Bhaibheri Rinombodzidzisei?—Bhuku Rinotibatsira Zvikuru Pakudzidzisa
1 Zvakanga zvichifadza zvikuru kuona bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? richibudiswa paGungano Reruwa raiti “Kuteerera Mwari”! Vakapinda gungano vakafara mumwe nomumwe paakawana bhuku rake purogiramu yomusi woMugovera yapera. Bhuku idzva iri richashandiswa sei? Rakagadzirirwa kutibatsira zvikuru pakudzidzisa Bhaibheri. Kunyange zvazvo bhuku idzva iri richatanga kugoverwa muna March, vaparidzi vanokurudzirwa kubva vatotanga kurishandisa uye kudzidzisa vanhu Bhaibheri.
2 Vatiri Kutodzidza Navo Bhaibheri: Vaparidzi vari kutodzidzisa vanhu Bhaibheri vachishandisa bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei vanofanira kusarudza zvakanaka kuti vachatanga sei uye rini kushandisa bhuku idzva pakudzidza. Kana musina nguva yakareba muchidzidza Bhaibheri, munogona kubva mangotanga kwakatangira bhuku idzva. Kana manga mava nenguva muchidzidza mubhuku raZivo, munogona kuenderera mberi nechidzidzo chacho muchitsauko chinoenderana mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana mava kupedza bhuku raZivo, munogona kusarudza kuripedza.
3 Ichokwadi kuti tose tinoziva vanhu vakawanda vangabatsirwa nokudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Wadii wabvunza mumwe nomumwe wavo kana angada kudzidza Bhaibheri muchishandisa bhuku iri rinodzidzisa Bhaibheri zvakarongeka? Somuenzaniso, vaya vakadzidza bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo asi vasina kufambira mberi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa vangada kutanga kudzidzazve vachishandisa bhuku idzva. Vabereki vangasarudza kushandisa bhuku racho pavanenge vachidzidzisa vana vavo zivo yakarurama yokuita kuda kwaMwari.—VaK. 1:9, 10.
4 Kudzidza Bhuku Rechipiri: Pane urongwa hwokuti mudzidzi weBhaibheri adzidze bhuku rechipiri here kana apedza Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Hungu. Kana zviri pachena kuti mudzidzi ari kufambira mberi, asi zvishoma nezvishoma, uye ari kuratidza kuti anoonga zvaari kudzidza, mungaenderera nokudzidza Bhaibheri muchishandisa Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. Tinovimba kuti bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? richabatsira zvikuru sezvatinoita basa rokuita vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.