RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/07 p. 1
  • Unotsigira Shoko raMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unotsigira Shoko raMwari Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Kushandisa Bhaibheri Kwakurudzirwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • “Shoko raMwari . . . Rine Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 5/07 p. 1

Unotsigira Shoko raMwari Here?

1 Munyika ine vanhu vasingadaviri Bhaibheri, vaKristu vechokwadi vanotsigira Shoko raMwari nokushingaira. Sezvo tiine chokwadi chokuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” tinobvumirana naJesu Kristu, uyo akanyengetera kuna Jehovha achitaura pachena kuti: “Shoko renyu ichokwadi.” (2 Tim. 3:16; Joh. 17:17) Tingatsigira sei Shoko raMwari zvinobudirira?

2 Dzidza Magwaro: Hapana mubvunzo kuti Jesu aidzidza Shoko raMwari nomwoyo wose. Zvakamubatsira kuti adzidzise achishandisa Magwaro muushumiri hwake hwose. (Ruka 4:16-21; 24:44-46) Tingaita sei kuti tive nedura remagwaro mundangariro dzedu? Tinoita kudaro nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye tofungisisa ndima yatinenge taona kuti ndiyo inonyanya kukurudzira kana kubatsira muushumiri. Patinenge tichigadzirira misangano, tinofanira kutarisa nokuverenga muBhaibheri magwaro akaratidzwa togadzirira kupindura tichiashandisa. Pamisangano tinofanira kuverengawo muBhaibheri redu sezvo mukurukuri anoverenga rugwaro. Kudzidza magwaro eBhaibheri kuchatibatsira kuti ‘tibate shoko rechokwadi zvakarurama.’—2 Tim. 2:15.

3 Ita Kuti Bhaibheri Ritaure: Patinenge tichiparidzira, tinofanira kuita kuti Bhaibheri ritaure. Somuenzaniso, kana mamiriro ezvinhu achibvumira, tinofanira kuedza kuverengera saimba rugwaro. Kana aine zvaabvunza kana kuti akataura mafungiro akasiyana, zvakanaka kupindura tichishandisa Bhaibheri. Kunyange saimba aine zvaari kuita, tingakwanisa kusimbisa pfungwa yeBhaibheri tichiti, “Ndisati ndaenda ndingakuverengerai rugwaro urwu here?” Pazvinobvira verenga zvakananga muBhaibheri, saimba achionawo pauri kuverenga.

4 Mumwe saimba paakaratidzwa magwaro anoramba dzidziso yoUtatu, akabva ati, “Ndagara ndichienda kuchechi upenyu hwangu hwose, asi chokwadi ndaisaziva kuti Bhaibheri rinotaura zvakadai!” Akabva abvuma kudzidza Bhaibheri. Jesu akati makwai ake aizonzwa inzwi rake. (Joh. 10:16, 27) Nzira yakanakisisa yokuti vaya vane mwoyo yakatendeseka vazive chokwadi ndeyokuchiona zvakananga muMagwaro. Saka ngatitsigirei Shoko raMwari rechokwadi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe