Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raMufarwa Wemhuri. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu pakushanya kokutanga. Dzokerazve kune vanhu vakatora mabhuku acho uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri.
◼ Vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? ichakurukurwa paMusangano Webasa muna September. Kana muchiida, munofanira kukurumidza kuiodha nokuungano.
◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi anenge mazuva 30 musi wokutanga basa usati wasvika. Munyori anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21).
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? (Mabhii Makuru)—Chichewa, Shona
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri—Chirungu
Munhu Mukurusa Ati Amborarama—Chirungu