Dzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi Pasuo uye Parunhare
1. Chinangwa chedu ndechei patinodzidza Bhaibheri nevanhu?
1 Kutanga kudzidza Bhaibheri nomunhu kunofadza zvikuru! Zvisinei, kuwana munhu anofarira kudzidza Bhaibheri anongova mavambo chete. Chinangwa chokudzidza ndechokubatsira munhu kuti ave mudzidzi wechokwadi waKristu. (Mat. 28:19, 20) Chii chingatibatsira kuti tiite izvozvo?
2. Kudzidza Bhaibheri nomunhu pasuo kana kuti parunhare kuita sei, uye nei kuchibudirira?
2 Vanhu Vane Zvakawanda Zvokuita: Mazuva ano vanhu vari kuva nezvakawanda zvokuita. Mune dzimwe nzvimbo, pakutanga vanhu vashoma vangada kudzidza Bhaibheri kweawa yose. Kuti tibatsire vanhu vakadaro, takakurudzirwa kuti titange kudzidza Bhaibheri nevanhu pasuo kana kuti parunhare. Pakutanga, kudzidza kwacho kungapfupiswa uye magwaro eBhaibheri mashoma angaverengwa muchidzidza ndima imwe kana mbiri dziri mubhuku rakadai saBhaibheri Rinombodzidzisei? Zvinorumbidzwa chaizvo kuti vaparidzi vakawanda iye zvino vava nevanhu vakadaro vavanodzidza navo pasuo kana kuti parunhare!
3. Nei tichifanira kuedza kuwedzera nguva yatinodzidza nomunhu pasuo?
3 Zvisinei, tinofanira kugutsikana nokungoramba tichidzidzira pasuo here? Aiwa. Kunyange zvazvo kuri kuchenjera kusagarisa patinotanga kudzidza nomunhu, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1990, papeji 8, hwakati: ‘Kana mangotanga kudzidza uye kufarira kwasaimba kwakura, mungawedzera nguva yamunopedzera pakudzidza kwenyu.’ Izvi zvinokosha. Kuenzanisira: Mwana ari kufa nenzara angatanga nokupiwa zvokudya zvishoma kusvikira ava kunzwa kuda kudya, asi hataizotarisira kuti awane simba rakakwana uye kuti akure zvakanaka kudai aizoramba achipiwa zvokudya zvishoma izvozvo kwenguva yakareba. Saizvozvowo, mudzidzi weBhaibheri anofanira kudzidza nguva dzose uye zvakarongeka kuti ave mushumiri waMwari akasimba pakunamata.—VaH. 5:13, 14.
4. Kudzidzira Bhaibheri mumba kunobatsirei?
4 Kudzidzira Bhaibheri Mumba: Zvinganaka kuti tidzidze nomunhu panzvimbo yedu toga—mumba kana kuti pane imwe nzvimbo yakakodzera. Izvi zvichaita kuti kudzidza kuve nyore uye zvichabatsira mudzidzi wacho kunzwisisa Shoko raMwari. (Mat. 13:23) Zvichabatsirawo mudzidzisi kuti aite kuti mashoko ari kudzidzwa aenderane nezvinodiwa zvomudzidzi. Uyezve, kudzidza kwenguva yakawedzerwa kunopa mukana wokunyatsokurukura Shoko raMwari zvinosimbisa kutenda.—VaR. 10:17.
5. Tingachinja sei kubva pakudzidzira pasuo kuti tidzidzire mumba?
5 Unogona sei kuchinja kubva pakudzidzira pasuo kuenda mumba? Pashure pokudzidza kanoverengeka kwenguva pfupi, unogona here kukumbira kuti mudzidze kwenguva yakati rebei yamunosarudza? Kana kuti ungatanga kutaura naye nenzira isina kunanga nokumubvunza kuti, “Mune nguva here nhasi yokuti tigare pasi tokurukura izvi pamwe chete?” kana kuti “Nhasi mungada kuti tidzidze nyaya iyi kwenguva yakareba sei?” Kana zvaunoedza zvikasabudirira, munofanira henyu kuramba muchidzidzira pasuo. Panguva yakakodzera, edzazve kuti mudzidzire mumba.
6. Tinofanira kuita ushumiri hwedu tiine chinangwa chei, uye mazano ari munyaya ino angatibatsira sei kuti tibudirire?
6 Sezvatinoramba tichitsvaka vakakodzera, ngatisakanganwa chinangwa chedu chokutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Chinangwa chedu ndechokubatsira vane mwoyo yakatendeseka kuti vave vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa. Dai Jehovha akaropafadza zvatinoedza kuita muushumiri hwedu tiine chinangwa ichi.—2 Tim. 4:5.