RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/06 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJanuary 9
  • Vhiki Inotanga naJanuary 16
  • Vhiki Inotanga naJanuary 23
  • Vhiki Inotanga naJanuary 30
  • Vhiki Inotanga naFebruary 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 1/06 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naJanuary 9

Rwiyo 10

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 uye Awake! yaJanuary. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza muparidzi achishanda mundima yebhizimisi.

15 min: “Bhaibheri Rinombodzidzisei?—Bhuku Rinotibatsira Zvikuru Pakudzidzisa.”a Ita kuti vanhu vafarire kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri vachishandisa bhuku idzva.

20 min: “Matangiro Atingaita Kudzidza Nevanhu Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?” Kukurukurirana nevateereri uye kurukurai mienzaniso inobva papeji 3 yewedzero. Tinogona kubva tangotanga kushandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kutanga kudzidza nevaya vanofarira. Ronga kuti pave nemienzaniso mitatu yakagadzirirwa zvakanaka inoratidza kushandisa kwaungaita (1) mapeji 4-5, (2) peji 6, uye (3) ndima yokutanga iri papeji 7 kuti utange kudzidzisa munhu Bhaibheri paunodzokerazve. Rondedzera muenzaniso uchaitwa, uye wozodzokorora kana wapera. Kudzidzwa kwendima dzebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kungapfupikiswa maererano nezvaunoda. Gumisa muenzaniso mumwe nomumwe muparidzi achironga kuzoshanyazve.

Rwiyo 125 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 16

Rwiyo 178

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaone vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa pashure pevhiki mbiri.

15 min: Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri pamapeji 4-7 ebhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. Wasuma kwemaminitsi asingasviki matatu kubva papeji 4, kurukurirana nevateereri papeji 5 kusvika pamusoro muduku uri papeji 7. Zvimwe zvikamu zvebhuku raTakarongwa zvichakurukurwa paMisangano Yebasa inotevera.

20 min: “Vechiduku Vari Kupenya Sezvinhu Zvinovheneka.”b Kumbira vechiduku kuti vataure kuti vave vachikwanisa sei kuparidzira kuchikoro. Ungaronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vagotsinhira.

Rwiyo 107 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 23

Rwiyo 60

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Awake! yaFebruary. Ita kuti wechiduku aenzanisire imwe mharidzo yacho.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokubvunza Woteerera.”c Pakukurukura ndima 2, bvunza vateereri mibvunzo yavakawana ichibudirira pakutanga kukurukurirana nevanhu. Iva nomuenzaniso womunhu ari kushandisa mibvunzo younyanzvi kuita kuti munhu ataure zviri mumwoyo wake iye achinyatsoteerera.

Rwiyo 205 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 30

Rwiyo 197

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Taura mabhuku achagoverwa muna February, uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.

15 min: Urongwa Hworudo Hwokutibatsira. Inofanira kukurukurwa nomukuru. Verenga uye kurukura tsamba yomusi waJanuary 3, 2006, yakabva kuhofisi yebazi yakanyorerwa ungano dzose inotaura nezvokubatsirwa kwatinoita nemabasa anoitwa neDare Rokukurukura Nezvipatara (HLC) uye Boka Rokufambira Varwere (PVG).

20 min: “Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji.” Verenga Mabasa 15:28, 29, uye nokupfupikisa ratidza kuti chikonzero chikuru nei vaKristu vachiramba kuwedzerwa ropa ndechokuremekedza mutemo waMwari wokuti ropa idzvene. Zvadaro ibva watanga kukurukurirana nevateereri vhidhiyo inonzi Patient Needs and Rights, uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Gumisa nokuverenga ndima yokupedzisira. [Kana ungano isingakwanisi kuona vhidhiyo yacho, kurukurai “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 2003, pamapeji 29, 30.]

Rwiyo 45 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 6

Rwiyo 74

10 min: Zviziviso zveungano.

25 min: Kuziva Bhuku Redu Idzva Rinobatsira Pakudzidza Nevanhu. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kumbira vateereri kuti vataure zviri mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? zvavanofarira, zvakadai semibvunzo yokutanga uye bhokisi rokudzokorora iro rinoratidza pfungwa huru dzechitsauko chimwe nechimwe (map. 106, 114), zvinhu zvinooneka zvakadai semachati, mapikicha uye mepu, (map. 122-3, 147, 198), uye apendikisi (p. 197, ndima 1-2). Bhuku racho rinodzidzisa zvine ushamwari uye zvinonakidza (p. 12, ndima 12). Rinotsanangura nenzira iri nyore uye yakajeka (p. 58, ndima 5) uye rinoshandisa mifananidzo ine mashoko anotsanangura zvakajeka (p. 159, ndima 12). Mashoko okutanga ebhuku racho akagadzirirwa kutibatsira kutanga kudzidzisa Bhaibheri (map. 3-7). Enzanisira kushandiswa kungaitwa bhokisi riri papeji 7 uine mudzidzi weBhaibheri mutsva. Rondedzera zvakaitika zvakanakidza vanhu pakushandisa bhuku racho.

10 min: Kuita Upiyona Hwebetsero Kunounza Zvikomborero. (Zvir. 10:22) Kumbira vaya vakashanda semapiyona ebetsero mumatsutso apfuura kuti vataure kuti vakaronga sei kuti vaite upiyona uye kuti vakafara sei uye zvikomborero zvipi zvavakawana. Kurudzira vose kuti vafungisise vachiita zvokunyengetera kana vangakwanisa kushanda semapiyona ebetsero muna March, April, naMay.

Rwiyo 16 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe