Pwere—Ndedzipi Dziri Vavariro Dzenyu Dzomudzimu?
1 Jehovha anoziva kukosha kunoita basa rinogutsa nevavariro dzinosvikika mukuunza mufaro. (Ona Genesi 1:28; 2:15, 19.) Nhasi, Jehovha akapa vanhu vake basa rekuparidza nekudzidzisa. Uyewo tine vavariro yekupedzisira yekuwana upenyu husingaperi muParadhiso. Munguvayi, tinofanira kugadza vavariro dzomudzimu dzinofambira mberi kana tichizodzivisa kushandisira simba redu nepfuma pasiri ipo.—1 VaK. 9:26.
2 Vavariro Dzinosvikika Nokuda Kwevanhu Vaduku: Pwere dzinofanira kuva nevavariro dzeubati ushe hwaMwari dzinosvikika maererano nemano adzo emunhu oga. (1 Tim. 4:15) Vamwe vanhu vaduku zvikuru vakaita vavariro yekuziva nemusoro mabhuku eBhaibheri kunyange vasati vadzidza kurava. Kupfurikidza nefundo yemhuri, vana vanodzidza kugadzirira misangano kuitira kuti vagogona kusvitsa vavariro yekuita tsinhiro dzine mufungo uye kunyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Apo vana vanoperekedza vabereki vavo mubasa remumunda, vanodzidza kuva norutivi mukupa uchapupu sezvo vanofambira mberi kusvika vavariro yekuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Vabereki vanofanira kusimbisira kuvana vavo vaduku vavariro yekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa.
3 Kana uri wechiduku, vavariro dzako dzomudzimu dzinobatanidzei? “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako,” kupfurikidza nokuisa ngwariro pazvinhu zvinokosha chaizvoizvo muupenyu. (Mup. 12:1; Pis. 71:17) Kuregererei kuita upiyona hwebetsero mukati memwedzi yaunenge usingaendi kuchikoro? Wakafunga here nezvokuita ushumiri hwenguva yakazara sapiyona wenguva dzose? Zvakadini nokudzidza mutauro mutsva kuitira kuti munguva yemberi ugobatsira boka rinotaura mutauro wokumwe kana kuti ungano iri munharaunda yenyu kana kuti kumwewo zvako? Vakawanda vari kubatira zvino paBheteri kana kuti sevatariri vanofambira kana kuti sevafundisi vakagadza basa chairo renguva yakazara senharidzano yavo apo vakanga vachiri kuchikoro. Kuregererei kuita zvimwe chetezvo?
4 Paunenge uchiri wezera duku, vavarira kutevedzera muenzaniso waJesu. Kunyange pazera duku remakore 12, aitaura norusununguko pamusoro pezvinhu zvomudzimu. (Ruka 2:42-49, 52) Kuzvigadzira vavariro dzinobetsera dzokuita fundo yemunhu oga, kurava Bhaibheri zuva nezuva, uye kusonganirana nguva dzose neVakristu vakakura mumudzimu pamisangano uye mubasa zvichakubetsera kuwana unyanzvi hwekudzidzisa vamwe pamusoro peUmambo hwaMwari sezvakaita Jesu.