Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naApril 10
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 15 uye Awake! yaApril. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza muparidzi achigovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kuna saimba akaratidza kuti anofarira zvikuru mashoko eBhaibheri.
20 min:“Shingairira Mabasa Akanaka: Mumwaka weChirangaridzo—Chikamu 1.”a Kukurukura ndima 1-8 nemibvunzo nemhinduro kuchaitwa nomutariri webasa. Tsanangura (1) zvakarongwa muungano nokuda kwebasa rakawedzerwa roushumiri hwomumunda muna April, (2) kuti vanhu vose vangabatsirwa sei kuti vaite basa, uye (3) kuti vatsva nevaduku vangabatanidzwa sei.
15 min:“Shingairira Mabasa Akanaka: Mumwaka weChirangaridzo—Chikamu 2.”b Kukurukura ndima 9-12 nemibvunzo nemhinduro kuchaitwa nomukuru anokwanisa.
Rwiyo 13 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 17
15 min: Zviziviso zveungano. Taura urongwa hweungano nezvehurukuro inokosha. Kurudzira vose kuramba vachishandisa peji yokupedzisira yeNharireyomurindi yaApril 1 kuti vakoke vanhu kuzopinda Chirangaridzo, vadzidzi veBhaibheri, uye vamwe vanhu vanofarira. Tsanangura muchidimbu zvakaitika zviviri kana kuti zvitatu munhu achishandisa Nharireyomurindi kukoka vanhu kuti vauye kuhurukuro inokosha.
12 min: Zvinodiwa muungano.
18 min: “Dzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi Pasuo uye Parunhare.”c Iva nomuenzaniso mupfupi unoratidza kuti muparidzi angati chii kuti achinje kubva pakudzidzira pasuo ndokudzidzira mumba kana kuti muenzaniso wakada kufanana unoshanda mundima yenyu.
Rwiyo 162 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 24
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Muna May ticharamba tichigovera Nharireyomurindi neAwake! Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 uye Awake! yaMay. Kana mienzaniso yapera, taurawo nezvedzimwe nyaya dziri mumagazini acho dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu.
20 min: “Ungachinjira Purogiramu Yako Kune Zvinodiwa Here?”d Ratidza kushanda kunoita mashoko acho muungano yenyu. Taura zvose zvakarongwa neungano nezvokuparidzira.
15 min: “Nzira Yatingaramba Tichishingaira Nayo.”e Taurawo zviri muNharireyomurindi yaJune 15, 2002, papeji 14, ndima 13.
Rwiyo 191 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 1
5 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaApril. Kurukura bhokisi riri papeji 6 rinoti, “Unombobvunza Nezvevamwe Vangafarirawo Here?”
10 min: “Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokutarisana Navo Zvine Ushamwari.”f Iva nomuenzaniso mupfupi womuparidzi anotarisana nomunhu waanosangana naye munzvimbo inowanika vanhu, otanga kukurukura naye, obva amuparidzira.
15 min: Fungisisa Nezvemabasa aJehovha. (Pis. 77:12) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri zvinobva muYearbook ya2006. Kurukura pfungwa dzinokurudzira dziri mutsamba yakabva kuDare Rinodzora. (mapeji 3-5) Kurukura mashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Bible Translation.” (mapeji 10-11) Taura zvimwe zvezvakaitika gore rakapera. (mapeji 6-64) Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dzavakafarira pavaiverenga Yearbook ya2006. Kurudzira vose kuishandisa kuti vabatsire vanhu vavanodzidza navo Bhaibheri kuti vatange kufarira sangano raJehovha.
15 min: “Mushandira Pamwe Womunyika Yose Wokuzivisa Nezvegungano Reruwa Rinoti ‘Kununurwa Kwava Pedyo!’”g Iva nechokwadi chokuti unoverenga ndima dzose.
Rwiyo 82 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.kurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
f Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
g Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.