RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/06 p. 1
  • Usasiya Rudo Rwawaimbova Narwo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usasiya Rudo Rwawaimbova Narwo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Usarega Rudo Rwako Ruchitonhora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Ida Jehovha Mwari Wako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 12/06 p. 1

Usasiya Rudo Rwawaimbova Narwo

1 Jesu akapiwa rukudzo akapa zano ungano yomuzana remakore rokutanga muEfeso kuti: “Ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” (Zvak. 2:4) Zviri pachena kuti vakawanda vakanga varega kuda kwavaimboita Jehovha. Patakanga tichidzidza chokwadi, takatanga kuda Mwari uye vavakidzani chaizvo, uye izvi zvakaita kuti tishingaire kuudza vamwe nezvetariro itsva yatakanga tawana. Chii chichaita kuti tisasiya rudo rwataimbova narwo uye chii chichaita kuti tisaderera muushumiri?

2 Kudzidza Tiri Toga uye Kupinda Misangano: Chii chakaita kuti titange kuda Mwari uye vavakidzani patakatanga kudzidza chokwadi? Zvakanga zvisiri zvinhu zvose zvatakadzidza nezvaJehovha muMagwaro here? (1 Joh. 4:16, 19) Naizvozvo, kuti rudo rwedu “rurambe ruchiwanda,” tinofanira kuramba tichiwana zivo yakarurama, tichitsvakurudza “zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—VaF. 1:9-11; 1 VaK. 2:10.

3 Kuramba tiine purogiramu yakanaka yokudzidza tiri toga kungava kwakaoma zvikuru mumazuva ano okupedzisira azere nezvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo uye zvinotsausa. (2 Tim. 3:1) Tinofanira kuronga nguva yokudzidza zvinhu zvine chokuita nokunamata papurogiramu yedu. Kupinda misangano yeungano nguva dzose kunokoshawo, kunyanya ‘zvatinoona zuva richiswedera pedyo.’—VaH. 10:24, 25.

4 Ushumiri: Kushingaira muushumiri kunobatsira kuti tirambe tichida Mwari sezvataimboita. Sezvatinoparidza mashoko akanaka, tinenge tichizviyeuchidza nezvezvipikirwa zvaJehovha zvinoratidza kuti anotida, uye izvi zvinobatsira kuti tirambe tiine tariro yakajeka uye tirambe tiine rudo. Kudzidzisa chokwadi cheBhaibheri kunoda kuti titsvakurudze kuti tinzwisise zvakajeka isu pachedu, uye izvi zvinosimbisa kutenda kwedu.—1 Tim. 4:15, 16.

5 Jehovha akakodzerwa nezvinhu zvose, kusanganisira rudo rwedu. (Zvak. 4:11) Usarega rwako ruchipera. Ita kuti rudo rwawaimbova narwo rurambe rwakasimba nokudzidza Bhaibheri nomwoyo wose uri woga, nokupinda misangano nguva dzose uye nokushingairira kuzivisa vamwe zvinhu zviri pamwoyo wako.—VaR. 10:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe