Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokutarisana Navo Zvine Ushamwari
1 Patinenge tichipupurira vanhu vasiri pamba uye paimba neimba, tinowanzotarisana navo tisati tatanga kutaura. Munguva shomanana iyoyo, tinogona kuziva nechiso chavo kuti vari kunzwa sei nezvedu uye kunyange kuti vari kufara here kana kuti kwete. Naivowo vanogona kuziva zvakawanda nezvedu. Mumwe mukadzi akataura nezvokushanyirwa kwaakaitwa nechimwe Chapupu achiti: “Zvandinoyeuka nezvake kwaiva kunyemwerera kwairatidza rugare. Ndakada kuziva.” Izvi zvakaita kuti mukadzi wacho ade kunzwa mashoko akanaka.
2 Kutarisana nevamwe inzira inobudirira pakuita kuti tipupurire patinenge tichiita basa romumugwagwa kana kuti kupupurira munzvimbo dzinowanika vanhu. Imwe hama inotarisa kumeso kwevaya vainosangana navo. Pavanotarisana, inonyemwerera uye inobva yavaratidza magazini. Ichiita izvi, inokurukurirana zvinofadza nevanhu vakawanda uye inogovera mabhuku akawanda.
3 Nzwisisa Manzwiro Evamwe: Kutarisana nevanhu kuchatibatsira kuti tinzwisise manzwiro evamwe. Somuenzaniso, kana mumwe munhu asiri kutinzwisisa kana kuti asingabvumirani nechimwe chinhu chatinenge tataura, zvinowanzoratidzwa nechiso chake. Kana akabatikana kana kuti ava kufinhikana, tinozviona nokutarisa zvaanoita chiso chake. Zvadaro tinogona kugadzirisa kana kuti kupfupisa mharidzo yedu. Kuva nehanya nemanzwiro evamwe inzira yakanaka yokuti tiratidze kuti tinonyatsovafarira.
4 Nomwoyo Wose uye Nechivimbo: Mutsika dzakawanda, kutarisa munhu kumeso kunoonekwa souchapupu hwokuti uri kutaura nomwoyo wose. Ona kuti Jesu akapindura sei vadzidzi vake pavakabvunza kuti: “Chokwadi ndiani angaponeswa?” Bhaibheri rinoti: “Achivatarira kuzviso, Jesu akati kwavari: ‘Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.’” (Mat. 19:25, 26) Hapana mubvunzo kuti chivimbo chaiva mumeso aJesu chakawedzera simba remashoko ake. Saizvozvowo, kutarisana nevanhu kuchatibatsira kuti titaure shoko roUmambo nomwoyo wose uye nechivimbo.—2 VaK. 2:17; 1 VaT. 1:5.