Kugovera Kwatingaita Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Wedzero ino ine mazano akasiyana-siyana okugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kuti ubudirire zvikuru, ataure nemashoko ako woga, mharidzo yako ngaikodzerane nevanhu vari mundima yenyu, uye rovedzana nepfungwa dziri mubhuku racho. Dzimwe mharidzo dzinoshanda mundima yenyu dzingashandiswawo.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005, p. 8.
Amagedhoni]
◼ “Vanhu pavanonzwa shoko rokuti ‘Amagedhoni,’ vakawanda vanofunga nezvokuparadza kukuru. Hazvaizokushamisai here kuziva kuti tinotofanira kutarisira Amagedhoni tichifara? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 16:14, 16.] Onai mashoko aya anotaura zvichange zvakaita upenyu pashure peAmagedhoni.” Vhura mapeji 82-4, woverenga ndima 21.
Bhaibheri
◼ “Vanhu vanowanzoti Bhaibheri iShoko raMwari. Mati mambofunga here kuti bhuku rakanyorwa nevanhu ringanyatsonzi iShoko raMwari? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Petro 1:21 uye ndima 5 iri pamapeji 19-20.] Bhuku rino rinopindura mibvunzo iyi.” Muratidze mibvunzo iri papeji 6.
◼ “Mazuva ano, vanhu vanogona kuwana mashoko kupfuura zvavaiita kare. Asi munofunga kuti ndokupi kwatingawana zano rinobatsira ringaita kuti tirarame upenyu hunofadza hunobudirira? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Timoti 3:16, 17 uye ndima 12 iri papeji 23.] Bhuku rino rinotsanangura kuti tingararama sei nenzira inofadza Mwari uye inotibatsira.” Muratidze chati uye mufananidzo zviri pamapeji 122-3.
Rufu/Rumuko
◼ “Vanhu vakawanda vanonetseka kuti chii chinomboitika chaizvo parufu. Munofunga kuti zvinoita here kuti tizive? [Rega apindure. Zvadaro verenga Muparidzi 9:5 uye ndima 5-6 dziri pamapeji 58-9.] Bhuku rino rinotsanangurawo zvichareva chipikirwa cheBhaibheri chorumuko kune vaya vakafa.” Muratidze mufananidzo uri papeji 75.
◼ “Kana mumwe munhu watinoda akafa, zviri muropa kuti tinzwe tichida kuzomuonazve. Handizvo here? [Rega apindure.] Vakawanda vakanyaradzwa nechipikirwa cheBhaibheri chorumuko. [Verenga Johani 5:28, 29 uye ndima 16-17 dziri pamapeji 71-2.] Chitsauko ichi chinopindurawo mibvunzo iyi.” Muratidze mibvunzo yokutanga iri papeji 66.
Upenyu Husingaperi
◼ “Vanhu vakawanda vanoda utano hwakanaka uye kurarama kwenguva yakareba. Asi kudai zvaibvira, mungada kurarama nokusingaperi here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 21:3, 4 uye ndima 17 iri papeji 54.] Bhuku rino rinotaura kuti tingawana sei upenyu husingaperi uye zvichange zvakaita upenyu chipikirwa ichocho pachinozozadzika.”
Mhuri
◼ “Tose zvedu tinoda kuva noupenyu hwemhuri hunofadza. Hamubvumirani nazvo here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura nezvechimwe chinhu chinogona kuitwa nevanhu vose vari mumhuri kuita kuti muve nomufaro—kutevedzera Mwari mukuratidza rudo.” Verenga VaEfeso 5:1, 2 uye ndima 4 iri papeji 135.
Dzimba
◼ “Munzvimbo dzakawanda, kuwana pokugara pakakodzera pasingadhuri kwava kuramba kuchinetsa. Munofunga kuti rimwe zuva munhu wose achazombova nepokugara here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 65:21, 22 uye ndima 20 iri papeji 34.] Bhuku rino rinotsanangura kuti chipikirwa ichi chinobva kuna Mwari chichazadzika sei.”
Jehovha Mwari
◼ “Vanhu vakawanda vanodavira kuti kuna Mwari vangada kuswedera pedyo naye. Maiziva here kuti Bhaibheri rinotiudza kuti tiswedere pedyo naye? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jakobho 4:8a uye ndima 20 iri papeji 16.] Bhuku rino rakanyorerwa kubatsira vanhu kuti vadzidze zvakawanda nezvaMwari, vachishandisa Bhaibheri ravo pachavo.” Muratidze mibvunzo yokutanga iri papeji 8.
◼ “Vanhu vakawanda vanonyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, kana kuti rikudzwe. Mati mambofunga here kuti zita iroro ndiani? Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 83:18 uye ndima 2-3 dziri papeji 195.] Bhuku rino rinotsanangura kuti Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo nezvaJehovha Mwari uye zvinangwa zvake nokuda kwevanhu.”
Jesu Kristu
◼ “Vanhu pasi pose vakanzwa nezvaJesu Kristu. Vamwe vanoti akanga ari munhuwo zvake akakurumbira. Vamwe vanomunamata saMwari Wemasimbaose. Munofunga kuti zvatinodavira nezvaJesu Kristu zvine basa here?” Rega apindure. Zvadaro verenga Johani 17:3 uye ndima 3 iri pamapeji 37-8. Muratidze mibvunzo yokutanga iri pasi pomusoro wechitsauko chacho.
Munyengetero
◼ “Mati mambofunga kuti Mwari anopindura sei minyengetero here? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Johani 5:14, 15 uye ndima 16-18 dziri pamapeji 170-2.] Chitsauko ichi chinotsanangurawo kuti nei tichifanira kunyengetera kuna Mwari uye zvatinofanira kuita kuti atinzwe.”
Chitendero
◼ “Vanhu vakawanda vava kutanga kuona kuti zvitendero zvenyika ndizvo zviri kukonzera zvinetso zvevanhu pane kuzvigadzirisa. Munofunga kuti zvitendero zviri kutungamirira vanhu mugwara rakarurama here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 7:13, 14 uye ndima 5 iri pamapeji 145-6.] Chitsauko ichi chinoongorora zvinhu zvitanhatu zvinozivisa kunamata kunotenderwa naMwari.” Muratidze zvakanyorwa papeji 147.
Njodzi/Kutambura
◼ Panoitika njodzi, vakawanda havana chokwadi kana Mwari aine hanya nevanhu chaizvoizvo uye kana achiona kutambura kwavo. Mati mambofunga nezvazvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Petro 5:7 uye ndima 11 iri papeji 11.] Bhuku rino rinotsanangura kuti Mwari achapedza zvachose sei kutambura kwevanhu.” Muratidze mibvunzo yokutanga iri papeji 106.
Hondo/Rugare
◼ “Vanhu kwose kwose vanoshuva rugare. Munofunga kuti tariro yorugare pasi pano kunongovawo zvako kurota here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 46:8, 9.] Bhuku rino rinotaura nezvokuzadzika kuchaita Mwari chinangwa chake ndokuunza rugare munyika yose.” Muratidze mufananidzo uri papeji 35, uye kurukurai ndima 17-21 dziri papeji 34.
[Bhokisi riri papeji 5]
Chiyeuchidzo
Vaparidzi vanoyeuchidzwa kuti havafaniri kutaura nezvourongwa hwemari yezvipo chero kunaani zvake pavanoshanya kekutanga.
Zvisinei, vangazozvitaura pavanodzokerazve kune vaya vanenge varatidza kufarira zvechokwadi uye kune vavanodzidza navo Bhaibheri.