RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/06 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 6/06 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naJune 26, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 1 kusvika kune yaJune 26, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Kusiyanisa inzwi kuita sei, uye nei kuchikosha? [be-CA p. 111, mabhokisi]

2. Tingachinja sei kukurumidza kana kunonoka kwatinoita patinenge tichipa hurukuro? [be-CA p. 112 ndima 3-6, bhokisi]

3. Tingaratidza sei kuti tine chido nenyaya yatiri kutaura, uye nei izvi zvichikosha? [be-CA p. 115 ndima 1–p. 116 ndima 2, mabhokisi]

4. Patinenge tichidzidzisa vamwe, nei ushamwari huchikosha, uye chii chingatibatsira kuti tihuratidze? [be-CA p. 118 ndima 2–p. 119 ndima 5]

5. Tsanangura kukosha kwokushandisa dzimwe nhengo dzomuviri uye zvaunoita chiso chako paunenge uchikurukurirana nevamwe. (Mat. 12:48, 49) [be-CA p. 121, mabhokisi]

HURUKURO NHA. 1

6. Bhuku raJobho rinorumbidza sei Jehovha uye rinosimbisa sei tsika dzakarurama muupenyu? [si-CA p. 100 ndima 39, 41]

7. Chii chinopupurira kuti bhuku reMapisarema nderechokwadi? [si-CA p. 102 ndima 10-11]

8. Painotaura nezvomunhu ane njere, Zvirevo 13:16 inenge ichitsanangura munhu anounyengeri here? Tsanangura. [w04-CA 7/15 p. 28 ndima 3-4]

9. Mudzimu mutsvene unoshanda sei somubatsiri, uye kuziva izvi kunofanira kutikurudzira kuti tiite sei? (Joh. 14:25, 26) [be-CA p. 19 ndima 2-3]

10. Jesu anouya mupfungwa ipi uye aitaura nezvo“kuuya” kupi sezviri pana Mateu 16:28? [w04-CA 3/1 p. 16 bhokisi]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Tingadzidzei pamhinduro yaJobho kuna Jehovha iri pana Jobho 42:1-6?

12. “Chinhu [chipi] chisina zvachinobatsira” icho marudzi anoramba achigunun’una nezvacho? (Pis. 2:1, 2)

13. Inheyo dzipi dzinoputswa? (Pis. 11:3)

14. Munhu anozvikudza ‘anotsiviwa sei chaizvo’? (Pis. 31:23)

15. Kunyaradzwa kupi kwatingawana kubva muPisarema 40 kungatibatsira kutarisana nokusakwana uye nenjodzi dzakasiyana-siyana dzemamiriro ezvinhu epanguva ino? (Pis. 40:1, 2, 5, 12)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe