RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/07 p. 1
  • ‘Taura Shoko raMwari Usingatyi’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Taura Shoko raMwari Usingatyi’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Unoparidza Usingatyi Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 4/07 p. 1

‘Taura Shoko raMwari Usingatyi’

1 Dzimwe nguva unombozeza here kutaura zvaunotenda kana ukawana mukana wacho kuchikoro kana kuti kubasa? Zvakakuomera here kuti upupure zvisina kurongwa kune voukama uye vavakidzani kana kuti zvimwe kune vanhu vausingazivi? Chii chichatibatsira tose zvedu kuti tishandise mikana yakakodzera yokuti ‘titaure shoko raMwari tisingatyi?’—VaF. 1:14.

2 Usazeza: Waizozeza here kudzivirira shamwari yepedyo kana kuti hama inenge yapomerwa zvenhema? Jehovha, Shamwari yedu yepedyo, ave achitaurwa zvisiri izvo kwezviuru zvemakore. Tine ropafadzo inoshamisa yokupa uchapupu nokuda kwaMwari wedu mukuru! (Isa. 43:10-12) Kuda Jehovha zvikuru kungatibatsira kuti tisanyara kana kuti kutya uye kungaita kuti titaure tisingazezi kupupurira chokwadi noushingi.—Mab. 4:26, 29, 31.

3 Yeuka kuti shoko redu mashoko akanaka. Richabatsira narini vaya vanoriteerera. Kufunga nezvokukosha kwebasa rokuparidza pane kufunga nezvedu kana kuti kufunga nezvevanhu vanotishora kuchatibatsira kuparidza noushingi.

4 Mienzaniso Yevamwe: Tinogona kusimbiswa nokutendeka kwevamwe vakataura shoko raMwari vasingatyi. Somuenzaniso, Inoki akazivisa noushingi nezvokutonga kwaizoita Jehovha vanhu vasingadi Mwari. (Jud. 14, 15) Noa akaparidza nokutendeka kuvanhu vaishora. (Mat. 24:37-39) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” vakaramba vachiparidza pasinei zvapo nokushorwa kunotyisa. (Mab. 4:13, 18-20) Nharireyomurindi neAwake! dzinowanzova nenyaya dzoupenyu dzemazuva ano dzinotaura nezvevaya vakaratidza kutenda muna Jehovha uko kwakaita kuti vakunde kutya munhu ndokuva vaevhangeri vanoshingaira.

5 Tingawana ushingi nokuverenga nezvoupenyu hwevashumiri vakatendeka vekare vakasangana nemamiriro ezvinhu akaoma. (1 Madz. 19:2, 3; Mako 14:66-71) Va“kava noushingi . . . naMwari wedu” uye vakataura vasingatyi. Saka isu tinogonawo kudaro!—1 VaT. 2:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe