“Anopa Munhu Akaneta Simba”
1 Tose zvedu tinoneta nguva nenguva. Hatingoneteswi nebasa redu chete kana kuti nezvimwe zvatinoita asiwo nezvinetso zvatinosangana nazvo mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Sevashumiri vaJehovha, tinowana sei simba mune zvokunamata rinodiwa kuti tisaderera muushumiri hwedu? Tinoriwana nokuvimba naJehovha, ane “simba guru.” (Isa. 40:26) Anoziva zvatinoda uye anofarira kutibatsira zvechokwadi.—1 Pet. 5:7.
2 Urongwa hwaJehovha: Jehovha anotipa simba achishandisa mudzimu mutsvene wake, simba rimwe chete risingakundikani raakashandisa kusika zvinhu zvose. Mudzimu waMwari unotibatsira ku“wanazve simba” kana taneta. (Isa. 40:31) Zvibvunze kuti, ‘Ndirini pandakapedzisira kunyengeterera mudzimu mutsvene zvakananga kuti undisimbise kuti ndiite zvandinotarisirwa somuKristu?’—Ruka 11:11-13.
3 Kana tikaverenga uye tikafungisisa zuva nezuva Shoko raMwari rakafuridzirwa uye tichikurudzirwa mune zvokunamata nokugara tichidzidza mabhuku edu echiKristu, tichaita “somuti [wakasvibirira] wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi.”—Pis. 1:2, 3.
4 Jehovha anoshandisawo vatinonamata navo, avo vanogona kuva ‘ruyamuro runotisimbisa.’ (VaK. 4:10, 11) Vanotisimbisa pamisangano yeungano, pavanokurukura nesu zvinovaka, pavanopindura uye pavanopa hurukuro dzavo. (Mab. 15:32) Vakuru vechiKristu ndivo vanonyanya kubatsira mune zvokunamata uye vanokurudzira zvinozorodza.—Isa. 32:1, 2.
5 Ushumiri: Kana uchinzwa kuti wava kuneta, usarega kuparidzira! Kusiyana nezvimwe zvatinoita, kugara tichiparidzira kunototizorodza. (Mat. 11:28-30) Kuparidzira mashoko akanaka kunotibatsira kuisa pfungwa dzedu paUmambo hwaMwari uye kuramba tiine tariro youpenyu husingaperi nezvikomborero zvahwo.
6 Pane zvizhinji zvokuita mamiriro ezvinhu aripo iye zvino asati aparadzwa. Tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tirambe takasimba mubasa redu, tichi“vimba nesimba rinopiwa naMwari.” (1 Pet. 4:11) Tichibatsirwa naJehovha tichapedza basa redu, nokuti “anopa munhu akaneta simba.”—Isa. 40:29.