Ratidza Kufarira—Nokucherechedza
1 Hapana anosvika pana Jehovha Mwari naKristu Jesu pakucherechedza zvinodiwa nevanhu uye pakuvabatsira. (2 Mak. 16:9; Mako 6:34) Patinoziva zvinofarirwa uye zvinodiwa nevaya vatinoona muushumiri hwedu, tingagona kuchinja mharidzo yedu yemashoko akanaka.
2 Ongorora Zviripo: Jesu aicherechedza. (Mako 12:41-43; Ruka 19:1-6) Saizvozvowo, patinosvika pasuo rasaimba tocherechedza zvinhu zvine chokuita nechitendero zvakashongedza, mashoko akanamirwa pamotokari, kana kuti matoyi ari pachivanze, tingaita kuti pave nemikana yokupa uchapupu hunobudirira hwemashoko akanaka.
3 Zvinenge zvakaita chiso chomunhu uye unhu hwake zvingaita kuti tizive nezvemanzwiro ake. (Zvir. 15:13) Zvimwe kufirwa nomudiwa kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu anorwadza amusiya achida kunyaradzwa. Kumuverengera magwaro akakodzera kungaita kuti afarire. (Zvir. 16:24) Saimba wacho ane kwaari kumhanyira here, kana kuti akabata mwana ari kuchema here? Kana zvakadaro, zvingave nani kuti uronge kuzomushanyira pane imwe nguva. Kana tikava nehanya uye ‘tikanzwira ngoni,’ tingaita kuti munhu wacho ade kuteerera patinodzokazve.—1 Pet. 3:8.
4 Chinja Mharidzo Yako: Muapostora Pauro akacherechedza kuti muguta reAtene maiva neatari yakanga yakatsaurirwa “Kuna Mwari Asingazivikanwi.” Izvi zvakaita kuti achinje nzira yaakazotaura nayo mashoko akanaka, nokuti akati: “Chamuri kuzvipira kwachiri saMwari musingazivi, ndicho chandiri kukuparidzirai.” Kuparidza kwaPauro kwounyanzvi kwakaita kuti vamwe vevakanga varipo vade kuteerera mashoko oUmambo uye kuti vazova vatendi.—Mab. 17:23, 34.
5 Saizvozvowo, kucherechedza kwedu kunotibatsira kunzwisisa kufarira kunoita munhu zvoita kuti tichinje zvatichataura. Shandisa mibvunzo ingaita kuti saimba ataure zviri pamwoyo pake. Funga nezvemagwaro angashandiswa kuita kuti kufarira kwake kuwedzere. (Zvir. 20:5) Kucherechedza kwatinoita uye kuratidza kuti tinofarira vamwe zvechokwadi kuchatibatsira kuparidzira mashoko akanaka nounyanzvi.