RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/05 p. 5
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 12/05 p. 5

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naDecember 26, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaNovember 7 kusvika kune yaDecember 26, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Chii chatingaita kuti tive nechokwadi chokuti tinokurudzira “nokuda kworudo”? (Fir. 9) [be-CA p. 266]

2. ‘Tingarayira tichishandisa kudzidzisa kunopa utano’ munzira dzipi? (Tito 1:9) [be-CA p. 266 ndima 5–p. 267 ndima 1]

3. Nei zvichikosha kuita kuti hurukuro dzedu dzikurudzire, uye tingazviita sei? [be-CA p. 268 ndima 1-3, bhokisi]

4. Tichitevedzera Mosesi, kubatsira kwedu vamwe kuti vayeuke zvakaitira Jehovha vanhu vake kungavakurudzira sei kuti vashinge? (Dheut. 3:28; 31:1-8) [be-CA p. 268 ndima 5–p. 269 ndima 2]

5. Nei kutaura tichifara nezvezviri kuitwa naJehovha iye zvino uye zvaachaita munguva yemberi kungakurudzira vateereri vedu? [be-CA map. 270-1]

HURUKURO NHA. 1

6. Septuagint chii, uye nei vaKristu vachifanira kuziva nezvayo? [si-CA p. 307 ndima 12–p. 310 ndima 14]

7. VaMasorete vaiva vanaani, uye ndezvipi zvinokosha zvavakaitawo pakushandurwa kweBhaibheri? [si-CA p. 310 ndima 18; p. 311 ndima 20-1]

8. Mashoko akawanda echikamu chemagwaro echiHebheru eShanduro yeNyika Itsva yeChirungu anonyanya kutorwa pai, uye nei zvinganzi shanduro iyi ine simba uye yakavimbika? [si-CA p. 312 ndima 28, 30]

9. VaKristu vepakutanga vakaratidza sei kuti vaida zvikuru kuzivisa Shoko Mwari? [si-CA p. 315 ndima 1-5]

10. Kudzidza manyoro uye magwaro aripo eMagwaro Matsvene kunoratidzei nezveBhaibheri? [si-CA p. 320 ndima 32]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Nei mufananidzo wenzombe wakashandiswa pakuvaka hwaro hwedziva resimbi yakanyungudutswa? (2 Mak. 4:2-4)

12. Mumunyengetero wake wokutsaurira temberi, Soromoni akaratidza sei kuti Jehovha haangozivi zvinenge zvichidiwa nevashumiri vake seboka asi kuti anozivawo mamiriro ezvinhu chaiwo omunhu mumwe nomumwe anomutya? (2 Mak. 6:29, 30)

13. Chii chinorehwa nemashoko okuti “sungano yomunyu”? (2 Mak. 13:5)

14. Vanhu vaMwari pavanorwiswa naGogi weMagogi, tinofanira kuita sei, maererano nemashoko ari pana 2 Makoronike 20:17?

15. Ko 2 Makoronike 20:22, 23 inonyatsoenzanisira sei zvava kuda kuitika kunyika yaSatani? (w84 7/1 18 ¶17)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe