Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna December: Munhu Mukurusa. Kana kuti, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, kana kuti Kurarama Nokusingaperi kana ungano yenyu inaro. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana vanasaimba vakasaatora, govera bhurocha raRambai Makarinda! February: Swedera Pedyo naJehovha. March: Govera bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.
◼ Tapota onai kuti Chirangaridzo chegore ra2007 chichavako musi woMuvhuro, April 2 zuva ranyura. Chiziviso ichi chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dzihaye dzimba dzinowanikwa kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuzotsvakwa. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vanofanira kuita chibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinozodzongonyedza zvinenge zvichiitwa muchivako chacho kuitira kuti Chirangaridzo chichengetwe norugare uye zvakarongeka.
◼ Nemhaka yokukosha kweChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru kuti akurukure, panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru akazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.
◼ Tose zvedu tinokurudzirwa patinonzwa zvakaitika zvinokurudzira zvakasangana nehama mubasa romumunda kana kuti vachipupurira zvisina kurongwa. Une chakaitika chaunofunga kuti chingakurudzira vamwe here? Tapota chinyore wopa mutariri wenyu anotungamirira. Achachiverenga kuti aone kana zvose zvinodiwa zviripo asati achitumira kuhofisi yebazi.
◼ Magungano eruwa aiti “Kuteerera Mwari” akabudirira uye 61-527 ndivo vaivapo. Zvaikurudzira zvikuru kuona vaparidzi vachizvibayira kuti vavepo pasinei nezvinetso zviripo zvemari! Rimwe boka revanhu 13 rakafamba makiromita 36 kubva kwaChihota kuenda kuChitungwiza kunopinda gungano. Paboka racho paiva nevaviri vaiva nemakore 60 ne62. Hapana mubvunzo kuti vose vakateerera purogiramu yacho uye vakagamuchira Shanduro yeNyika Itsva muchiShona nemamwewo mabhuku akabudiswa, vatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kurarama upenyu hwokuteerera Mwari vachirumbidza Jehovha. Tose tinokurudzirwa kuti tive nechokwadi chokuti tinopinda gungano redunhu uye zuva regungano chairo mudunhu redu.