Mwana Wako Anogona Kusarudza Somunhu Mukuru Here?
1. Pwere dziri Zvapupu dzakasarudzei panhau ine chokuita nokushandisa ropa? Ipa muenzaniso.
1 Kusarudza somunhu mukuru panyaya yei? Yokuwedzerwa ropa. Sezvinoratidzwa nenyaya ine musoro unoti “Famba Sezvinoraidzwa naJehovha” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 1991, vana veZvapupu zvaJehovha vanofanira kusarudza sevanhu vakuru kuti varatidze kuti chido chavo chokuteerera mutemo waMwari weropa chinokosha kwavari sezvachinongoitawo kuvabereki vavo. Izvi zvingadiwawo here kumwana wako achiri muduku?
2. Rimwe dare rakashandisa mutemo upi kumuduku akaramba kuwedzerwa ropa, uye vabereki vechiKristu nevana vavo vaduku vanodzidzei pane izvi?
2 Mutemo Unoti Chii? Munyika dzakawanda, matare akaremekedza kodzero yomuduku yokusarudza somunhu mukuru kuti asawedzerwa ropa. Pakuongorora nyaya yeimwe hanzvadzi ine makore 17 mune imwe nyika, dare racho rakati: “Kana uchapupu hwacho hwakajeka uye huchigutsa hwokuti muduku wacho akura zvokunzwisisa migumisiro yezvaanosarudza [uye] anokwanisa kusarudza somunhu mukuru, mutemo wevaduku vanosarudza sevanhu vakuru unomubvumira kuramba kana kuti kubvuma kurapwa kwacho.” Saka, pakuongorora kana mwana wacho akura zvokuti anogona kuzvisarudzira, vanachiremba kana kuti zviremera vangabvunzurudza murwere wacho kuti ataure oga kuti haadi kuwedzerwa ropa. Pwere yacho inofanira kunzwisisa kukomba kwakaita chirwere chayo uye migumisiro yokurapwa kwainosarudza yotaura zvakasimba uye zvakajeka zvainodavira muchitendero chayo nezvomutemo waMwari weropa.
3. Vabereki vanofanira kunyatsofungisisa mibvunzo ipi, uye nei?
3 Mwana Wako Aizoti Chii? Vana vako vanogona kutsanangura pachavo nezvenyaya iyi here? Vanotenda nemwoyo yavo yose kuti ‘kurega ropa’ murayiro waMwari here? (Mab. 15:29; 21:25) Vanogona kutsanangura zvavanodavira vachishandisa Magwaro here? Vangadzivirira noushingi zvavanenge vasarudza kana vanachiremba vachifunga kuti upenyu hwevana vacho huri mungozi, kunyange kana vabereki vavo vasipo here? Sezvo tose tichi“wirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi,” ungadzidzisa sei vana vako kuti vakurire chero muedzo upi zvawo wokuvimbika kwavo ungauya usingatarisirwi?—Mup. 9:11; VaEf. 6:4.
4, 5. (a) Vabereki vane basa rei, uye vangariita sei? (b) Ndezvipi zvokushandisa zviripo zvinobatsira vabereki?
4 Vabereki, Mungaitei? Ibasa renyu kudzidzisa vana venyu kuti Mwari anoona sei ropa. (2 Tim. 3:14, 15) Tsananguro yakajeka inowanika mubhuku raKurangarira, pamapeji 299-302. Nyatsoridzidza nemhuri yako. Uchishandisa chikamu chinoti, “Kana Mumwe Munhu Akati—” chiri pamapeji 303-305, ronga kudzidzira nevana vako kuti uvabatsire kuti vave noruzivo mukutsanangura zvavanodavira uye kuti nei vachizvidavira. (1 Pet. 3:15) Zvimwe zvatakapiwa kuti tidzidze nezvenhau yeropa zvinosanganisira bhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? neNharireyomurindi yaJune 15, 2004, pamapeji 14-24. Uyewo, mavhidhiyo anonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights uye No Blood—Medicine Meets the Challenge, ayo ava kuwanikwa paDVD inonzi Transfusion Alternatives—Documentary Series, anopa mashoko anogutsa nezvokuti kurapa uye kuvhiya pasina ropa zvinoshanda uye zvine musoro. Mhuri yako yakatoona ndokukurukura zvinhu izvi munguva ichangopfuura here?
5 Batsira vana vako kuti ‘vaedze, vazive kuti zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana’ panhau yeropa ndezvipi. Zvadaro vanogona kusarudza sevanhu vakuru vachikomborerwa naJehovha.—VaR. 12:2.