Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi woMuvhuro, April 2. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera.
◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.
◼ Munhu wose, kusanganisira mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyo uye nzvimbo yachichachengeterwa.
◼ Chingwa newaini zvakakodzera zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 2003, pamapeji 14-15.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura nejira repatafura zvakakodzera zvinofanira kuunzwa kunzvimbo yamuchapindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.
◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa nguva isati yakwana.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kufanosarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakafanira yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokushambidzika zvinoremekedzeka.
◼ Urongwa hunofanira kuitwa kuti vakazodzwa vasingakwanisi kuvapo pamusana poutano hwavo vazopiwa chingwa newaini.
◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzichizoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye kwokupaka motokari.