Kukokera Vanhu Kugungano Reruwa ra2014
1. Mushandirapamwe wekukoka vanhu kugungano ra2014 uchatanga rini?
1 Kudai waizoronga kugadzirira hama neshamwari mabiko anokosha aizoda kuti ushande nesimba uye ushandise pfuma yakawanda, zvinonzwisisika kuti waizoratidza chido chakakura pakuvakoka. Saizvozvowo, pane basa rakawanda rakaitwa pakugadzirira zvokudya zvekunamata zvatichawana pagungano redu ra2014. Mavhiki matatu gungano risati ratanga, tichava neropafadzo yekukokawo vamwe kuti vapinde. Chii chichatibatsira kuti tikoke vamwe nechido?
2. Chii chichaita kuti tishande nesimba pamushandirapamwe?
2 Kufungisisa nezvekubatsirwa kwatinoita semunhu mumwe nemumwe nezvekudya zvekunamata zvatinopiwa naJehovha pamagungano edu kuchaita kuti tishande nesimba pamushandirapamwe uyu. (Isa. 65:13, 14) Tinofanirawo kuyeuka kuti mushandirapamwe uyu watinoita gore negore unobatsira. Vamwe vanhu vatinokoka vachapinda gungano nesu. Pasinei nokuti vangani vachapinda gungano, kushanda kwedu nesimba pamushandirapamwe kuchaita kuti Jehovha arumbidzwe uye kucharatidza rupo rwake.—Pis. 145:3, 7; Zvak. 22:17.
3. Mapepa ekukoka achagoverwa sei?
3 Dare revakuru rimwe nerimwe rinofanira kuronga zvichaitwa neungano kuti ikoke vanhu vakawanda, uye richaonawo kana zvichiita kusiya mapepa ekukoka pamisha inenge isina vanhu kana kuti kuagovera munzvimbo dzinowanika vakawanda mundima yenyu. Pakupera kwevhiki magazini anofanira kugoverwa pamwe chete nepepa rokukoka pazvinenge zvakakodzera. Kana tichizoita mushandirapamwe paMugovera wekutanga kwemwedzi, tinofanira kugovera mapepa ekukoka vanhu pane kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Pachapera mushandirapamwe, tichafara zvikuru kuziva kuti takashanda nesimba uye takakoka vanhu vakawanda sevataigona, kuti vauye kumabiko ekunamata atichapiwa naJehovha!