RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/97 p. 1
  • Unobata Sei Nokusakendenga?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unobata Sei Nokusakendenga?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwarira Nguva Dzose Kudzidzisa Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Ini Handifariri”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Sumo Dzinobudirira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 10/97 p. 1

Unobata Sei Nokusakendenga?

1 Kusakendenga kushayikwa kwemirangariro, kushayikwa kwefariro kana kuti kwekuitira hanya. Ndechimwe chezvimiro zvendangariro zvakapararira uye chakaoma zvikuru chatinonangana nacho muushumiri. Unobata sei nacho? Chakakuparira kuderera muushumiri hwako here? Unogona sei kuchikurira kuitira kuti usvike vanhu neshoko roUmambo?

2 Kutanga, ziva kuti nei vanhu mundima yenyu vasingakendengi. Imhaka yokuti vakagumburwa nevatungamiriri vavo vezvematongerwe enyika uye vezverudzidziso here? Vanofunga kuti hakuna mhinduro yezvinetso zvavari kutarisana nazvo here? Havavimbi nezvipikirwa zvezvimwe zvinhu zviri nani here? Havadi kufunga pamusoro penhau dzomudzimu kutoti kana vakaona betsero chaidzoidzo nokukurumidza here?

3 Simbisa Tariro yoUmambo: Hapana chinetso chisingazopedzwi noUmambo. Naizvozvo kana tichigona, tinofanira kutaura pamusoro pezvipikirwa zvoUmambo, tichinongedzera kukutaura kunokosha kweMagwaro, kunyange zvisingabviri kana kuti zvisingashandi kuti tiratidze rugwaro rweBhaibheri. (VaH. 4:12) Zvisinei, tinogona sei kusvitsa kurukurirano padanho iroro?

4 Vanhu vanofanira kunzwisisa chinangwa chokushanya kwedu. Vanofanira kuziva kuti tiripo nemhaka yokuda muvakidzani uye kuitira hanya nzanga. Tinogona kubvunza mubvunzo wakanyatsofungwa wakadai sewokuti, “Chii chamunofunga kuti chichapedza [chinetso chiri kutapura nzanga]?” Kana mumwe mutoo wokusvika usingabudiriri, edza mumwe.

5 Mune imwe ndima yakabudirira zvikuru uko vanasaimba vakanga vasingafariri shoko roUmambo, vaparidzi vakavavarira kuwana sumo yaizonyandura fariro. Pakuratidza bhuku raZivo, vamwe varoorani vakaedza sumo iyi: “Munofunga kuti dzidzo yakanaka inokosha pakubudirira munyika nhasi here? Munobvuma kuti dzidzo yakakwana inobatanidza zivo yeBhaibheri here?” Mumasikati mamwe vakagovera mabhuku matatu, rimwe rawo kumukadzi uyo gare gare akataura kuti akanga arava bhuku rose raZivo uye akabvuma fundo yeBhaibheri.

6 Paunonangana nokusakendenga, edza mitoo yakasiyana-siyana yokusvika, bvunza mibvunzo inonyandura kufunga, uye shandisa simba reShoko raMwari. Nenzira iyoyo ungagona kubetsera vamwe kugamuchira tariro yedu inofadza yoUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe