RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/05 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 10/05 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOctober 31, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSeptember 5 kusvika kune yaOctober 31, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti kudzidzisa kwedu kunobva muShoko raMwari kunosvika pamwoyo wevanhu wokufananidzira? (Mat. 13:19) [be-CA p. 258 ndima 1-2, bhokisi]

2. Chii chingatibatsira kuti tibudise zviri mumwoyo womunhu, asi tinofanira kuchenjerera chii? [be-CA p. 259 ndima 1-2]

3. Patinodzidzisa, nei zvichikosha kuti titaure zvakanyanya nezvounhu hwakanaka chaizvo hwaJehovha? [be-CA p. 260 ndima 1]

4. Tingabatsira sei vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vaone zvavanofanira kugadzirisa? [be-CA p. 260 ndima 4-5]

5. Chii chatingaita kuti tibatsire vatinodzidza navo Bhaibheri kana kuti vateereri vedu kuti vaongorore zvinangwa zvavo pane zvinhu zvavanoita? [be-CA p. 261 ndima 5–p. 262 ndima 1]

HURUKURO NHA. 1

6. ‘Kutsvaka Jehovha nomwoyo wose’ kunorevei, uye tingaratidza sei kuti ndizvo zvatiri kuita? (VaH. 11:6) [w03-CA 8/15 p. 25 ndima 2; p. 26 ndima 1-2; p. 27 ndima 2]

7. “Muenzaniso wemashoko anopa utano” chii, uye vakuru vangaratidza sei kuti vanoomerera kwauri? (2 Tim. 1:13, 14) [w03-CA 1/1 p. 29 ndima 3–p. 30 ndima 1]

8. Chii chinorehwa nezita rokuti, ‘manyoro eBhaibheri, [kana kuti mabhuku eBhaibheri]’ uye ndezvipi zvimwe zvinhu zvinozivisa kana bhuku racho reBhaibheri riri rechokwadi? [si-CA p. 299 ndima 5-6]

9. Nei Muratorian Fragment, iyo inoratidza musi wokunge tapfuura pakati pezana remakore rechipiri C.E., ichikosha pakuratidza kuti Magwaro echiKristu echiGiriki ndeechokwadi? [si-CA p. 302 ndima 19]

10. Magwaro pachawo anopa chiremera chipi chokushandura Bhaibheri, uye shanduro dzekare dzeBhaibheri dzakabatsira sei? [si-CA peji 307 ndima 9]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Ko 2 Madzimambo 13:21 inotsigira pfungwa yokuti zvinhu zvaimboshandiswa kare mune zvechitendero zvinofanira kunamatwa here?

12. Hezekiya akanga abatana neIjipiti here? (2 Madz. 18:19-21, 25)

13. Kunyange zvazvo zvakanyorwa zveAsiriya zvisingatauri zvakananga kuti Jehovha akakunda Saniheribhi, chii chaunoona chichifadza pane zvinotaurwa mune zvakanyorwa izvozvo? (2 Madz. 19:35, 36)

14. Ndiani akanga ari baba vaSheatiyeri? (1 Mak. 3:16-18)

15. Mumazuva aMambo Sauro, vaRubheni, vaGadhi, uye hafu yedzinza raManase vakaratidza sei muenzaniso wakanaka nokuda kwevashumiri vose vaMwari nhasi? (1 Mak. 5:18-22)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe