Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naSeptember 11
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vanhu vose kuti vaone vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki yaSeptember 25. [Kana kuti kurudzira vose kuti vaverenge chitsauko 8 mubhuku rinonzi Vechiduku.] Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 15 uye Awake! yaSeptember. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti ‘Ini ndine chitendero changu.’—Ona bhuku raKurangarira mapeji 18-19.
20 min: Batsirwa noMusangano Webasa uye Chikoro chaMwari Choushumiri. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, kutangira pamusoro muduku uri papeji 64 kusvika pamusoro muduku uri papeji 69.
15 min: Tsamba yeBazi. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mutsamba iri papeji yokutanga muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno.
Rwiyo 126 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 18
5 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Takaita Sei Gore Rapera? Mutariri webasa anokurukura zvatakaita mugore rebasa rapera, achinyanya kutaura zvinhu zvakanaka zvakaitwa muushumiri. Varumbidze zvakakodzera. Taura chinhu chimwe kana kuti zviviri izvo ungano ingada kushandira pazviri mugore rinotevera. Taura basa remapiyona, uchivarumbidza nezvebasa ravo rakanaka. Rondedzera zvakanaka zvakavapo pakuedza kubatsira vaya vasingachaiti basa.
25 min: “Mushandirapamwe waOctober 16–November 12!” Kukurukura kune upenyu kunoitwa nomukuru. Paunenge waverenga chiziviso chiri mutsamba yakatumirwa vakuru yomusi waJune 6, 2006, ipa munhu wose aripo turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37. Zvadaro kurukura nemibvunzo nemhinduro nyaya yacho. Taura urongwa hweungano hwokuparadzira turakiti racho mundima yose. Kurudzira vaparidzi vose kuti vanyatsoita basa iri. Ita kuti mharidzo pfupi ienzanisirwe.
Rwiyo 50 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 25
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaSeptember. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 1 kana kuti Awake! yaOctober pakupupurira kwomumugwagwa.
25 min: “Vhidhiyo Inofanira Kufungisiswa.”a Paunenge uchikurukura ndima 1, kumbira vari muungano kutaura muchidimbu mashoko avo pachavo nezvevhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Zvadaro kurukura mubvunzo mumwe nomumwe uri mundima 2-7. [Kana musina vhidhiyo yacho, pindurai mibvunzo iri mundima 2-5 munyaya iyi, inobva muchitsauko 8 chebhuku rinonzi Vechiduku.] Pakugumisa, kurudzira mhuri kuti dzionewo pamwe chete munguva yemberi DVD inonzi Young People Ask—What Will I Do With My Life? [Kana kuti kuverenga chitsauko 22 mubhuku rinonzi Vechiduku chine musoro unoti “Ibasai Randinofanira Kusarudza?”]
10 min: Zvinoitika zveungano. Kumbira vateereri kuti vataure zvakaitika zvavakava nazvo pavaigovera Awake! kana kuti pakutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pakushanya kwokutanga vachishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Chakaitika chimwe kana zviviri zvinofadza zvinogona kuenzanisirwa semaitikiro azvakaita.
Rwiyo 183 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 2
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Kupupurira Paimba Neimba.”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro aripo.
Rwiyo 127 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.