RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/07 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMay 14
  • Vhiki Inotanga naMay 21
  • Vhiki Inotanga naMay 28
  • Vhiki Inotanga naJune 4
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 5/07 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naMay 14

Rwiyo 205

10 min: Zviziviso Zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 uye Awake! yaMay.

20 min: Kutsigira Basa roUmambo Munzvimbo Yedu uye Munyika Yose. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muchitsauko 12 chebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

15 min: “Anopa Munhu Akaneta Simba.”aKana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsanangure magwaro aripo.

Rwiyo 1 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 21

Rwiyo 41

10 min: Zviziviso Zveungano. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.

15 min: Unogona Kudzidza Mumwe Mutauro! Hurukuro Inobva muMukai yaApril-June, 2007, mapeji 26-28 (kana kuti Awake yaMarch 2007). Simbisa zvakakoshera kudzidza mumwe mutauro nechinangwa chokuzivisa mashoko akanaka.

20 min: “Unotsigira Shoko raMwari Here?”bTaurawo mashoko ari mumabhokisi ari pamapeji 143-4 mubhuku reChikoro Choushumiri.

Rwiyo 202 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 28

Rwiyo 46

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMay. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye Awake! yaJune.

20 min: Govera Bhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri muna June. Ratidza zvimwe zviri mubhuku racho zvakakodzera nguva, uye enzanisira kugoverwa kungaitwa bhuku racho uchishandisa mharidzo yakakodzera ndima yenyu. Kana nguva iripo, kumbira kuti vateereri vataure nezvemigumisiro yakanaka yavakawana vachigovera bhuku iri shamwari dzavo kana kuti nhengo dzemhuri.

15 min: Zvakaitika Mubasa Romumunda. Rondedzera zvakaitika zvakafadza mapiyona ebetsero uye vamwe vaparidzi vakawedzera basa ravo roushumiri muna March, April, naMay. Taurawo zvakaitika kune vakadzokerazve kuvanhu vavakanga vagovera magazini nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri. Chakaitika chimwe kana kuti zviviri zvinogona kuenzanisirwa semaitikiro azvakaita.

Rwiyo 21 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 4

Rwiyo 99

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Dzidzisa Vana Vako Kurumbidza Jehovha.” cPaunokurukura ndima 4, taurawo mashoko ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 2005 papeji 3.

Rwiyo 169 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe