Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira, tapota varatidze bhurocha raAnodei. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raZivo kana kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? December: Munhu Mukurusa. Kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, kana kuti Kurarama Nokusingaperi kana ungano yenyu inaro.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2006” uye inofanira kuchengetwa kuti izoshandiswa mugore rose ra2006.
◼ Kutanga nevhiki yaApril 17, 2006, tichadzidza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Ungano dzinofanira kunge dziine mabhuku akakwana kusanganisira emabhii makuru.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mapepa okukokera Chirangaridzo cha2006 neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Achawanikwa muChirungu, Shona neZulu. Anofanira kuodhwa ari 100, 200, zvichingodaro, pamutauro mumwe nomumwe. Tapota odhai muchiziva kuti mapepa okukokera Chirangaridzo akagadzirirwa vanofarira chete.
◼ Vatariri vanotungamirira vanoyeuchidzwa kuti vashandise chikamu chezvinodiwa muungano paMusangano Webasa kudzokorora gungano reruwa. Vaparidzi vanofanira kuziviswa nezvazvo pachine vhiki kuti vazouya nezvavakanyora.
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo: Families—Make Daily Bible Reading Your Way of Life! (cdeb)—Chirungu Jehovah’s Judgment Against Law-Defying People (cdjj)—Chirungu Keep Your Eye Simple (cdey)—Chirungu