibheri dzinobatanidzwa. Kazhinji kazhinji rwisano inogona kushandurwa kuva ukama hwakanaka kupfurikidza nokushandisa mashoko aPauro ari pana VaKorose 3:12-14, anoti: “Fukai mwoyo une tsitsi, mwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; . . . Fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”
Kuva Pamwe Chete Munhandaro
15, 16. (a) Ivarai rinofanira kusianisa mhuri dzechiKristu? (b) Mamwe marudzidziso anoparira rudzii rwavanhu, uye neiko?
15 Jehovha ndiMwari anofara, uye zvokwadi ishoko rinofadza—riya retariro nokuda kworudzi rwomunhu. Kupfuurirazve, chimwe chezvibereko zvomudzimu mufaro. Uyu mufaro wakasiana zvikuru nokufara kwechinguvana kwomumhanyi anokunda mumutambo wakati wamakwikwi. Iwo kunzwika kukuru kunopfuuridzirwa kwegutsikano kunopfachuka mumwoyo somuuyo wokusakurira ukama hwapedyo naJehovha. Mufaro wakavakirwa pazvinokosha zvomudzimu noukama hunovaka.—VaGaratia 5:22; 1 Timotio 1:11.
16 Naizvozvo, seZvapupu zvechiKristu zvaJehovha, hatina chikonzero chokuva vakasuruvara kana kuti vasingafari. Mamwe marudzidziso anoparira vanhu vakadaro nemhaka yokuti rudzi rwawo rwokutenda runosimbisa zvinhu zvakaipa. Dzidziso dzawo dzinoguma norudzi runosuruvarisa, rusingafadzi rwokunamata, urwo rwusiri rweBhaibheri uyewo rwusina kudzikama. Haapariri mhuri dzinofara mubasa raMwari. Jesu akaona kudikanwa kwenhandaro nevaraidzo. Pane imwe nhambo, somuenzaniso, akakoka vadzidzi vake kuti “uyai imi muri moga kunzvimbo murenje, muzorore zvishoma.”—Marko 6:30-32; Pisarema 126:1-3; Jeremia 30:18, 19.
17, 18. Mhuri dzechiKristu dzingafaranuka munzirai dzakakodzera?
17 Mhuri nenzira yakafanana dzinoda nguva yokufaranuka. Mumwe mubereki akati pamusoro pavana vake: “Tinoita zvinhu zvinofadza zvakawanda pamwe chete—kuenda kumhenderekedzo yegungwa, kutamba bhora mupaka, kuronga pikiniki mumakomo. Panhambo nenhambo, tinova ne‘zuva roupiona’ pamwe chete muushumiri; ipapo tinochengeta nezvokudya chaizvo, uye tingatopana zvipo.”
18 Zvimwe zvikarakadzo izvo vabereki vangarangarira inzendo dzemhuri kunzvimbo inochengeterwa mhuka, kumapaka enhandaro, kumiyuziyemu, uye kudzimwe nzvimbo dzinofadza. Kufamba mumasango, kutarira shiri, uye kushanda mubindu mibato inogona kugoveranwa nenzira inofarikanywa. Vabereki vanogonawo kukurudzira vana vavo kudzidza kuridza chiridzwa chamarimba kana kuti kupinda mubasa rokuzvifadza rinoshanda. Zvamazvirokwazvo, vabereki vakadzikama vachava nenguva yokutamba navana vavo. Kana mhuri dzichitamba pamwe chete, sezvingabvira zvikuru dzichagara pamwe chete!
19. Ikombamiroi yazvino uno inogona kukuvadza mhuri?
19 Kombamiro yazvino uno ndeyokuti vaduku vade kuparadzana nemhuri ndokuita zvavanoda pakunouya kuvaraidzo. Nepo pasina kuvadziko mukuva kwomunhu muduku nebasa rokuzvifadza kana kuti chokuvaraidzwa nacho chaanofarira chomunhu oga, kwaisazova kuchenjera kurega fariro dzakadaro dzichiparira kuparadzana kwechigarire navasara vemhuri yose. Panzvimbo pezvo, tinoda kushandisa nheyo iyo Pauro akataura: “Mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.”—VaFiripi 2:4.
20. Magungano nekokorodzano zvinogona sei kuva nguva dzinofadza?
20 Mufaro wakadini kuti tose zvedu tione mhuri dzichigara pamwe chete pakokorodzano namagungano! Nenzira iyoyo vana vakura vanogona kubetsera kazhinji kazhinji vaduku. Gadziriro yakadaro inodzivisawo kombamiro yavayaruki yokuenda vari mumapoka kumitsara yezvigaro yokushure ndokupa ngwariro shomanene kupurogiramu yekokorodzano. Kunyange kufamba kuenda nokubva kumagungano kunogona kuva kunofadza apo mhuri inobvunzwa pamusoro penzira yokutora, inzvimboi dzokuona munzira, uye kwokugara. Fungidzira kuti inofanira kuva yakanga iri nguva inofadza zvakadini muzuva raJesu kuti mhuri dzifambe pamwe chete kuenda kuJerusarema!—Ruka 2:41, 42.
Zvikomborero Zvokuva Pamwe Chete
21. (a) Tinogona sei kuvavarira kubudirira muroorano? (b) Ndezvipi zviri zvikarakadzo zvina zvakanaka nokuda kweroorano inogarisa?
21 Roorano dzinobudirira nemhuri dzakabatana hazvina kutongova nyore kuwana, uye hazvivepo netsaona. Vamwe vanoratidzika kuva vanokuwana kuri nyore zvikuru ku‘rega kuita nhamburiko ipi neipi,’ kuparadza roorano muchatanuro, uye kuedza kutangazve. Bva, zvinetso zvimwe chetezvo kazhinji kazhinji zvinozvipa zvimene muroorano yechipiri kana kuti yechitatu. Mhinduro iri nani zvikuru ndeyechiKristu: Vavarira kubudirira kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri dzorudo noruremekedzo. Mhuri dzakabatana dzinotsamira pamudzimu wokugoverana, wokusava noudyire. Mumwe mupi zano weroorano akakarakadza muitiro wakapfava wokuita kuti roorano dzigarise. Akanyora, kuti: “Zvinhu zvina zvinokosha zvinowanwa mudzinodokuva roorano dzakanaka dzose ndiko kudisa kuteerera, mano okukumbira ruregerero, simba rokugovera tsigiro yenguva dzose yomirangariro, uye chishuvo chokubata nenzira yorudo.” Zvinhu izvozvo zvinogona kubetsera zvamazvirokwazvo kuita kuti roorano igarise nemhaka yokuti zvakavakirwawo panheyo dzakanaka dzeBhaibheri.—1 VaKorinte 13:1-8; VaEfeso 5:33; Jakobho 1:19.
22. Ndedzipi dziri betsero dzakati dzokuva nemhuri yakabatana?
22 Kana tikatevera zano reBhaibheri, tichava nehwaro hwakasimba hwemhuri yakabatana, uye mhuri dzakabatana hwaro hwakanaka hweungano yakabatana neyakasimba mumudzimu. Nokudaro, tichagamuchira zvikomborero zvakawanda zvinobva kuna Jehovha sezvatinopa takabatana rumbidzo yakawedzerwa kwaari.
[Mashoko Omuzasi]
a “Mhuri rinobva muna familia, wechiL[atin] pa[kuvamba] vabatiri navaranda veimba huru, ipapo imba imene ina tenzi, amai, vana—uye vashandi.”—Origins—A Short Etymological Dictionary of Modern English, rakanyorwa naEric Partridge.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko kuchibetsera kuti mhuri dziitire zvinhu pamwe chete?
◻ Neiko fundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose ichikosha?
◻ Neiko kwakanaka kuti vabereki vapinde muushumiri hwomumunda pamwe chete navana vavo?
◻ Neiko kuchibetsera kukurukura zvinetso mukati meboka remhuri?
◻ Neiko mhuri dzechiKristu dzichifanira kusava dzakasuruvara nedzisingafari?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mhuri yenyu inofarikanya zvinenge hazvo zvokudya zvimwe pazuva pamwe chete here?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Nzendo dzemhuri dzinofanira kuva dzinozorodza nedzinofarikanywa