Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokubvunza Woteerera
1 Vanhu vakawanda vanofarira kutaura maonero avo asi havadi kudonongodzerwa ivo vakangonyarara kana kuti kungobvunzurudzwa. Naizvozvo, sevashumiri vechiKristu, tinoda kudzidza kuita kuti vanhu vataure zviri mumwoyo yavo tichishandisa mibvunzo.—Zvir. 20:5.
2 Mibvunzo yedu inofanira kuita kuti vanhu vafunge, kwete kuvatyisidzira. Pakuparidzira paimba neimba, imwe hama inobvunza kuti, “Munofunga kuti kuchazombova nenguva vanhu pavachakudzana nokuremekedzana here?” Zvichibva pakuti munhu wacho anenge ati chii, inotizve, “Munofunga kuti chii chinodiwa kuti izvi zviitike?” kana kuti “Nei muchifunga saizvozvo?” Pakuparidzira zvisina kurongwa uye munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, imwe hama inobvunza vaya vane vana kuti, “Chii chinonyanya kukufadzai nezvokuva mubereki?” Zvadaro yobvunza kuti, “Ndezvipi zvamunonyanya kutyira?” Ona kuti mibvunzo iyi inoita kuti vanhu vataure maonero avanoita pasina kuita zvokuvamanikidzira. Sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana-siyana, tingafanira kuchinja nyaya uye mabvunziro edu kuti aenderane nevaya vari mundima yedu.
3 Kuita Kuti Vanhu Vataure Zviri Mumwoyo Yavo: Kana vanhu vachida kutaura zvavanofunga, teerera nokushivirira usingavadimburiri pasina chikonzero. (Jak. 1:19) Ratidza nomutsa kuti wanzwisisa zvavataura. (VaK. 4:6) Ungangoti: “Hoo. Maita zvenyu nokundiudza izvozvo.” Kana uchikwanisa varumbidze nomwoyo wose. Bvunza mibvunzo yokuwedzera nomutsa kuti uzive zvavari kufunga uye nei vachifunga saizvozvo. Ona kana paine zvamunobvumirana. Kana uchida kuvasuma rugwaro, ungati, “Makambofunga kuti izvi zvinoita here?” Usaomesa musoro kana kuita nharo.—2 Tim. 2:24, 25.
4 Kuti vamwe vanopindura sei mibvunzo yedu zvingaenderana nokuteerera kwatinoita. Vanhu vanogona kuziva kana tiri kuteerera nomwoyo wose. Mumwe mutariri anofambira akati, “Kana ukaratidza kuti unoda kuteerera vanhu uchivashivirira, izvozvo zvine simba guru rokuvakwezva uye inzira inoshamisa inoratidza kuti tinovafarira noushamwari.” Kuteerera vamwe kunoita kuti vanzwe varemekedzwa, uye kungaita kuti vateerere mashoko akanaka atiri kuda kuvaudza.—VaR. 12:10.