RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/06 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2007

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2007
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misoro Midiki
  • Mirayiridzo
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 10/06 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2007

Mirayiridzo

Muna 2007 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene [bi12-CA], Nharireyomurindi [w-CA], Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri [be-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA].

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko okugamuchira, chobva chaenderera mberi sezvakarongwa pasi apa. Hurukuro imwe neimwe yapera, mutariri wechikoro achasuma hurukuro inotevera.

UNYANZVI HWOKUTAURA: Maminitsi 5. Mutariri wechikoro, mupi wezano wechipiri, kana kuti mumwe mukuru anokwanisa achakurukura unyanzvi hwokutaura kubva mubhuku reChikoro Choushumiri. (Muungano dzine vakuru vashoma, vashumiri vanoshumira vanokwanisa vangashandiswa.)

HURUKURO NHA. 1: Maminitsi 10. Iyi inofanira kupiwa nomukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa, uye ichabva muNharireyomurindi, mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, kana kuti ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi gumi. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungotaura mashoko acho ose asi chokunyanya kutaura nezvokubatsira kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichanyanya kubatsira ungano. Unofanira kushandisa musoro wakaratidzwa. Hama dzinopiwa hurukuro iyi dzinotarisirwa kuti dzingwarire kuchengeta nguva. Hama idzi dzingapiwa zano risiri reparuzhinji kana zvakakodzera.

PFUNGWA HURU DZATINOWANA PAKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi mashanu okutanga, mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kuratidza kuti mashoko acho anoshanda sei kune zvinodiwa muungano. Angataura nezvechikamu chero chipi zvacho pakuverenga Bhaibheri kwakarongerwa vhiki yacho. Haafaniri kungopfupikisa chikamu chakarongwa kuti chiverengwe. Chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha. Mukurukuri anofanira kungwarira kusapfuudza maminitsi mashanu echikamu chokutanga. Anofanira kuva nechokwadi chokusiyira vateereri maminitsi mashanu kuti vataurewo. Vateereri vanofanira kukumbirwa kuti vataure mashoko mashoma (masekondi 30 kana kuti asingasviki) pamusoro pepfungwa dzakavanakidza pakuverenga Bhaibheri uye zvadzinobatsira. Zvadaro mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi vanofanira kuenda kune mamwe makirasi kuti vabude.

HURUKURO NHA. 2: Maminitsi 4 kana kuti asingasviki. Hama ndiyo inofanira kuverenga. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga mashoko acho asingapi sumo kana mhedziso. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kuti vaverenge vachinzwisisa, vachitsetsenura, vachisimbisa pfungwa zvakakodzera, vachisiyanisa inzwi, vachimbomira zvakakodzera, uye vakasununguka.

HURUKURO NHA. 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachapiwa marongero avangaita kana kuti vachasarudza pane ari papeji 82 yebhuku reChikoro Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakarongwa oratidza kuti ungashanda sei mubasa romumunda uye zvinoshanda mundima yeungano yenyu. Kana zvisina kuratidzwa kuti hurukuro yacho inobva papi, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku edu. Vadzidzi vatsva vanofanira kupiwa hurukuro dzakaratidzwa panobva mashoko acho. Mutariri wechikoro achanyanyofarira kukurukura kunoita mudzidzi mashoko acho uye kubatsira kwaanoita saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.

HURUKURO NHA. 4: Maminitsi 5. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro wakarongwa. Kana zvisina kuratidzwa kuti hurukuro yacho inobva papi, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku edu. Painopiwa hama, inofanira kutaurwa sehurukuro pachifungwa nezvevateereri vari muImba yoUmambo. Hanzvadzi painopiwa hurukuro iyi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvakarongerwa Hurukuro Nha. 3. Mutariri wechikoro angapa hama Hurukuro Nha. 4 pose paanoona kuti zvakakodzera kuita kudaro. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi nguva dzose inofanira kupiwa hama kuti dzikurukure sehurukuro.

ZANO: Miniti imwe. Mutariri wechikoro haafanozivisi unyanzvi hwokutaura huri kushandirwa nomudzidzi. Pashure peHurukuro Nha. 2, Nha. 3, uye Nha. 4, mutariri wechikoro achataura zvakanaka zvaaona pahurukuro yacho. Chinangwa chake hachisi chokungoti “maita zvakanaka,” asi ndechokuonesa zvikonzero chaizvo nei makurukurire acho anga achibatsira. Maererano nezvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, zano rokuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.

NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, uye mashoko omupi wezano haafaniri kupfuudza nguva. Hurukuro Nha. 2 kusvika ku4 dzinofanira kumiswa nokungwarira kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa hurukuro yokutanga younyanzvi hwokutaura, Hurukuro Nha. 1, kana kuti pfungwa huru dzatinowana pakuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kunyatsongwarira kuti vasapfuudza nguva. Purogiramu yose: Maminitsi 45, tisingatauri nguva yorwiyo nomunyengetero.

FOMU ROUNYANZVI HWOKUTAURA: Riri mubhuku.

MUPI WEZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi asiri mutariri wechikoro kuti ave mupi wezano wechipiri. Kana muungano muine vakuru vakawanda, ipapo vakuru vane unyanzvi vakasiyana vangachinjana kuita basa iri gore rimwe nerimwe. Basa romupi wezano wechipiri richava rokupa zano pasiri paruzhinji hama dzinopa Hurukuro Nha. 1 uye pfungwa huru dzatinowana pakuverenga Bhaibheri, kana zvakakodzera. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pose pavanopa hurukuro dzakadaro.

KUDZOKORORA: Maminitsi 30. Mwedzi miviri yoga yoga, mutariri wechikoro achatungamirira kudzokorora vateereri vachipindura. Pachatanga pakurukurwa unyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzatinowana pakuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro apa. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvinenge zvadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri inenge yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo. Kana ungano yenyu iine gungano redunhu vhiki yokudzokorora, ipapo kudzokorora kwacho (uye zvimwe zvose zvakarongerwa vhiki iyoyo) zvinofanira kuzoitwa vhiki inotevera uye zvevhiki inotevera yacho zvoitwa pagungano redunhu. Kana ungano yenyu iri kushanyirwa nomutariri wedunhu vhiki yokudzokorora, ipapo rwiyo, hurukuro younyanzvi hwokutaura, uye pfungwa huru dzatinowana pakuverenga Bhaibheri zvinofanira kuitwa sezvakarongwa. Hurukuro yokurayira (inopiwa pashure pounyanzvi hwokutaura) inofanira kutorwa papurogiramu yevhiki inotevera. Chikoro chaMwari Choushumiri chevhiki inotevera chichatanga nounyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzatinowana pakuverenga Bhaibheri sezvakarongwa, zvoteverwa nokudzokorora.

PUROGIRAMU

Jan. 1 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 24-28 Rwiyo 33

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Kwemashoko Acho (be-CA p. 158 ¶1-3)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro (be-CA p. 43 ¶1–p. 44 ¶3)

Nha. 2: Isaya 26:1-18

Nha. 3: Kubvisa Nhumbu—Nei Kusingabvumirwi? (rs-CA map. 115-6 ¶5)

Nha. 4: ‘Tingapfeka Sei Ishe Jesu Kristu’? (VaR. 13:14)

Jan. 8 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 29-33 Rwiyo 42

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kunzwisisa (be-CA p. 158 ¶4–p. 159 ¶3)

Nha. 1: Kugadzirira Musoro uye Kuronga (be-CA p. 44 ¶4–p. 46 ¶2)

Nha. 2: Isaya 30:1-14

Nha. 3: a Kupindura Munhu Anoti: ‘Ndine Kodzero Yokusarudza Zvinhu Zvine Chokuita Nomuviri Wangu’ (rs-CA p. 116 ¶6)

Nha. 4: Maziviro Atinoita Kuti Jehovha Mwari Anoda Vana

Jan. 15 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 34-37 Rwiyo 222

Unyanzvi Hwokutaura: Kusarudza Mashoko (be-CA p. 160 ¶1-3)

Nha. 1: Iva Nemaonero aJesu Ezvakanaka Nezvakaipa (w05-CA 1/1 map. 9-10 ¶11-15)

Nha. 2: Isaya 34:1-15

Nha. 3: Kukudziridza Kwaungaita Rudo Rwechokwadi

Nha. 4: Adhamu naEvha—Vanhu Chaivo Vakararama Kare Here? (rs-CA map. 25-6 ¶5)

Jan. 22 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 38-42 Rwiyo 61

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko ari Nyore Kunzwisisa (be-CA p. 161 ¶1-4)

Nha. 1: Usaodzwa Mwoyo Nokushorwa (w05-CA 1/1 p. 15 ¶16-18)

Nha. 2: Isaya 38:9-22

Nha. 3: b Kupindura Mumwe Munhu Anoti: ‘Chivi chaAdhamu Chakanga Chiri Kuda kwaMwari’ (rs-CA p. 27 ¶1-2)

Nha. 4: Nei Tisingafaniri Kufunga Kuti Vamwe Vane Vavariro Dzakaipa

Jan. 29 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 43-46 Rwiyo 113

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Akasiyana-siyana uye Akarurama (be-CA p. 161 ¶5–p. 162 ¶4)

Nha. 1: Nei Tichifanira Kubvuma Kutonga kwaJehovha (w05-CA 2/1 map. 23-4 ¶4-9)

Nha. 2: Isaya 45:1-14

Nha. 3: Nei Kunamata Madzisekuru Kusingabatsiri? (rs-CA p. 127 ¶1–p. 128 ¶6)

Nha. 4: c Nei vaKristu Vachidzivisa Kuzvienzanisa Kwemakwikwi

Feb. 5 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 47-51 Rwiyo 79

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Anobudisa Simba, Manzwiro Ako, Anojekesa (be-CA p. 163 ¶1–p. 164 ¶2)

Nha. 1: Shoko raJehovha Rinoita Kuti Tirambe Takachena uye Rinobatsira Pakuva Akatendeka (w05-CA 4/15 map. 11-12 ¶5-11)

Nha. 2: Isaya 50:1-11

Nha. 3: Nei Kunamata Madzisekuru Kusingafadzi Jehovha Mwari (rs-CA p. 128 ¶7–p. 129 ¶4)

Nha. 4: Bhaibheri Harikurudziri Kupanana Zvipo Here?

Feb. 12 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 52-57 Rwiyo 139

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Kunoenderana Nemitemo Yomutauro (be-CA p. 164 ¶3–p. 165 ¶1)

Nha. 1: Shoko raJehovha Rinopa Ushingi (w05-CA 4/15 p. 13 ¶12-14)

Nha. 2: Isaya 55:1-13

Nha. 3: Kurarama Upenyu Hwokuzvipira Kwakakodzera

Nha. 4: Ndivanaani Vanoramba Kristu? (rs-CA map. 27 ¶3–p. 29 ¶3)

Feb. 19 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 58-62 Rwiyo 189

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Pepa Rehurukuro (be-CA p. 166 ¶1–p. 167 ¶2)

Nha. 1: Bhuku raIsaya—Nei Richibatsira (si-CA p. 123 ¶34-9)

Nha. 2: Isaya 60:1-14

Nha. 3: Nei Kuva Muranda waMwari Kuri Chinhu Chinofadza?

Nha. 4: d Kuziva Vakatsauka Pakutenda (rs-CA p. 172 ¶2–p. 174 ¶2)

Feb. 26 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 63-66 Rwiyo 141

Unyanzvi Hwokutaura: Kuronga Pfungwa Dzako (be-CA p. 167 ¶3–p. 168 ¶1)

Kudzokorora

Mar. 5 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 1-4 Rwiyo 70

Unyanzvi Hwokutaura: Pepa Rako Rehurukuro Ngarive Nyore (be-CA p. 168 ¶2–p. 169 ¶5)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raJeremiya (si-CA p. 124 ¶1-5)

Nha. 2: Jeremiya 3:1-13

Nha. 3: Mufaro Wechokwadi Unobva Pai?

Nha. 4: e Tinofanira Kuona Sei Vakaramba Kutenda? (rs-CA p. 174 ¶3–p. 175 ¶5)

Mar. 12 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 5-7 Rwiyo 159

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana (be-CA p. 170 ¶1–p. 171 ¶2)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzeungano (be-CA p. 47 ¶1–p. 49 ¶1)

Nha. 2: Jeremiya 5:1-14

Nha. 3: Kristu Haana Kuvakira Chechi Pana Petro (rs-CA p. 176 ¶1–p. 177 ¶4)

Nha. 4: Kushandisa Chidzidzo Chatinowana Pana Eksodho 14:11 Munguva Yedu

Mar. 19 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 8-11 Rwiyo 182

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Mashoko Zvinotevedzana (be-CA p. 171 ¶3–p. 172 ¶5)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzepamusangano Webasa Nedzimwewo (be-CA p. 49 ¶2–p. 51 ¶1)

Nha. 2: Jeremiya 10:1-16

Nha. 3: Tinoziva Sei Kuti Abrahamu, Jobho, naDhanieri Vaitenda Murumuko?

Nha. 4: Kiyi Dzakashandiswa naPetro Dzaiva Chii? (rs-CA p. 177 ¶5–p. 180 ¶3)

Mar. 26 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 12-16 Rwiyo 205

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mashoko Akakodzera Chete (be-CA p. 173 ¶1-4)

Nha. 1: Rudzikinuro Runoratidza Kukura Kwakaita Kururama kwaMwari (w05-CA 11/1 map. 13-14)

Nha. 2: Jeremiya 12:1-13

Nha. 3: “Vatsivi Vevaapostora” Havasi vaKristu Vechokwadi (rs-CA p. 180 ¶4–p. 182 ¶7)

Nha. 4: MuKristu Anofanira Kudada Munzira Ipi?

Apr. 2 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 17-21 Rwiyo 30

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga (be-CA p. 174 ¶1–p. 175 ¶5)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzavose (be-CA p. 52 ¶1–p. 54 ¶1)

Nha. 2: Jeremiya 20:1-13

Nha. 3: Amagedhoni Icharwirwa Kupi? (rs-CA p. 29 ¶4–p. 31 ¶3)

Nha. 4: f Tinofanira Kuona Sei Zano?

Apr. 9 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 22-24 Rwiyo 184

Unyanzvi Hwokutaura: Kunzvenga Ngozi Dzinokonzerwa Nokukurukura Usingaiti Zvokuverenga (be-CA p. 175 ¶6–p. 177 ¶2)

Nha. 1: Zvinosarudzwa Nomukurukuri (be-CA p. 54 ¶2-4; p. 55, bhokisi)

Nha. 2: Jeremiya 23:1-14

Nha. 3: Nei Kuita Ushumiri Kuchitifadza

Nha. 4: Ndivanaani uye Chii Chichaparadzwa paAmagedhoni? (rs-CA p. 31 ¶4–p. 32 ¶2)

Apr. 16 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 25-28 Rwiyo 27

Unyanzvi Hwokutaura: Vamwe Pavanoda Kutsanangurirwa (be-CA p. 177 ¶3–p. 178 ¶3)

Nha. 1: Wedzera Mano Somudzidzisi (be-CA p. 56 ¶1–p. 57 ¶2)

Nha. 2: Jeremiya 26:1-15

Nha. 3: Ndivanaani Vachapona paAmagedhoni? (rs-CA p. 32 ¶3-8)

Nha. 4: Pasi Rakatukwa Munzirai? (Gen. 3:17)

Apr. 23 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 29-31 Rwiyo 148

Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Zvokukurukurirana (be-CA map. 179-80)

Nha. 1: “Siyanisa” (be-CA p. 57 ¶3–p. 58 ¶2)

Nha. 2: Jeremiya 31:1-14

Nha. 3: Nei Ukuru hwaJehovha Husina Pahunogumira?

Nha. 4: Amagedhoni—Hakusi Kukanganiswa Kworudo rwaMwari (rs-CA p. 33 ¶1-3)

Apr. 30 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 32-34 Rwiyo 100

Unyanzvi Hwokutaura: Runako Rwenzwi (be-CA p. 181 ¶1-4)

Kudzokorora

May 7 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 35-38 Rwiyo 165

Unyanzvi Hwokutaura: Fema Zvakanaka (be-CA p. 181 ¶5–p. 184 ¶1; p. 182, bhokisi)

Nha. 1: Kurudzira Vateereri Kufunga (be-CA p. 58 ¶3–p. 59 ¶3)

Nha. 2: Jeremiya 36:1-13

Nha. 3: Hazviiti Kusava Nokwawakarerekera paAmagedhoni (rs-CA p. 33 ¶4-7)

Nha. 4: VaKristu Vangakurira Sei Kusava Nechokwadi?

May 14 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 39-43 Rwiyo 56

Unyanzvi Hwokutaura: Sunungura Tsandanyama Dzakasungika (be-CA p. 184 ¶2–p. 185 ¶2; p. 184, bhokisi)

Nha. 1: Ratidza Kushanda Kwacho, uye Iva Muenzaniso Wakanaka (be-CA p. 60 ¶1–p. 61 ¶3)

Nha. 2: Jeremiya 39:1-14

Nha. 3: Isimba Raani Riri Kusundira Marudzi kuAmagedhoni? (rs-CA p. 33 ¶8–p. 34 ¶1)

Nha. 4: g Nei vaKristu Vechokwadi Vachiedza Kupfimbana Nenzira Yakachena

May 21 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 44-48 Rwiyo 122

Unyanzvi Hwokutaura: Kufarira Munhu Wacho (be-CA p. 186 ¶1-4)

Nha. 1: Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana (be-CA p. 62 ¶1–p. 64 ¶1)

Nha. 2: Jeremiya 46:1-17

Nha. 3: Kuzvinyengera Kudini, uye Tingakungwarira Sei?

Nha. 4: Kuziva Bhabhironi Romuna Zvakazarurwa (rs-CA p. 34 ¶2-3)

May 28 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 49-50 Rwiyo 95

Unyanzvi Hwokutaura: Nyatsoteerera (be-CA p. 187 ¶1-5)

Nha. 1: Mapfuuridzirwo Angaitwa Kurukurirano (be-CA p. 64 ¶2–p. 65 ¶4)

Nha. 2: Jeremiya 49:14-27

Nha. 3: Bhabhironi Rekare Raiva Nomukurumbira Wei? (rs-CA p. 35 ¶1–p. 36 ¶5)

Nha. 4: Nei Vabereki Vachifanira Kuverengera Vana Vavo

June 4 Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 51-52 Rwiyo 166

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kubudirira (be-CA p. 187 ¶6–p. 188 ¶3)

Nha. 1: Bhuku raJeremiya—Nei Richibatsira (si-CA p. 129 ¶36-9)

Nha. 2: Jeremiya 52:1-16

Nha. 3: Upenzi Kuramba Kutungamirirwa naMwari

Nha. 4: Nei Zvitendero Zvinoti ndezvechiKristu Zviri zveBhabhironi Guru (rs-CA p. 37 ¶1–p. 38 ¶1)

June 11 Kuverenga Bhaibheri: Mariro 1-2 Rwiyo 129

Unyanzvi Hwokutaura: Kupa Ruyamuro Runobatsira (be-CA p. 188 ¶4–p. 189 ¶4)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raMariro (si-CA map. 130-1 ¶1-7)

Nha. 2: Mariro 2:1-10

Nha. 3: Nei Zviri Zvokukurumidzira Kubuda muBhabhironi Guru (rs-CA p. 38 ¶2-7)

Nha. 4: Nei Kuva Nomutsa Wechokwadi Kusiri Kukanganisa

June 18 Kuverenga Bhaibheri: Mariro 3-5 Rwiyo 140

Unyanzvi Hwokutaura: Vamwe Varemekedzwa (be-CA p. 190 ¶1–p. 191 ¶1)

Nha. 1: Bhuku raMariro—Nei Richibatsira (si-CA p. 132 ¶13-15)

Nha. 2: Mariro 4:1-13

Nha. 3: Zvinoreva Rubhabhatidzo, uye Nei Vatendi Vachibhabhatidzwa (rs-CA p. 305 ¶2-5)

Nha. 4: h Nei vaKristu Vechokwadi Vasingaitiwo Zvematongerwo Enyika

June 25 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 1-5 Rwiyo 1

Unyanzvi Hwokutaura: Kubvuma Kwokuremekedza (be-CA p. 191 ¶2–p. 192 ¶1)

Kudzokorora

July 2 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 6-10 Rwiyo 26

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Zvine Ruremekedzo (be-CA p. 192 ¶2–p. 193 ¶2)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raEzekieri (si-CA map. 132-3 ¶1-6)

Nha. 2: Ezekieri 7:1-13

Nha. 3: Zvaunofanira Kuita Kuti Uswedere Pedyo naJehovha (Jak. 4:8)

Nha. 4: Rubhabhatidzo rwechiKristu, Harusi Rwokusasa Mvura, Harusi Rwevacheche (rs-CA p. 306 ¶1-6)

July 9 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 11-14 Rwiyo 112

Unyanzvi Hwokutaura: Ataurwa Nechivimbo (be-CA p. 194 ¶1–p. 195 ¶2)

Nha. 1: Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo (w05-CA 6/1 map. 29-30)

Nha. 2: Ezekieri 11:1-13

Nha. 3: Rubhabhatidzo Rwomumvura Runobvisa Zvivi Here? (rs-CA p. 306 ¶7–p. 307 ¶2)

Nha. 4: Tinofanira Kunzwisisa Sei Zvakazarurwa 17:9-11?

July 16 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 15-17 Rwiyo 29

Unyanzvi Hwokutaura: Kuratidzwa Kunoita Chivimbo (be-CA p. 195 ¶3–p. 196 ¶4)

Nha. 1: Ramba Kufunga Kwakaipa! (w05-CA 9/15 map. 26-8)

Nha. 2: Ezekieri 16:1-13

Nha. 3: Zvinoreva Kuva Munhu Ane Njere (Zvir. 13:16)

Nha. 4: Ndiani Anobhabhatidzwa Nomudzimu Mutsvene? (rs-CA p. 307 ¶3–p. 308 ¶5)

July 23 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 18-20 Rwiyo 193

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera asi Wakatsiga (be-CA p. 197 ¶1-3)

Nha. 1: Kunzwisisa Maonero Eabvunza (be-CA p. 66 ¶1–p. 68 ¶1)

Nha. 2: Ezekieri 18:19-29

Nha. 3: Kubhabhatidzwa Nomoto Kwakasiyana Nokubhabhatidzwa Nomudzimu (rs-CA p. 308 ¶6–p. 309 ¶4)

Nha. 4: Uchapupu Hwokuti Umambo hwaMwari Chinhu Chaichoicho

July 30 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 21-23 Rwiyo 35

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera Pakupupurira (be-CA p. 197 ¶4–p. 199 ¶1)

Nha. 1: Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita (be-CA p. 68 ¶2–p. 70 ¶4)

Nha. 2: Ezekieri 23:1-17

Nha. 3: Zvikonzero Zvokudzidza Bhaibheri (rs-CA p. 39 ¶1–p. 40 ¶5)

Nha. 4: Ndeapi Ari Maonero Akanaka Oukuru?

Aug. 6 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 24-27 Rwiyo 37

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Akakodzera Panguva Yakakodzera (be-CA p. 199 ¶2-5)

Nha. 1: Kunyorerana Tsamba (be-CA map. 71-3)

Nha. 2: Ezekieri 24:1-14

Nha. 3: Mosesi Aiva Muenzaniso Wakaisvonaka kuvaKristu Munzira Dzipi?

Nha. 4: Uchapupu hwaIsaya naJeremiya Hwokufuridzirwa kweBhaibheri (rs-CA p. 41 ¶1–p. 42 ¶2)

Aug. 13 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 28-31 Rwiyo 123

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera Tiine Mhuri uye Vamwe (be-CA p. 200 ¶1-4)

Nha. 1: Budirira—Fambira Mberi (be-CA p. 74 ¶1–p. 75 ¶3)

Nha. 2: Ezekieri 28:1-16

Nha. 3: Kuzadzika kwoUprofita hwaJesu Kunoratidza Kufuridzirwa kweBhaibheri (rs-CA p. 42 ¶3-4)

Nha. 4: Shoko Rokuti “Kuvenga” Rinorevei muMagwaro?

Aug. 20 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 32-34 Rwiyo 215

Unyanzvi Hwokutaura: Zvinokurudzira uye Zvakanaka (be-CA p. 202 ¶1–p. 203 ¶2)

Nha. 1: Shandisa Chipo Chako (be-CA p. 75 ¶4–p. 77 ¶2)

Nha. 2: Ezekieri 34:1-14

Nha. 3: Mudzimu waMwari Unotibatsira Sei?

Nha. 4: Bhaibheri Rakarurama Mune Zvesayenzi (rs-CA p. 43 ¶1–p. 45 ¶1)

Aug. 27 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 35-38 Rwiyo 94

Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Kuti Matauriro Ako Akurudzire (be-CA p. 203 ¶3–p. 204 ¶1)

Kudzokorora

Sept. 3 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 39-41 Rwiyo 194

Unyanzvi Hwokutaura: Pakutaura Nevaunonamata Navo (be-CA p. 204 ¶2–p. 205 ¶4)

Nha. 1: Nei Tichifanira Kuda Shoko raMwari? (w05-CA 4/15 map. 15-16 ¶3-6)

Nha. 2: Ezekieri 40:1-15

Nha. 3: Chaizvoizvo Vanhu Vangafadza Mwari Here?

Nha. 4: i Kupindura Vanhu Vanoramba Zvinhu Zvine Chokuita neBhaibheri (rs-CA p. 45 ¶2–p. 48 ¶4)

Sept. 10 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 42-45 Rwiyo 77

Unyanzvi Hwokutaura: Kudzokorora Kuti Usimbise (be-CA p. 206 ¶1-4)

Nha. 1: Kukwegura Pakunova “Korona Yakaisvonaka” (w05-CA 1/15 map. 8-9)

Nha. 2: Ezekieri 43:1-12

Nha. 3: Nei vaKristu Vasingapembereri Mazuva Okuzvarwa (rs-CA p. 425 ¶2–p. 427 ¶2)

Nha. 4: j Tingaziva Sei ‘Inzwi Revaeni’? (Joh. 10:5)

Sept. 17 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 46-48 Rwiyo 164

Unyanzvi Hwokutaura: Kudzokorora Muushumiri Hwomumunda uye Muhurukuro (be-CA p. 207 ¶1–p. 208 ¶4)

Nha. 1: Bhuku raEzekieri—Nei Richibatsira (si-CA p. 137 ¶29-33)

Nha. 2: Ezekieri 47:1-14

Nha. 3: Nei vaKristu Vachirega Ropa? (rs-CA p. 299 ¶5–p. 301 ¶1)

Nha. 4: k Nei Nhaka Huru Yezvokunamata Iri Chipo Chakanakisisa Icho Vabereki Vangapa Vana Vavo

Sept. 24 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 1-3 Rwiyo 179

Unyanzvi Hwokutaura: Musoro Wanyatsokurukurwa (be-CA p. 209 ¶1-3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raDhanieri (si-CA map. 138-9 ¶1-6)

Nha. 2: Dhanieri 2:1-16

Nha. 3: Nei Nhamba ye144 000 Ichitorwa Sezvairi (Zvak. 7:4)

Nha. 4: Nei vaKristu Vechokwadi Vasingabvumi Kuwedzerwa Ropa (rs-CA p. 301 ¶2–p. 302 ¶3)

Oct. 1 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 4-6 Rwiyo 14

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Musoro Wakafanira (be-CA p. 210 ¶1–p. 211 ¶1; p. 211, bhokisi)

Nha. 1: Ndepapi Pakakodzera Kuti Utsamwe? (w05-CA 8/1 map. 13-15)

Nha. 2: Dhanieri 4:1-17

Nha. 3: Tingatevedzera Sei Unhu Hwakanaka hwaMefibhosheti?

Nha. 4: l Kupindura Zvingataurwa Nezvokuwedzerwa Ropa (rs-CA p. 303 ¶1–p. 305 ¶1)

Oct. 8 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 7-9 Rwiyo 34

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena (be-CA p. 212 ¶1–p. 213 ¶1)

Nha. 1: “Shoko” raJehovha Ngarikuchengetedze (w05-CA 9/1 map. 28-31)

Nha. 2: Dhanieri 7:1-12

Nha. 3: Kuberekwa Kutsva Kunorevei? (rs-CA p. 107 ¶1–p. 108 ¶2)

Nha. 4: Mufaro Wei Unobva Pakuita Ushumiri Hwomumunda Nguva Dzose?

Oct. 15 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 10-12 Rwiyo 210

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzisina Kuwandisa (be-CA p. 213 ¶2–p. 214 ¶5)

Nha. 1: Bhuku raDhanieri—Nei Richibatsira (si-CA map. 141-2 ¶19-23)

Nha. 2: Dhanieri 11:1-14

Nha. 3: Kubatsirwa Kwatingaitwa Nokuzvininipisa Kuti Tikurire Kusanzwisisana

Nha. 4: Kuponeswa Hakubvi Pakuberekwa Kutsva (rs-CA p. 108 ¶3–p. 109 ¶2)

Oct. 22 Kuverenga Bhaibheri: Hosiya 1-7 Rwiyo 66

Unyanzvi Hwokutaura: Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire (be-CA p. 215 ¶1–p. 216 ¶5)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raHosiya uye Nei Richibatsira (si-CA map. 143-5 ¶1-8, 14-17)

Nha. 2: Hosiya 5:1-15

Nha. 3: a Kupindura Pfungwa Dzine Chokuita Nokuberekwa Kutsva (rs-CA p. 109 ¶4–p. 110 ¶3)

Nha. 4: Nzira Idzo vaKristu Vechokwadi Vanoratidza Nadzo Kuti Vanoshivirira

Oct. 29 Kuverenga Bhaibheri: Hosiya 8-14 Rwiyo 59

Unyanzvi Hwokutaura: Kuteererwa Nevanhu Mubasa Romumunda (be-CA p. 217 ¶1-4)

Kudzokorora

Nov. 5 Kuverenga Bhaibheri: Joeri 1-3 Rwiyo 166

Unyanzvi Hwokutaura: Kuzivisa Zvauri Kutaura Nezvazvo Musumo (be-CA p. 217 ¶5–p. 219 ¶3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raJoeri uye Nei Richibatsira (si-CA map. 146-8 ¶1-5, 12-14)

Nha. 2: Joeri 2:1-14

Nha. 3: Zvinoreva Kuva No“rudo Rwakakwana” (1 Joh. 4:18)

Nha. 4: Kureurura Kuvapristi—Nei Kusiri kwomuMagwaro? (rs-CA p. 134 ¶3–p. 135 ¶9)

Nov. 12 Kuverenga Bhaibheri: Amosi 1-9 Rwiyo 211

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Okupedzisira Anobudirira (be-CA p. 220 ¶1-3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raAmosi uye Nei Richibatsira (si-CA map. 148-50 ¶1-6, 13-17)

Nha. 2: Amosi 2:1-16

Nha. 3: Nei Zvakamboitika Muupenyu Zvisiri Izvo Zvinonyatsodzidzisa

Nha. 4: Kureurura Zvivi Zvatinoitira Mwari Nevanhu (rs-CA p. 137 ¶2-8)

Nov. 19 Kuverenga Bhaibheri: Obhadhiya 1–Jona 4 Rwiyo 220

Unyanzvi Hwokutaura: Zvinhu Zvokugara Uchiyeuka (be-CA p. 220 ¶4–p. 221 ¶4)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raObhadhiya neraJona uye Nei Achibatsira (si-CA map. 151-3 ¶1-5, 10-14; map. 153-5 ¶1-4, 9-12)

Nha. 2: Jona 1:1-17

Nha. 3: Nei Paradhiso Yezvokunamata Ichifanira Kutangira Paradhiso Yepasi Pano

Nha. 4: b Nei Zvivi Zvakakomba Zvichifanira Kureururwa Kuvakuru? (rs-CA p. 137 ¶9–p. 138 ¶4)

Nov. 26 Kuverenga Bhaibheri: Mika 1-7 Rwiyo 18

Unyanzvi Hwokutaura: Muushumiri Hwomumunda (be-CA p. 221 ¶5–p. 222 ¶6)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raMika uye Nei Richibatsira (si-CA map. 155-8 ¶1-8, 16-19)

Nha. 2: Mika 2:1-13

Nha. 3: Zvinoreva Kuva Munyoro

Nha. 4: Nei Zviine Musoro Kutenda Zvakasikwa (rs-CA p. 60 ¶1–p. 61 ¶2)

Dec. 3 Kuverenga Bhaibheri: Nahumi 1–Habhakuki 3 Rwiyo 137

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Zvinhu Zvakarurama (be-CA p. 223 ¶1-5)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raNahumi neraHabhakuki uye Nei Achibatsira (si-CA map. 158-60 ¶1-7, 11-12; map. 161-3 ¶1-5, 12-14)

Nha. 2: Habhakuki 1:1-17

Nha. 3: Kunzwisisa Nhoroondo yeBhaibheri Yokusika (rs-CA p. 62 ¶1–p. 64 ¶1)

Nha. 4: Nei Kurarama Nokusingaperi Kusingazofinhi

Dec. 10 Kuverenga Bhaibheri: Zefaniya 1–Hagai 2 Rwiyo 78

Unyanzvi Hwokutaura: “Anobatisisa Shoko Rakatendeka” (be-CA p. 224 ¶1-4)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raZefaniya neraHagai uye Nei Achibatsira (si-CA map. 163-6 ¶1-6, 10-12; map. 166-8 ¶1-7, 13-16)

Nha. 2: Zefaniya 3:1-17

Nha. 3: Nei Kunamata Chipiyaniso Kusiri kwomuMagwaro? (rs-CA p. 52 ¶1-7)

Nha. 4: c Kukura Mune Zvokunamata Kunobatsira Sei Muchato?

Dec. 17 Kuverenga Bhaibheri: Zekariya 1-8 Rwiyo 209

Unyanzvi Hwokutaura: Kuongorora Kururama Kwemashoko (be-CA p. 225 ¶1-3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raZekariya (si-CA map. 168-9 ¶1-7)

Nha. 2: Zekariya 7:1-14

Nha. 3: Zvakaratidzwa Pakushanduka Chitarisiko Zvave Zvichizadzika Sei?

Nha. 4: Mazera Evanhu Vakararama Mafashamo Asati Aitika Aiyerwa Sezvatinoita Here? (rs-CA p. 239 ¶5–p. 240 ¶2)

Dec. 24 Kuverenga Bhaibheri: Zekariya 9-14 Rwiyo 202

Unyanzvi Hwokutaura: Zvinonzwisiswa Nevamwe (be-CA p. 226 ¶1–p. 227 ¶1)

Nha. 1: Bhuku raZekariya—Nei Richibatsira uye Kusuma Bhuku raMaraki uye Nei Richibatsira (si-CA map. 171-2 ¶23-7; map. 172-5 ¶1-6, 13-17)

Nha. 2: Zekariya 10:1-12

Nha. 3: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiti Umambo hwaMwari Hwakagadzwa Muna 1914? (rs-CA p. 240 ¶3–p. 242 ¶3)

Nha. 4: Tingagadzirira Sei Kutambudzwa?

Dec. 31 Kuverenga Bhaibheri: Maraki 1-4 Rwiyo 118

Unyanzvi Hwokutaura: Kutsanangura Mashoko Asina Kujairwa (be-CA p. 227 ¶2–p. 228 ¶1)

Kudzokorora

[Mashoko Omuzasi]

a Kana nguva iripo, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, uye kuramba kunoita vanhu zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

b Kana nguva iripo, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, uye kuramba kunoita vanhu zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

c Inopiwa hama chete.

d Inopiwa hama chete.

e Inopiwa hama chete.

f Inopiwa hama chete.

g Inopiwa hama chete.

h Inopiwa hama chete.

i Kana nguva iripo, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, uye kuramba kunoita vanhu zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

j Inopiwa hama chete.

k Inopiwa hama chete.

l Kana nguva iripo, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, uye kuramba kunoita vanhu zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

a Kana nguva iripo, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, uye kuramba kunoita vanhu zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

b Inopiwa hama chete.

c Inopiwa hama chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe