RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/05 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 14
  • Vhiki Inotanga naNovember 21
  • Vhiki Inotanga naNovember 28
  • Vhiki Inotanga naDecember 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 11/05 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 14

Rwiyo 220

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 4 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 1 neAwake! yaNovember 8. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa. Mune mumwe nomumwe wemienzaniso yacho, ratidza kuti ndezvipi zvingaitwa kana munhu akaramba kukurukurirana achiti ‘Ini handifariri zvechitendero.’—Ona bhuku raKurangarira, p. 17.

15 min: Zvipo Zvinofadza Mwoyo waMwari. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2005, mapeji 26-30.

20 min: “Zivisai Kukudzwa kwaJehovha.”a Pakukurukura ndima 4, kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvipfupi zvinoratidza kuti mufambiro wakanaka ungazarura sei mukana wokupupura.

Rwiyo 24 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 21

Rwiyo 40

10 min: Zviziviso zveungano.

20 min: Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wako. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaApril 1, 2005, mapeji 25-8. Ratidza kushanda kunoita zvatinodzidza kubva pamuenzaniso waAbrahamu, Dhavhidhi, naEriya.

15 min: “Ratidza Kufarira—Nokucherechedza.”b Ivawo nomuenzaniso womuparidzi ari kucherechedza zvinofarirwa nasaimba zvadaro oita kuti mharidzo yake ienderane nezvaaona.

Rwiyo 67 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 28

Rwiyo 7

12 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaNovember. Uchishandisa mazano ari papeji 4 (kana achikodzera ndima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 15 neAwake! yaNovember 22. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa.

15 min: “Tingabatsira Sei?” Hurukuro. Ipa mienzaniso mishomanana inoratidza zvakaitwa nevashumiri vaJehovha kuti vayamure vavanonamata navo vaida kubatsirwa. (Ona Awake! yaAugust 8, 2003, map. 10-15; November 22, 2002, map. 19-24; uye October 22, 2001, map. 23-7. Mamwe magazini angashandiswawo.) Zvadaro kurukura pfungwa huru dzinobva munyaya iri papeji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo. Taura kuti kana paine vanoda kupa mari yezvipo kubasa rokuyamura, zviri nani kuti vaipe kubasa romunyika yose.

18 min: Kuzivisa Mashoko Akanaka Muna December. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Tanga nehurukuro pfupi yemaminitsi mashanu uchitaura pfungwa dzinotevera dzinobva munyaya inoti “Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso,” inowanikwa papeji 8 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005: (1) Kazhinji tichabudirira zvikuru kana tikataura mharidzo dzacho nemashoko edu. (2) Tinofanira kusarudza zvakanaka uye kuchinja mharidzo dzedu maererano nezvinogamuchirwa munharaunda yacho. (3) Tinofanira kufunga mamiriro ezvinhu nemafungiro evanhu vomundima yedu. (4) Tinofanira kunyatsoverenga chitsauko chatinoronga kushandisa, totsvaka pfungwa dzingaita kuti munhu afarire. (5) Hazvirevi kuti tinofanira kungoshandisa nzira dzokutanga nadzo kukurukurirana dziri mumharidzo dzomuenzaniso. Zvadaro kurukura kuti pfungwa idzodzo dzingashandiswa sei pakugovera mabhuku muna December. Ungashandisa mharidzo dzomuenzaniso dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 kana kuti dzimwe mharidzo dzinoshanda munharaunda yenyu. Enzanisira mharidzo imwe chete kana mbiri.

Rwiyo 123 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 5

Rwiyo 38

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Zvinoitwa Noushumiri Hwedu.”c Pakukurukura ndima 5, taura zviri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 2004, peji 32.

Rwiyo 26 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe