Matangiro Atingaita Kudzidza Nevanhu Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Vakawanda vedu taizofara kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri kudai taizongokwanisa kuwana matangiro. Bhuku idzva Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rinogona kutibatsira. Mashoko okusuma ari pamapeji 3-7 akaitirwa kuti saimba abatanidzwe mukukurukurirana Bhaibheri pachishandiswa bhuku racho. Kunyange vaya vane ruzivo rushoma muushumiri vachaona zviri nyore kutanga kudzidza nomumwe munhu.
◼ Ungaedza izvi uchishandisa peji 3:
Wataura imwe nyaya kana kuti rimwewo dambudziko riri kuzivikanwa nevanhu vari mundima yenyu, bvunza saimba mibvunzo yakanyorwa nezvitema-tema papeji 3, uye mukumbire kuti apindure. Zvadaro vhura pamapeji 4-5.
◼ Kana kuti ungasarudza kutanga nokutaura zviri pamapeji 4-5:
Ungati, “Hazvaizova zvakanaka here kudai zviri kuratidzwa pamufananidzo uno zvaizoitika chaizvoizvo?” Kana kuti ungabvunza kuti, “Pane zvipikirwa izvi, ndechipi chamungada kuona chichizadzika?” Nyatsoteerera mhinduro yake.
Kana saimba akaratidza kunyatsofarira rumwe rwemagwaro acho, muratidze zvinodzidzisa Bhaibheri nezvenyaya yacho nokukurukura ndima dziri mubhuku dzinotaura nezvorugwaro rwacho. (Ona bhokisi riri papeji ino yewedzero.) Kurukurai sezvamaizoita pakudzidza Bhaibheri. Izvi zvingaitwa paunoshanya kokutanga pasuo chaipo mumaminitsi mashanu kusvika kugumi.
◼ Imwe nzira ndeyokuita kuti munhu wacho ataure zviri mumwoyo make uchishandisa peji 6:
Ratidza saimba mibvunzo iri nechepasi papeji yacho, uye bvunza kuti, “Makambofunga nezvomumwe wemibvunzo iyi here?” Kana akaratidza kuti anofarira mumwe wemibvunzo yacho, enda kundima dziri mubhuku dzinopindura mubvunzo wacho. (Ona bhokisi riri papeji ino yewedzero.) Sezvamunokurukura mashoko acho pamwe chete, uri kutodzidza naye Bhaibheri.
◼ Peji 7 ingashandiswa kuenzanisira kudzidza kungaitwa Bhaibheri:
Verenga zvirevo zvitatu zvokutanga zviri papeji yacho, zvadaro vhura chitsauko 3 uye enzanisira kudzidza uchishandisa ndima 1-3. Ronga kudzoka kuti muzokurukura mhinduro dzemibvunzo iri mundima 3.
◼ Marongero Aungaita Kudzoka:
Pamunenge mava kupedzisa kudzidza kokutanga, ronga kuti muenderere mberi nokukurukurirana kwacho. Ungangoti: “Mumaminitsi mashomanana chete, tadzidza zvinodzidzisa Bhaibheri nezvenyaya inokosha. Nguva inotevera, tinogona kukurukura [siya mubvunzo uchakurukurwa]. Ndingazopfuura nepano here senguva idzodzi vhiki inotevera?”
Sezvatinoswedera pedyo nenguva yaJehovha yaakasarudza, anoramba achitigadzirira basa ratinofanira kuita. (Mat. 28:19, 20; 2 Tim. 3:17) Ngatishandisei zvakanaka bhuku idzva iri kutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri.
[Bhokisi riri papeji 3]
Kukurukurirana Magwaro ari papeji 4-5
◻ Zvakazarurwa 21:4 (map. 27-8, ndima 1-3)
◻ Isaya 33:24; 35:5, 6 (p. 36, ndima 22)
◻ Johani 5:28, 29 (map. 72-3, ndima 17-19)
◻ Pisarema 72:16 (p. 34, ndima 19)
Mhinduro Dzemibvunzo iri papeji 6
◻ Nei tichitambura? (map. 108-9, ndima 6-8)
◻ Tingararama sei nezvinhu zvoupenyu zvinoita kuti tizvidye mwoyo? (map. 184-5, ndima 1-3)
◻ Tingaita sei kuti upenyu hwemhuri yedu huve hunofadza? (p. 143, ndima 20)
◻ Chii chinoitika kwatiri patinofa? (map. 58-9, ndima 5-6)
◻ Tichazomboonazve vadiwa vedu vakafa here? (map. 72-3, ndima 17-19)
◻ Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari achazadzisa zvipikirwa zvake zvenguva yemberi? (p. 25, ndima 17)