“Shingairira Mabasa Akanaka” Mumwaka weChirangaridzo
1 Chinangwa Chedu—Vaparidzi Vose Ngavatsigire: Zvaizokurudzira zvechokwadi kudai muparidzi wose munyika ino aigona kuita basa rokuparidzira muna April naMay. Zvatinenge tichiri kufunga nezveChirangaridzo chorufu rwaKristu, zvechokwadi tichada kuratidza kuonga kwatinoita kunaka kwaMwari nokupa zvakananga ‘chibayiro chokurumbidza’ muushumiri hwomumunda.—VaH. 13:15.
2 Tinofanira kuedza kuziva zvinodiwa nenhengo imwe neimwe yeungano kuitira kuti vose vaite ushumiri vachishingaira muna April naMay. (VaR. 15:1) Vatariri vezvidzidzo zvebhuku vanofanira kunge vachinyatsoziva mamiriro ezvinhu evaya vari mumapoka avo vobatsira pazvinenge zvichidiwa. Pane anoda chokufambisa here? Ndiani achapa chokufambisa chacho? Vamwe vanotya here kana kuti vanonyara? Vaparidzi vane ruzivo rwakati wandei vangashanda pamwe navo here? Ko zvakadini nevaya vasingabudi mumba nokuti vakaremara kana kuti vanorwara? Vanogona here kupupurira norunhare, nokunyora tsamba, kana kuti nedzimwe nzira dzinobudirira?
3 Vamwe vasingachaiti basa vave vachikurudzirwa mune zvokunamata nguva dzose, uye vangakurudzirwa kuitazve basa rokuparidzira.
4 Dzidzisa Vaduku Kuitawo Ushumiri: Vana vakawanda veZvapupu zvaJehovha vave vachienda nevabereki vavo paimba neimba kwemakore, kunyange zvazvo vasati vava vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Ino ndiyo nguva yokuti vatange here? Vari kunzwa vachida kuita kudaro zvichibva pamwoyo uye vagadzirira here kuita zvizere basa repaimba neimba? Misoro yemhuri inofanira kushandisa nguva yokudzidza Bhaibheri nemhuri kuti ibatsire vana vave kukwanisa kuparidza kuti vagadzirire mharidzo inoenderana nezera uye mano avo. Vaya vati kurei vangasarudza mubvunzo unotokonya pfungwa unoita kuti saimba afarire zvadaro voratidza mhinduro iri mumagazini. Vana vaduku vanogona kupupurira zvinobudirira nokungotaura mashoko mashomanana. Pamunogadzirira semhuri, ivai nechokwadi chokuti munotaurawo mazano anobatsira kupindura zvinowanzotaurwa nevanhu vanenge vasingadi. Muchawana mazano akanaka mubhuku raKurangarira. Panguva yokudya uye pane imwe yakakodzera, kurudzirai nhengo dzemhuri kutaura zvavakasangana nazvo mubasa romumunda.
5 Vadzidzi veBhaibheri Vava Kukwanisa Vanoita Basa Rakaitwa naJesu: Jesu paaidzidzisa haana kuomerera pakupa mirayiridzo padzidziso dzinokosha. Akaenda nevadzidzi vake muushumiri ndokuvadzidzisa kuparidzira. (Ruka 8:1; 10:1-11) Mazuva ano zvinhu zvakamira sei? MuZimbabwe mune vanhu vanopfuura 55 000 vari kudzidziswa Bhaibheri. Hapana mubvunzo kuti kana vakanyatsokurudzirwa, vakawanda vevadzidzi ivava vanogona kutora danho rinotevera pakudzidza kwavo vokwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa muna April naMay.
6 Kana uri kudzidza Bhaibheri nomunhu, funga mibvunzo iyi: Mudzidzi wacho ari kufambira mberi here, zvinoenderana nezera rake uye mano ake? Akatanga here kuudzawo vamwe kutenda kwake nenzira isina kurongwa? Ari ‘kupfeka unhu hutsva’ here? (VaK. 3:10) Ane zvinodiwa here kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa, zviri mubhuku raTakarongwa pamapeji 79 kusvika ku81? Kana uchifunga kuti ava kukwanisa, wadii kukurukura nyaya yacho naye? Vamwe vadzidzi vanoda zvinopfuura kukokwa zvakananga kuti vaitewo basa. Chokwadi, kana mudzidzi wacho achida, zvinenge zvakakodzera kuti mutariri anotungamirira atange aronga senguva dzose kuti mudzidzi akurukure nevakuru vaviri. Kune rimwe divi, zvimwe pane chimwe chinhu chingave chichiita kuti mudzidzi azeze. Zvichida mumwe wevakuru angavapo pamunodzidza Bhaibheri oedza kuita kuti mudzidzi ataure manzwiro aanoita pamusoro pechokwadi. Kana achinge ateerera zvinotaura mudzidzi wacho, mukuru wacho angagona kumupa mazano anoshanda, pamwe chete norubatsiro rweMagwaro.
7 ‘Tengai Nguva’ Yokuita Upiyona Hwebetsero: Gore negore pamwaka weChirangaridzo, kuonga rudzikinuro kunoita kuti zviuru zvevanhu ‘zvitenge’ nguva yokuva mapiyona ebetsero. (VaEf. 5:15-17) Kunyange zvazvo uchifanira kurega zvimwe zvinhu, mubayiro wacho mukuru. Vechiduku vakati wandei vanoshandisa nguva yezororo rechikoro kuti vaite upiyona hwebetsero. Vanhu vakuru vanoshanda vangaitawo basa iri manheru uye kupera kwevhiki. Saka, mhuri yose inogona kuita upiyona hwebetsero pamwe chete! Mune dzimwe ungano vakuru nevashumiri vanoshumira vakawanda uye madzimai avo vakaita upiyona hwebetsero. Vakurudzirwa nomuenzaniso wavo wokushingaira, vamwe vakaitawo saizvozvo, zvokuti vakawanda muungano vanoshanda semapiyona ebetsero mumwaka weChirangaridzo.
8 Ungave uchikwanisa kuva piyona webetsero kana kuti kwete, tsvaka nzira dzaungawedzera nadzo basa rako romumunda muna April naMay. Zviitire chinangwa, chiya chinoda kushanda nesimba kuti uchiite, uye chinokwanisika. Kuda kwako “kushandisa zvinhu zvose uye kushandiswa zvizere” mubasa raJehovha, zvichienderana nemamiriro ako ezvinhu, kuchakomborerwa.—2 VaK. 12:15.
9 Misangano Yebasa Romumunda: Misangano yebasa romumunda inofanira kurongwa panguva inoita kuti vanhu vakurumidze kutanga ushumiri. Panofanira kuitwawo urongwa hwouchapupu hwemanheru munzvimbo dzakachengeteka. Vaparidzi vakawanda vachange vachiita basa romumunda kupera kwevhiki uye pamazororo, saka ungano dzinofanira kuronga misangano yebasa romumunda misi yoMugovera, mangwanani nemasikati, uye pamazuva ezororo.
10 Vaya vanoitisa misangano yebasa romumunda vanofanira kuona kuti ndima yakakwana iripo. Ndima yava nenguva isati yashandwa ndiyo inofanira kutangwa. Zvisinei, ndima isina kugoverwa inotarisirwa nehofisi yebazi haifaniri kushandwa musina kubvumirwa nebazi. Une ndima imwe kana dzakawanda here dzava nenguva dzisina kushandwa? Kana uchida kubatsirwa kudzishanda mumwaka weChirangaridzo, taura nomutariri webasa kana kuti hama inotarisira ndima uye vachafara kuronga kuti ubatsirwe.
11 Vakuru—Kunyatsoronga Kunodiwa: Kana zvichibvira, onai kuti ndima yose yeungano ichashandwa mumwaka weChirangaridzo. Ivai nechokwadi chokuti nzvimbo dzose dzemabhizimisi dziri mundima yenyu dzinoshandwa. Vaya vachashanda mundima idzi vanofanira kunyatsogadzirira uye kupfeka zvakanaka. Mharidzo dzemaoresa hadzidiwi zvadzo. Paunotaura nomuzvinabhizimisi, ungataura kuti hauwanzosangani nevanhu vemabhizimisi vari pamba, saka uri kumushanyira pabasa pake kuti umuratidze nyaya ichamufadza zvechokwadi. Zvadaro unogona kumuudza nezveimwe yepfungwa dziri mumagazini. Kupupurira mumugwagwa nemagazini kunoitwa mundima yeungano kunofanirawo kunyatsorongwa. Nzira inonyatsobudirira yokuita basa romumugwagwa ndeyokutanga kutaura nevanhu vari kupfuura, pane kuvamirira kuti vauye kuzotaura nesu. Sezvo unenge uri panzvimbo yaunoonekwa nevoruzhinji, unofanira kunge wakapfeka zvinoita kuti uremekedzwe. Pangava nedzimwe nzvimbo dziri mundima yenyu dzinogona kushandwa panenge pachiitwa basa chairo, dzakadai senhandare dzendege, zvipatara, nzvimbo dzinopakwa motokari uye misha inochengeterwa vakwegura. Dare revakuru rinofanira kusarudza urongwa hwakakodzera hungaitwa kuti mupupurire munzvimbo idzi dzendima yeungano yenyu.
12 Jehovha mushandi asinganeti. (Joh. 5:17) Akasika matenga nenyika uyewo zvinomera nemhuka, asi akaramba achishanda kusvikira aita basa rake rakanakisisa rokupedzisira pasi pano—munhu. Upenyu hwatinahwo chiratidzo chokuti Mwari anoda kushanda. Se“vatevedzeri vaMwari,” kumuda kwatinoita kunofanira kuita kuti ‘tishingairire mabasa akanaka.’ (VaEf. 5:1; Tito 2:14) Sezvo Jehovha akakodzerwa nokuitirwa basa rakanakisisa uye sezvo munhu anoshingaira achida kuona migumisiro yokushanda kwake, tinofanira kunzwa tichida kuita basa rakanakisisa muushumiri. Chokwadi, Jehovha anofarira kuzvibayira kupi nokupi kwatinomuitira, uye basa redu harimbovi pasina. (1 VaK. 15:58) Saka nemwoyo inoonga, ngatishandei mubasa rokushingaira mumwaka weChirangaridzo, tichivimba kuti Jehovha anotifarira nokutikomborera uye kuti tichabudirira zvikuru!