RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/06 pp. 7-8
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 10/06 pp. 7-8

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna October: Nharireyomurindi neAwake! Kana paine anenge afarira, muratidze bhurocha raRambai Makarinda! kuti ubatsire munhu wacho kuwedzera kufarira. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanasaimba vakati havana vana, govera turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? kana kuti rimwe rakakodzera. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana kuti mabhuku anotevera: Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, uye Kurarama Nokusingaperi kana muinawo. January: Chero bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana ungano yenyu isina, shandisa bhuku raZivo kana kuti bhurocha raRambai Makarinda!

◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2007” uye inofanira kuchengeterwa gore ra2007 rose.

◼ Hurukuro chaiyo yomwaka weChirangaridzo cha2007 ichapiwa nomusi weSvondo, April 15, 2007. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki yacho dzichava nehurukuro chaiyo iyi vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro chaiyo iyi April 15 asati asvika.

◼ Ungano dzinofanira kuodha Rugwaro Rwegore rwa2007 neodha dzadzo dzinotevera. Gore rapera vamwe vakanonoka kuisa odha uye vamwe vakakanganwa. Hapana urongwa huchaitwa nokuda kweodha dzinenge dzanonoka. Rugwaro Rwegore ruchawanika muChirungu, chiPutukezi, Shona, Silozi, Swahili, uye Zulu. Ungano dzingaodha rugwaro rwegore rumwe chete pamutauro woga woga. Rugwaro Rwegore harudhindwi nesangano saka tinofanira kutsigira zvikuru nemari yezvipo. Runofanira kuiswa musi waJanuary 1, 2007.

◼ Musaodha Masiripi Okukokera vanhu kuChirangaridzo a2007 sezvo achatumirwa kuungano imwe neimwe pachine nguva Chirangaridzo chisati chaitwa. Kana ungano dzichishandisa imba yoUmambo imwe chete, Anotarisira Mabhuku anofanira kuva nechokwadi chokuti ungano imwe neimwe yawana zvinhu zvayo. Masiripi okukokera vanhu kuChirangaridzo achawanika muChirungu, French, chiPutukezi, Shona, Swahili, uye Zulu. Kutanga muna 2007 zvichienda mberi, masiripi acho haazonyorwi kuti ndeegore ripi, saka akawanda angachengetwa kuti ashandiswe gore negore. Naizvozvo vaparidzi vanofanira kunyora nguva uye kero pamasiripi avari kushandisa panguva iyoyo bedzi nokuti anenge asara angazoshandiswa gore rinotevera kana asina kunyorwa. Kana muchida masiripi akawanda kana kuti emimwe mitauro isina kutaurwa pano, mungaaodha paFomu Rokuodha Mabhuku. Tapota ratidzai kuti aya ndeokuwedzera pane anotumirwa.

◼ Mabhuku Matsva Aripo: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! (Mabhii Makuru)—Chirungu, French, chiPutukezi, Swahili, Zulu. Bhuku iri rine mapeji 800 harina mifananidzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe