Kuzvipa Nomwoyo Unoda Kuti Tiite Basa Rose Rakanaka
1 Rimwe bhuku renyika rakataura nezveZvapupu zvaJehovha, richiti: “Zvaizova zvakaoma kuwana nhengo dzerimwe boka ripi zvaro dzinoshanda nesimba muchitendero chadzo sezvinoita Zvapupu.” Nei Zvapupu zvaJehovha zvichishanda nesimba kudaro uye nomwoyo unoda zvakadaro?
2 Chimwe chikonzero ndechokuti vane pfungwa yokukurumidzira. Jesu akaziva kuti aiva nenguva shoma yokuti apedze basa rake panyika pano. (Joh. 9:4) Mwanakomana anokudzwa waMwari sezvaanoenda achikunda pakati pevavengi vake nhasi, vanhu vaJehovha vanobva vaona kuti vane nguva shoma yokuita basa ravo. Saka, vanoramba vachizvipa nomwoyo unoda kuti vaite basa dzvene. (Pis. 110:1-3) Sezvo vashandi vakawanda vachidiwa pakukohwa, vanofanira kushanda nesimba. (Mat. 9:37, 38) Saka, vanoedza kutevedzera Jesu, uyo akaratidza muenzaniso wakakwana wokuzvipa nomwoyo unoda kuti aite basa rake.—Joh. 5:17.
3 Chimwe chikonzero chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvishande nemwoyo wose sokuna Jehovha ndechokuti sangano ravo romunyika yose rakasiyana nemamwe mapoka ose. Masangano ezvitendero zvenyika anongoda kuti vanhu vawo vashandise nguva shomanana uye vaite zvishomanana. Zvavanodavira hazvinei noupenyu hwavo hwezuva nezuva, kana zvavanotsvaka muupenyu. Zvavasina simba rinovakurudzira kutenda zvechokwadi, vakasimbirira kuti vafudzi vavo ‘vavaudze zvinhu zvinovafadza,’ vachivavimbisa kuti zvavanoita zvakakwana. (Isa. 30:10) Vafundisi vavo vakabvuma ‘kufadza nzeve dzavo,’ vachivaita kuti vave nepfungwa yokusakendenga uye vave nousimbe mune zvokunamata.—2 Tim. 4:3.
4 Vakasiyana zvikuru nevanhu vaJehovha! Zvose zvine chokuita nokunamata kwatinoita zvinosanganisira kuita zvatinogona uye kushanda. Mazuva ose uye pazvose zvatinoita, tinoita zvatinodavira. Kunyange zvazvo chokwadi chichiita kuti tifare zvikuru, zvinoda kuti isu ‘titamburire kwazvo’ kuti tiite zvinodiwa. (Enzanisa na1 VaTesaronika 2:2.) Kuita mabasa anoita kuti vanhu vararame zuva nezuva kunoita kuti vanhu vabatikane. Zvisinei, hatiregi zvinhu izvi zvichititadzisa kuisa zvine chokuita noUmambo pakutanga.—Mat. 6:33.
5 Zvatinopiwa kuti tiite mubasa raJehovha zvinobatsira zvikuru uye ndezvokukurumidzira zvokuti tinonzwa tichida ‘kutenga’ nguva kubva mune zvimwe zvinhu toishandisa nenzira inobatsira zvikuru muzvinhu zvine chokuita nokunamata. (VaEf. 5:16) Kana tikaziva kuti kuzvipa nomwoyo unoda kwatinoita kunofadza Jehovha, tinokurudzirwa zvikuru kuramba tichishanda nesimba mubasa redu. Sezvo tichiwana zvikomborero zvikuru iye zvino uye tichitarisira upenyu huri kuuya, tinotsunga kuti tirambe ‘tichishanda nesimba nokubishairira’ zvinhu zvine chokuita noUmambo.—1 Tim. 4:10.
6 Kuzvipira uye Kurega Zvimwe Zvinhu: Nhasi vanhu vakawanda vanoisa pakutanga zvinhu zvenyama nezvinhu zvavanofarira kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Vanoona pasina chakaipa nokunyanyotsvaka zvavachadya, zvavachanwa, kana kuti zvavachapfeka. (Mat. 6:31) Zvavasingagutsikani nezvinodiwa zvezuva nezuva, vanokurudzirwa nechinangwa chokuda kunyatsorarama upenyu hunofadza iye zvino uye kuva ‘nezvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji, saka vanogona kuzorora zvavo, vodya, vonwa, uye vofara.’ (Ruka 12:19) Munhu anoenda kuchechi anofunga kuti kuita zvinodiwa nechitendero chake kunenge kuri kuvhiringidza kodzero dzake. Haatombodi pfungwa yokurega kana kuti kunyange kuderedza kutsvaka zvinhu zvenyama kana kuti kurega zvimwe zvinhu zvinofadza. Sezvo achingozvifunga, kwaari pfungwa yokurega zvimwe zvinhu haiiti uye haishandi.
7 Nyaya iyi tinoiona nenzira yakasiyana. Shoko raMwari rakaita kuti tifunge zvinhu zvinokosha zvokuti tinofunga pfungwa dzaMwari kwete dzevanhu. (Isa. 55:8, 9) Muupenyu tine zvinangwa zvinokosha kudarika kutsvaka zvinhu zvenyama. Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha nokutsveneswa kwezita rake ndidzo nyaya dzinonyanya kukosha pazvinhu zvose. Nyaya idzi ihombe zvokuti, kana dzichienzaniswa, marudzi ose “akaita sechinhu chisipo pamberi pake.” (Isa. 40:17) Kuedza kwose kwatinoita kuti tirarame tisingaiti zvinodiwa naMwari kunofanira kuonekwa soupenzi.—1 VaK. 3:19.
8 Saka kunyange zvinhu zvenyama zvichidiwa uye zvimwe zvinhu zvichibatsira pakufambisira mberi basa roUmambo, tinoona kuti izvi handizvo “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Tinoomerera pane zvinotaurwa pana 1 Timoti 6:8 zvokuti tisanyanya kutsvaka zvinhu zvenyama mwoyo yedu yoramba iri ‘pazvinhu zvisingaoneki zvisingaperi.’—2 VaK. 4:18.
9 Patinonyanya kufunga pfungwa dzaMwari, kuzvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvenyama kunoitawo kushoma. Patinofunga zvatakatoitirwa naJehovha uye zvikomborero zvakaisvonaka zvaakapikira munguva yemberi, tinoda nomwoyo wose kuzvipira kuti tiite zvaanotikumbira. (Mako 10:29, 30) Ndiye akaita kuti tivepo. Tinopa Jehovha tichifara zvose zvatinokumbirwa kumudzorera, tichiziva kuti ticha“kohwa zvizhinji.”—2 VaK. 9:6, 7.
10 Vashandi Vanozvipa Nomwoyo Unoda Vari Kudiwa Iye Zvino: Kubva payakatangira, ungano yechiKristu yakashanda nesimba. (Mab. 18:5) Kukurumidza kuwedzera kwakaita kuti zvive zvakakodzera kudzidzisa vaevhangeri nevafudzi vakawanda uye kuvakumbira kuti vabatsirewo vamwe. (Mab. 6:1-6; VaEf. 4:11) Kunyange zvazvo vashomanana vaiva nezvinzvimbo, vakawanda vaingova vanhuwo zvavo. Asi vose ‘vaishanda nesimba,’ vachishanda pamwe chete nomwoyo wose kuti basa riitwe. (Ruka 13:24) Nhasi sangano riri kuita mabasa akasiyana-siyana chaizvo anoita kuti tishandise zvinhu zvedu zvose.
11 Chii Chinofanira Kuitwa? Tinogona kutaura zvechokwadi kuti kune “zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Mundima dzakawanda gohwo raibva, asi vashandi vashoma. Kunze kwokuparidza chaizvo mundima yedu, tiri kukumbirwa kuti tiitewo chimwe chinhu, kufunga nezvokunoshanda kune vaparidzi vashoma.
12 Zvinofadza kuona kuzvipa nomwoyo unoda kunoita Zvapupu zviri mumativi ose enyika kuti zviite mamwe mabasa. Mabasa acho angava okuzvipira kuvaka nzvimbo dzokunamatira, kushanda pamagungano eruwa, nokubatsira mubasa rokuyamura munguva dzenjodzi kana kuchenesa Imba yenyu yoUmambo nguva nenguva. Maererano nebasa rapedzisira kutaurwa, tinofanira kuva nechokwadi chokuti Imba yoUmambo inosiyiwa yakachena uye yakarongedzwa zvakanaka nguva dzose panopera musangano mumwe nomumwe. Kuita mabasa anganzi akaderera kunoratidza kuti unonyatsonzwisisa mashoko aJesu ari pana Ruka 16:10 anoti: “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidukuduku haanawo kururama pazvinhu zvikuru.”
■ Kutsigira Mabasa Eungano: Kunyange zvazvo ungano imwe neimwe ichishanda sechikamu chesangano rose uye ichitungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara,” inoumbwa nomuparidzi woUmambo mumwe nomumwe. (Mat. 24:45) Zvainoita zvinoenderana zvikuru nokuti Chapupu chimwe nechimwe chinoda uye chinokwanisa kuita zvakawanda sei. Ungano inoshingaira pakuita kuti mashoko akanaka aparidzwe mundima yayo, kuita vadzidzi vatsva, uye zvadaro kuvasimbisa mune zvokunamata. Mumwe nomumwe wedu anogonawo kuita basa iri. Tinogonawo kuzviitira zvinangwa zvokudzidza tiri toga, kuvawo nezvatinoita nomwoyo wose pamisangano, uye kubatsira vamwe vari muungano vanoda kubatsirwa.
■ Kutungamirira Munzvimbo Dzokutarisira: Jehovha akaita kuti ungano imwe neimwe itarisirwe nevakuru vakagadzwa. (Mab. 20:28) Ava varume vanenge vatsvaka ropafadzo iyi. (1 Tim. 3:1) Inenge hama imwe neimwe iri muungano inokwanisa kutsvaka basa routariri. Hama dzakawanda dziri kukura mune zvokunamata uye dzinofanira kuramba dzichikura dzichitungamirirwa nokubatsirwa norudo nevakuru veungano. Varume ava vanofanira kudzidza vachishingaira Bhaibheri nemabhuku edu. Vanogona kuratidza kuti vanozvipa nomwoyo unoda nokuzviisa pasi pevakuru vakagadzwa nomudzimu, vachitevedzera kutenda kwavo, uye vachikudziridza unhu hunodiwa muvatariri.—VaH. 13:7, 17.
■ Kuita Basa Renguva Yakazara: Basa guru reungano nderokuparidza mashoko akanaka. (Mat. 24:14) Chikomborero chikuru vaya vanoshingaira pavanowedzera zvavanoita nokuva mapiyona! Izvi zvinowanzosanganisira kuti vagadziridze zvimwe zvinhu muupenyu hwavo. Vangafanira kugadziridza zvimwe zvinhu kuti varambe vachiita basa iri chairo. Asi vaya vanoramba vachiita basa iri vasingaregi pashure pegore kana kupfuura pamusana pokumboora mwoyo vane chokwadi chokuti vachakomborerwa zvikuru naJehovha. Vakuru vane rudo nevamwe vava noruzivo vanogona kubatsira kuti mapiyona abudirire, vachivakurudzira neshoko uye nezvavanoita. Vechiduku vanobva vangoita basa roupiyona pavanongopedza chikoro vanoratidza pfungwa yakanaka kwazvo! Vanhu vakuru vanoita basa roupiyona hwenguva dzose pavanenge vasisina zvakawanda zvokuita kunyika vanoratidzawo pfungwa yakanaka. Saka patinoita maererano nokukurumidzisa basa kwaJehovha, zvinoita kuti tigutsikane chaizvo!—Isa. 60:22.
■ Kuita Basa Rokuvaka uye Kugadzirisa Nzvimbo Dzokunamatira: Chaizvoizvo mazana eDzimba dzoUmambo dzemazuva ano akavakwa. Zvinofadza kuti rinenge basa rose rakaitwa nehama nehanzvadzi dzedu dzakapa nomwoyo unoda nguva yadzo noruzivo rwadzo. (1 Mak. 28:21) Zviuru zvevashandi vanozvipa nomwoyo unoda zvinochengeta zvivako izvi zvakanaka nokuita chero mabasa anenge achidiwa. (2 Mak. 34:8) Sezvo basa iri ririwo basa dzvene, vaya vanobatsira vanozvipa nomwoyo unoda, havakumbiri kubhadharwa basa ravanenge vaita, sezvavanongoita pakuparidza paimba neimba, pakupa hurukuro dzavose muungano, kana kuti pakubatsira mumabasa anoitwa pamagungano.
13 Saka, chii chaizvo chinoita kuti kuzvipa nomwoyo unoda kunoitwa nevanhu vaJehovha kushamise? Kuva norupo. Kupa kwavo nomwoyo wose kunosanganisira zvinopfuura kupa mari kana zvinhu zvenyama—‘vanozvipa nomwoyo unoda.’ (Pis. 110:3) Ndicho chiratidzo chokuti takazvipira kuna Jehovha. Takakomborerwa nenzira inokosha. Tinowana “mufaro mukuru” nokuti zvatinoita zvinoongwa nevamwe, avo vanozotipawo. (Mab. 20:35; Ruka 6:38) Mubatsiri wedu mukuru ndiBaba vedu vokudenga, Jehovha, avo ‘vanoda munhu anopa achifara.’ (2 VaK. 9:7) Vachatibhadhara zvakapetwa kane zana, nezvikomborero zvichagara nokusingaperi. (Mar. 3:10; VaR. 6:23) Saka kana uchigona kuwana ropafadzo mubasa raJehovha, uchazvipa nomwoyo unoda here ndokupindura sezvakaita Isaya kuti: “Ndiri pano! Nditumei”?—Isa. 6:8.