Kuzadzisa Kwaungaita Zvinangwa Zvako Zvokunamata
1. VaKristu vechiduku vakawanda vane zvinangwa zvei zvokunamata?
1 SomuKristu wechiduku, hapana mubvunzo kuti zvinangwa zvako muupenyu zvinobva pakuda kwaunoita Jehovha uye pamashoko aJesu kuvaKristu vose okuti ‘vatange kutsvaka umambo.’ (Mat. 6:33) Chinangwa chako chingava chokuwedzera ushumiri hwako nokushanda sapiyona kana kuti kunoshanda kunodiwa vazivisi voUmambo vakawanda. Vamwe vangave vachifunga nezvekuzvipira kuita basa rokuvaka munyika yose, kushanda pabazi, kana kuti kuita basa roumishinari. Izvi zvinangwa zvinogutsa uye zvinorumbidzwa zvikuru!
2. Chii chingakubatsira kuti uzadzise zvinangwa zvako zvokunamata?
2 Chimwe chinobatsira kuti uzadzise zvinangwa zvako zvokunamata kuzvinyora pasi. Nharireyomurindi yaJuly 15, 2004, yakati: ‘Pfungwa isina kujeka inozojeka paunosarudza mashoko okuitaura. Naizvozvo unganyora papepa zvinangwa zvako uye marongero aunoita kuti uzvizadzise.’ Uyezve, zvinangwa zvenguva pfupi zvinogona kukubatsira kuongorora kufambira mberi kwako woramba wakatsunga sezvaunovavarira kuita chinangwa chenguva refu.
3. Taura zvinangwa zvenguva pfupi zvinogona kubatsira munhu kuti abhabhatidzwe.
3 Zvinangwa Zvenguva Pfupi: Kana usati wabhabhatidzwa, funga zvaunofanira kuita kuti uzadzise chinangwa ichocho. Ungada kunyatsonzwisisa dzidziso huru dzeBhaibheri. Kana zvakadaro, vavarira kuti unyatsodzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uchitarira magwaro ose arimo. (1 Tim. 4:15) Ivawo nechinangwa chokuverenga Bhaibheri rose kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa, sezvinotarisirwa kuvashandi vepaBheteri nevadzidzi vokuGiriyedhi. Zvadaro, ramba uine purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Pis. 1:2, 3) Chimbofunga kubatsira kwazvinoita kuti ukure mune zvokunamata! Tanga uye gumisa nomunyengetero womwoyo wose pose paunoverenga Bhaibheri uye paunodzidza, wogara uchiedza kushandisa zvaunodzidza.—Jak. 1:25.
4. Zvinangwa zvipi zvenguva pfupi zvinogona kuitwa nomuKristu ane zvinangwa zvenguva refu zvokuzoshanda paBheteri kana kuti mubasa roumishinari?
4 Kana wakatobhabhatidzwa, ndezvipi zvimwe zvinangwa zvaunogona kuita? Unofanira kuvandudza unyanzvi hwako hwokuparidza here? Somuenzaniso, ungavavarira here kuti uve nounyanzvi hwokushandisa Shoko raMwari muushumiri hwomumunda? (2 Tim. 2:15) Ungawedzera sei ushumiri hwako? Iva nezvinangwa zvenguva pfupi zvinoenderana nezera rako uye mamiriro ako ezvinhu uye izvozvo zvichakubatsira kuzadzisa zvinangwa zvako zvenguva refu.
5. Kuronga zvinangwa zvenguva pfupi kwakabatsira sei imwe hama kuti izadzise chinangwa chayo chokushanda paBheteri?
5 Nyaya Yomunhu Akabudirira: Tony ane makore 19 paakashanyira hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha, akava neshungu dzokuda kushanda paBheteri. Zvisinei, mararamiro ake akanga asina kunaka, uye akanga asati atombozvitsaurira kuna Mwari. Tony akasarudza kugadzirisa upenyu hwake kuti huenderane nenzira dzaJehovha ndokuvavarira kuti abhabhatidzwe. Azadzisa chinangwa ichocho, akavavarira kuva piyona webetsero uye zvadaro wenguva dzose, uye ainyora pakarenda misi yaaida kuzotanga. Chimbofunga kufara kwaakaita paakakokwa kuzoshanda paBheteri pashure pokupayona kwenguva yakati!
6. Chii chingakubatsira kuzadzisa zvinangwa zvako zvokunamata?
6 Newewo unogona kuzadzisa zvinangwa zvako zvokunamata nokutanga kutsvaka zvinhu zvine chokuita noUmambo. Isa “mabasa ako” pamberi paJehovha mumunyengetero woedza kushingairira kuaita.—Zvir. 16:3; 21:5.