RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/05 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2006

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2006
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Misoro Midiki
  • Mirayiridzo
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 10/05 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2006

Mirayiridzo

Muna 2006 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene [bi12-CA], Nharireyomurindi [w-CA], Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri [be-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA].

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko okugamuchira chobva chaenderera sezviri pasi apa. Hurukuro imwe neimwe yapera, mutariri wechikoro achasuma hurukuro inotevera.

UNYANZVI HWOKUTAURA: Maminitsi 5. Mutariri wechikoro, mupi wezano wechipiri, kana kuti mumwe mukuru anokwanisa achakurukura unyanzvi hwokutaura kubva mubhuku reChikoro Choushumiri. (Muungano dzine vakuru vashoma, mushumiri anoshumira anokwanisa angashandiswa.)

HURUKURO NHA. 1: Maminitsi 10. Iyi inofanira kupiwa nomukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa, uye ichabva muNharireyomurindi, mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, kana kuti ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi gumi pasina mibvunzo yokudzokorora. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungotaura mashoko acho ose asi kusimbisa kubatsira kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichanyanya kubatsira ungano. Unofanira kushandisa musoro wakaratidzwa. Hama dzinopiwa hurukuro iyi dzinotarisirwa kuti dzingwarire kuchengeta nguva. Hama idzi dzingapiwa zano risiri reparuzhinji kana zvakakodzera.

PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi mashanu okutanga, mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kuratidza kuti mashoko acho anoshanda sei kune zvinodiwa muungano. Angataura nezvechikamu chero chipi zvacho pakuverenga Bhaibheri kwakarongerwa vhiki yacho. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yechikamu chinofanira kuverengwa. Chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha. Mukurukuri anofanira kungwarira kusapfuudza maminitsi mashanu echikamu chokutanga. Anofanira kuva nechokwadi chokusiyira vateereri maminitsi mashanu kuti vataurewo. Vateereri vanofanira kukumbirwa kuti vataure mashoko mashoma (masekondi 30 kana kuti asingasviki) pamusoro pepfungwa dzakavanakidza pakuverenga Bhaibheri uye zvadzinobatsira. Zvadaro mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi vanofanira kuenda kune mamwe makirasi kuti vabude.

HURUKURO NHA. 2: Maminitsi 4 kana kuti asingasviki. Hama ndiyo inofanira kuverenga. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga mashoko acho asingapi sumo kana mhedziso. Anofanira kuverenga mashoko anorondedzera paanenge achipa hurukuro inobva muna Mapisarema. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kuti vaverenge vachinzwisisa, vachitsetsenura, vachisimbisa pfungwa zvakakodzera, vachisiyanisa inzwi, vachimbomira zvakakodzera, uye vakasununguka.

HURUKURO NHA. 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachapiwa marongero avangaita kana kuti vachasarudza kubva pane ari papeji 82 yebhuku reChikoro Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakarongwa oushandisa zvinokodzera basa romumunda uye zvinoshanda mundima yeungano yenyu. Kana zvisina kuratidzwa kuti mashoko ehurukuro yacho anobva papi, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku edu. Vadzidzi vatsva vanofanira kupiwa hurukuro dzakaratidzwa panobva mashoko acho. Mutariri wechikoro achanyanyofarira kukurukura kunoita mudzidzi mashoko acho uye kubatsira kwaanoita saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.

HURUKURO NHA. 4: Maminitsi 5. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro wakarongwa. Kana zvisina kuratidzwa kuti mashoko ehurukuro yacho anobva papi, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku edu. Painopiwa hama, inotaurwa sehurukuro pachifungwa nezvevateereri vari muImba yoUmambo. Hanzvadzi painopiwa hurukuro iyi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvakarongerwa Hurukuro Nha. 3. Mutariri wechikoro angapa hama Hurukuro Nha. 4 pose paanoona kuti zvakakodzera kuita kudaro. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi nguva dzose inofanira kupiwa hama kuti dzikurukure sehurukuro.

NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, uye mashoko omupi wezano haafaniri kupfuudza nguva. Hurukuro Nha. 2 kusvika ku4 dzinofanira kumiswa nokungwarira kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa hurukuro yokutanga younyanzvi hwokutaura, Hurukuro Nha. 1, kana kuti pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kunyatsongwarira kuti vasapfuudza nguva. Purogiramu yose: Maminitsi 45, tisingatauri nguva yorwiyo nomunyengetero.

ZANO: Miniti imwe. Kana mudzidzi mumwe nomumwe apedza kupa hurukuro, mutariri wechikoro haafaniri kupfuudza miniti imwe achitaura zvakanaka zvaaona paHurukuro Nha. 2, Nha. 3, neNha. 4. Chinangwa chake hachisi chokungoti “maita zvakanaka,” asi ndechokuonesa zvikonzero chaizvo nei makurukurire acho anga achibatsira. Maererano nezvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, zano rokuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.

MUPI WEZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi, kuti ave mupi wezano wechipiri, kana paine mumwe asiri mutariri wechikoro. Kana muungano muine vakuru vakawanda, ipapo vakuru vanokwanisa vakasiyana vangachinjana kuita basa iri gore rimwe nerimwe. Basa rake richava rokupa zano pasiri paruzhinji hama dzinopa Hurukuro Nha. 1 uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri kana zvakakodzera. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pose pavanopa hurukuro dzakadaro.

FOMU ROUNYANZVI HWOKUTAURA: Riri mubhuku.

KUDZOKORORA: Maminitsi 30. Mwedzi miviri yoga yoga, mutariri wechikoro achatungamirira kudzokorora vateereri vachipindura. Pachatanga pakurukurwa unyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro apa. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvinenge zvadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri inenge yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo. Kana ungano yenyu iine gungano redunhu vhiki yokudzokorora, ipapo kudzokorora kwacho (uye zvimwe zvose zvakarongerwa vhiki iyoyo) zvinofanira kuzoitwa vhiki inotevera uye zvevhiki inotevera yacho zvoitwa pagungano redunhu. Kana ungano yenyu iri kushanyirwa nomutariri wedunhu vhiki yokudzokorora, ipapo rwiyo, hurukuro younyanzvi hwokutaura, uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri zvinofanira kuitwa sezvakarongwa. Hurukuro yokurayira (inopiwa pashure pounyanzvi hwokutaura) inofanira kutorwa papurogiramu yevhiki inotevera. Chikoro chaMwari Choushumiri chevhiki inotevera chichatanga nounyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzinobva muBhaibheri sezvakarongwa, zvoteverwa nokudzokorora.

PUROGIRAMU

Jan. 2 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 29-32 Rwiyo 91

Unyanzvi Hwokutaura: Batsirwa Zvizere neChikoro chaMwari Choushumiri (be-CA p. 5 ¶1–p. 8 ¶1)

Nha. 1: Farira Shoko raMwari (be-CA p. 9 ¶1-5)

Nha. 2: 2 Makoronike 30:1-12

Nha. 3: Nei vaKristu Vechokwadi Vasingatauri Mashoko Akaipa

Nha. 4: Kukanganisa Kunoita Chivi Ukama Hwedu naMwari (rs-CA 67 ¶3–p. 68 ¶2)

Jan. 9 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 33-36 Rwiyo 144

Unyanzvi Hwokutaura: Kuverenga Nomazvo (be-CA p. 83 ¶1–p. 84 ¶1)

Nha. 1: Bhuku ra2 Makoronike—Nei Richibatsira (si-CA p. 84 ¶34-6)

Nha. 2: 2 Makoronike 34:1-11

Nha. 3: Zvinotaura Bhaibheri Nezvomweya (rs-CA p. 266 ¶1–p. 267 ¶2)

Nha. 4: Usambonyara Kuomerera Patsika dzeBhaibheri

Jan. 16 Kuverenga Bhaibheri: Ezra 1-5 Rwiyo 137

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Yokuverenga Nayo Nomazvo (be-CA p. 84 ¶2–p. 85 ¶3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raEzra (si-CA map. 85-6 ¶1-7)

Nha. 2: Ezra 1:1-11

Nha. 3: Zvazvinobatsira Kuva Nehana Yakatendeseka

Nha. 4: Mhuka Mweya (rs-CA p. 267 ¶3–p. 268 ¶2)

Jan. 23 Kuverenga Bhaibheri: Ezra 6-10 Rwiyo 106

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Ataurwa Zvakajeka (be-CA p. 86 ¶1-6)

Nha. 1: Bhuku raEzra—Nei Richibatsira (si-CA p. 87 ¶14-18)

Nha. 2: Ezra 6:1-12

Nha. 3: Parufu, Mweya Kana Kuti Mudzimu Hazvirambi Zvichirarama (rs-CA p. 268 ¶3–p. 270 ¶4)

Nha. 4: aMaonero Anoita Mwari Kuroorana

Jan. 30 Kuverenga Bhaibheri: Nehemiya 1-4 Rwiyo 161

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Yokutaura Nayo Zvakajeka (be-CA p. 87 ¶1–p. 88 ¶3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raNehemiya (si-CA p. 88 ¶1-5)

Nha. 2: Nehemiya 2:1-10

Nha. 3: Kuchengeteka Kunokosha Kudarika Kumwe Kwose

Nha. 4: Chiri Mudzimu Mutsvene (rs-CA p. 248 ¶1-3)

Feb. 6 Kuverenga Bhaibheri: Nehemiya 5-8 Rwiyo 40

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Mashoko Nomazvo—Zvinhu Zvokufunga Nezvazvo (be-CA p. 89 ¶1–p. 90 ¶3)

Nha. 1: Verenga Bhaibheri Zuva Nezuva (be-CA p. 10 ¶1–p. 12 ¶3)

Nha. 2: Nehemiya 5:1-13

Nha. 3: Uchapupu Hwokuti Munhu Ane Mudzimu Mutsvene (rs-CA p. 249 ¶1-4)

Nha. 4: “Chengetedza Mwoyo Wako” (Zvir. 4:23)

Feb. 13 Kuverenga Bhaibheri: Nehemiya 9-11 Rwiyo 159

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Dzokuvandudza Nadzo Mataurirwo Emashoko (be-CA p. 90 ¶4–p. 92)

Nha. 1: Kudzidzira Rugare Panzvimbo Pehondo (w04-CA 1/1 p. 6 ¶8–p. 7 ¶5)

Nha. 2: Nehemiya 10:28-37

Nha. 3: Uchapupu Hwokuti Jehovha Anotida

Nha. 4: Hapana Chikamu Chomudzimu Womunhu Chinopukunyuka Parufu (rs-CA p. 250 ¶4–p. 251 ¶1)

Feb. 20 Kuverenga Bhaibheri: Nehemiya 12-13 Rwiyo 118

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Uchitsetsenura (be-CA p. 93 ¶1–p. 94 ¶3)

Nha. 1: Nehemiya—Nei Richibatsira (si-CA map. 90-1 ¶16-19)

Nha. 2: Nehemiya 13:1-14

Nha. 3: Nei Zvisingabviri Kutaura Nevakafa (rs-CA p. 156 ¶1–p. 157 ¶1)

Nha. 4: bMitambo Yemavhidhiyo Ine Chisimba Haisi yevaKristu

Feb. 27 Kuverenga Bhaibheri: Esteri 1-5 Rwiyo 215

Unyanzvi Hwokutaura: Mavandudziro Aungaita Kukurukura Uchitsetsenura (be-CA p. 94 ¶4–p. 96 ¶2, kunze kwebhokisi riri pap. 95)

Kudzokorora

Mar. 6 Kuverenga Bhaibheri: Esteri 6-10 Rwiyo 74

Unyanzvi Hwokutaura: Kurarama Nokundandama (be-CA p. 95, bhokisi)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raEsteri uye Nei Richibatsira (si-CA map. 91-4 ¶1-6, 16-18)

Nha. 2: Esteri 6:1-10

Nha. 3: Mhinduro Nyoro Ingadzora Kutsamwa

Nha. 4: Nei vaKristu Vechokwadi Vachiramba Tsika Dzose Dzokutaura Nemidzimu (rs-CA p. 157 ¶2–p. 158 ¶6)

Mar. 13 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 1-5 Rwiyo 160

Unyanzvi Hwokutaura: Kumbomira Pane Nyora uye Kuti Uchinje Pfungwa (be-CA p. 97 ¶1–p. 98 ¶5)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raJobho (si-CA map. 95-6 ¶1-6)

Nha. 2: Jobho 2:1-13

Nha. 3: Usada Kuziva Nezvesimba reMadhimoni (rs-CA p. 159 ¶1–p. 160 ¶1)

Nha. 4: Nei vaKristu Vechokwadi Vasingafaniri Kugunun’una

Mar. 20 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 6-10 Rwiyo 214

Unyanzvi Hwokutaura: Kumbomira Kuti Usimbise, Kumbomira Kuti Uteerere (be-CA p. 99 ¶1–p. 100 ¶4)

Nha. 1: Kukosha Kwezvinhu Zvokunamata (w04-CA 10/15 p. 4 ¶2–p. 5 ¶3)

Nha. 2: Jobho 7:1-21

Nha. 3: Zvinoreva Kuva Akachena Mumwoyo

Nha. 4: Kusununguka Kwatingaita Pakukanganiswa Nokutaura Nemidzimu (rs-CA p. 160 ¶2–p. 161 ¶2)

Mar. 27 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 11-15 Rwiyo 8

Unyanzvi Hwokutaura: Kusimbisa Pfungwa Kwakakodzera (be-CA p. 101 ¶1–p. 102 ¶3)

Nha. 1: “Chenjererai Mateererere Enyu” (be-CA p. 13 ¶1–p. 14 ¶4)

Nha. 2: Jobho 12:1-25

Nha. 3: Ngwarira Pfungwa Yokuita Zvaunoda (rs-CA p. 252 ¶1–p. 253 ¶2)

Nha. 4: Nei Ushumiri Huchitifadza

Apr. 3 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 16-20 Rwiyo 50

Unyanzvi Hwokutaura: Kuvandudza Kusimbisa Pfungwa (be-CA p. 102 ¶4–p. 104 ¶4)

Nha. 1: Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoda Mwari (w04-CA 3/1 map. 19-21)

Nha. 2: Jobho 16:1-22

Nha. 3: Zvinoitwa naJehovha Kuti Vanhu Vauye Kuzomunamata

Nha. 4: cNgozi Dzokudada uye Dzokupandukira (rs-CA p. 253 ¶3–p. 254 ¶1)

Apr. 10 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 21-27 Rwiyo 119

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzasimbiswa (be-CA p. 105 ¶1–p. 106¶2)

Nha. 1: Zvinhu Zvokunamata Zvinokosha Zvinopa Mubayiro (w04-CA 10/15 p. 5 ¶4–p. 7 ¶2)

Nha. 2: Jobho 24:1-20

Nha. 3: Jehovha Anopa Simba Rinopfuura Renguva Dzose

Nha. 4: dNgwarira Zvishuwo Zvenyama (rs-CA p. 254 ¶2)

Apr. 17 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 28-32 Rwiyo 100

Unyanzvi Hwokutaura: Inzwi Rakakodzera Vateereri (be-CA p. 107 ¶1–p. 108 ¶5)

Nha. 1: Kuteerera Pamisangano uye Pamagungano (be-CA p. 15 ¶1–p. 16 ¶5)

Nha. 2: Jobho 29:1-25

Nha. 3: Usadzorwa Nokuchiva Kwemaziso (rs-CA p. 254 ¶3–p. 255 ¶1)

Nha. 4: Zvakaita Kuti Mapoka Evanhu Ashamiswe Nokudzidzisa kwaJesu

Apr. 24 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 33-37 Rwiyo 94

Unyanzvi Hwokutaura: Mavandudziro Aungaita Inzwi Rako (be-CA p. 109 ¶1–p. 110 ¶2)

Kudzokorora

May 1 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 38-42 Rwiyo 154

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Gadzirisa Inzwi Rako (be-CA p. 111 ¶1–p. 112 ¶2)

Nha. 1: Bhuku raJobho—Nei Richibatsira (si-CA p. 100 ¶39-43)

Nha. 2: Jobho 38:1-24

Nha. 3: Isaya 60:22 Iri Kuzadzika Sei Nhasi?

Nha. 4: eKutuka uye Chisimba Mabasa Enyama (rs-CA p. 255 ¶2)

May 8 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 1-10 Rwiyo 168

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Chinja Kukurumidza Kana Kunonoka Kwako (be-CA p. 112 ¶3–p. 113 ¶1)

Nha. 1: Kusuma Bhuku reMapisarema—Chikamu 1 (si-CA p. 101 ¶1-5)

Nha. 2: Pisarema 4:1–5:12

Nha. 3: Vimba naMwari, Kwete Nomunhu (rs-CA p. 255 ¶3-4)

Nha. 4: Kubata Muenzaniso Wemashoko Anopa Utano

May 15 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 11-18 Rwiyo 217

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Siyanisa Kukwirira Kwenzwi Rako (be-CA p. 113 ¶2–p. 114 ¶3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku reMapisarema—Chikamu 2 (si-CA p. 102 ¶6-11)

Nha. 2: Pisarema 14:1–16:6

Nha. 3: VaKristu Vechokwadi Havasi Venyika Munzira Dzipi?

Nha. 4: Ndiani Anofanira Kupiwa Mhosva Yokutambura Kwevanhu? (rs-CA p. 149 ¶1-2)

May 22 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 19-25 Rwiyo 23

Unyanzvi Hwokutaura: Taura Zvine Upenyu (be-CA p. 115 ¶1–p. 116 ¶4)

Nha. 1: Njere Dzakanaka Dzinounza Kufarirwa (w04-CA 7/15 p. 27 ¶4–p. 28 ¶4)

Nha. 2: Pisarema 22:1-22

Nha. 3: Kutambura Kwakatanga Sei? (rs-CA p. 150 ¶1-2)

Nha. 4: fZviyeuchidzo zvaMwari Zvii, uye Nei Tichifanira Kuzviteerera?

May 29 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 26-33 Rwiyo 203

Unyanzvi Hwokutaura: Chido Chakakodzera Mashoko (be-CA p. 116 ¶5–p. 117 ¶4)

Nha. 1: Unogona Kuvandudza Mano Ako Okuyeuka (be-CA p. 17 ¶1–p. 19 ¶1)

Nha. 2: Pisarema 30:1–31:8

Nha. 3: Chokwadi Chinokusunungura Munzira Dzipi?

Nha. 4: Kudzivisa Kwatingaita Kutambura Zvakanyanya (rs-CA p. 150 ¶3–p. 151 ¶1)

June 5 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 34-37 Rwiyo 167

Unyanzvi Hwokutaura: Kuratidza Ushamwari (be-CA p. 118 ¶1–p. 119 ¶5)

Nha. 1: Simba Romunyengetero (w04-CA 8/15 p. 18 ¶6–p. 19 ¶10)

Nha. 2: Pisarema 34:1-22

Nha. 3: Zvakaita Kuti Mwari Ane Rudo Abvumire Kutambura Kwenguva Refu Kudai (rs-CA p. 151 ¶3)

Nha. 4: Tinofanira Kutiza Marudzi Api Okunamata Zvidhori?

June 12 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 38-44 Rwiyo 216

Unyanzvi Hwokutaura: Kubudisa Manzwiro Aunoita (be-CA p. 119 ¶6–p. 120 ¶5)

Nha. 1: Basa Romudzimu waMwari Pakuyeuka (be-CA p. 19 ¶2–p. 20 ¶3)

Nha. 2: Pisarema 40:1-17

Nha. 3: Sayenzi Yechokwadi Haipesani neBhaibheri

Nha. 4: Mwari Achabvisa Kutambura Kwose Kunoita Vashumiri Vake (rs-CA p. 152 ¶1-4)

June 19 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 45-51 Rwiyo 104

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako (be-CA p. 121 ¶1-4)

Nha. 1: Jesu Anouya Rini? (w04-CA 3/1 p. 16, bhokisi)

Nha. 2: Pisarema 46:1–47:9

Nha. 3: Nei Mwari Asina Kungoregerera Chivi chaAdhamu (rs-CA p. 152 ¶5-6)

Nha. 4: MuKristu Anogona Sei Kusava Nesimba Asi Aine Simba? (2 VaK. 12:10)

June 26 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 52-59 Rwiyo 103

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako (be-CA p. 122 ¶1–p. 123 ¶4)

Kudzokorora

July 3 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 60-68 Rwiyo 45

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisana Nevateereri Muushumiri (be-CA p. 124 ¶1–p. 125 ¶4)

Nha. 1: Zvinoreva Kuzvininipisa kwaJehovha Kwatiri (w04-CA 11/1 map. 29-30)

Nha. 2: Pisarema 60:1–61:8

Nha. 3: Kuita Mabasa echiKristu Kunoita Kuti Tisateerera Mitemo yaMwari Here?

Nha. 4: Mwari Haasi Iye Anokonzera Urema Hwomuviri Nohwepfungwa (rs-CA p. 153 ¶1-3)

July 10 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 69-73 Rwiyo 225

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisana Nevateereri Pakupa Hurukuro (be-CA p. 126 ¶1–p. 127 ¶2)

Nha. 1: Nei Uchifanira Kushingairira Kuverenga? (be-CA p. 21 ¶1–p. 23 ¶3)

Nha. 2: Pisarema 71:1-18

Nha. 3: Norudo, Jehovha Anoita Kuti Vana Vabatsirwe Norudzikinuro Rwechibayiro chaKristu (rs-CA p. 153 ¶4)

Nha. 4: gNei vaKristu Vasingafaniri Kusarura

July 17 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 74-78 Rwiyo 28

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Muushumiri Hwomumunda (be-CA p. 128 ¶1–p. 129 ¶1)

Nha. 1: Verenga Nechinangwa Chakanaka (be-CA p. 23 ¶4–p. 26 ¶5)

Nha. 2: Pisarema 75:1–76:12

Nha. 3: Kutsvaka Jehovha Kunosanganisirei? (Zef. 2:3)

Nha. 4: Mwari Haasi Kushandisa Njodzi Dzinongozviitikira Dzoga Kuti Arange Vanhu (rs-CA p. 153 ¶5–p. 154 ¶2)

July 24 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 79-86 Rwiyo 112

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Uri Pachikuva (be-CA p. 129 ¶2–p. 130 ¶1)

Nha. 1: “Tende Rowakarurama Richafara” (w04-CA 11/15 p. 26 ¶1–p. 28 ¶2)

Nha. 2: Pisarema 82:1–83:18

Nha. 3: Nhamo Haifaniri Kuonekwa Souchapupu Hwokusafarirwa naMwari (rs-CA p. 154 ¶3-4)

Nha. 4: Vanhu Vasina Kukwana Vanganyatsofadza Mwari Here?

July 31 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 87-91 Rwiyo 57

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Pakuverengera Vanhu (be-CA p. 130 ¶2-4)

Nha. 1: Apo ‘Zivo Inenge Isingatani Kuwanikwa’ uye Patinotungamirirwa Nouchenjeri (w04-CA 11/15 p. 28 ¶3–p. 29 ¶7)

Nha. 2: Pisarema 89:1-21

Nha. 3: Kudzidza Bhaibheri Ndeimwe Nzira Yokunamata Kwedu

Nha. 4: Kubudirira Mune Zvokunyama Hakufaniri Kuonekwa Souchapupu Hwokukomborerwa naMwari (rs-CA p. 155 ¶1-2)

Aug. 7 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 92-101 Rwiyo 190

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akachena Kunowedzera Kunaka Kweshoko (be-CA p. 131 ¶1-3)

Nha. 1: Kudzidza Kwatingaita (be-CA p. 27 ¶1–p. 31 ¶2)

Nha. 2: Pisarema 92:1–93:5

Nha. 3: Kutaura Nendimi Kunoratidza Kuti Munhu Ane Mudzimu waMwari Here? (rs-CA p. 271 ¶1-5)

Nha. 4: Kukosha Kwokuva Netsika Dzakanaka

Aug. 14 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 102-105 Rwiyo 1

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Kunoita Kuva Nomwero uye Kuva Nepfungwa Dzakanaka Pakupfeka uye Kushambidzika Kwako (be-CA p. 131 ¶4–p. 132 ¶3)

Nha. 1: “Haiwa Jehovha, Mabasa Enyu Mazhinji Sei!” (w04-CA 11/15 map. 8-9)

Nha. 2: Pisarema 104:1-24

Nha. 3: Nei Tichifanira Kuramba Takarinda

Nha. 4: Nei Kutaura Nendimi Nhasi Kwakasiyana Nokwaiitwa nevaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga? (rs-CA p. 272 ¶1-4)

Aug. 21 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 106-109 Rwiyo 201

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwenguo Dzakagadzirwa Zvakanaka (be-CA p. 132 ¶4–p. 133 ¶1)

Nha. 1: Pwere—Musangotevera Zvinoitwa Nevezera Renyu (w04-CA 10/15 p. 22 ¶4–p. 24 ¶5)

Nha. 2: Pisarema 107:20-43

Nha. 3: Shoko raMwari Rinotibatsira Kufunga Zvinotaurwa Nevamwe Nezvokuva Nomudzimu waMwari (rs-CA p. 272 ¶6–p. 273 ¶3)

Nha. 4: Tingatevedzera Mwari Munzira Dzipi?

Aug. 28 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 110-118 Rwiyo 125

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisika Zvakanaka Hakupi Chikonzero Chokugumbuka (be-CA p. 133 ¶2-4)

Kudzokorora

Sept. 4 Kuverenga Bhaibheri: Pisarema 119 Rwiyo 59

Unyanzvi Hwokutaura: Kumira Zvakanaka uye Zvishandiso Zvakatsvinda (be-CA p. 133 ¶5–p. 134 ¶4)

Nha. 1: Kudzidza Kune Mubayiro (be-CA p. 31 ¶3–p. 32 ¶4)

Nha. 2: Pisarema 119:25-48

Nha. 3: Nei Tichiremekedza Zviremera Zvenyika

Nha. 4: Nhasi vaKristu Vechokwadi Havazivikanwi Nokutaura Nendimi (rs-CA p. 273 ¶4-6)

Sept. 11 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 120-134 Rwiyo 65

Unyanzvi Hwokutaura: Maderedzerwo Okunetseka Pakutaura (be-CA p. 135 ¶1–p. 137 ¶2)

Nha. 1: Nzira Yokutsvakurudza Nayo Mashoko (be-CA p. 33 ¶1–p. 35 ¶2)

Nha. 2: Pisarema 121:1–123:4

Nha. 3: Chipo Chendimi Chaizogara Nguva Yakareba Sei? (rs-CA p. 274 ¶1-2)

Nha. 4: Chii Chinonzi Gudziramukanwa, uye Jesu Akarishandisa Sei?

Sept. 18 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 135-141 Rwiyo 97

Unyanzvi Hwokutaura: Mawanirwo Echivimbo (be-CA p. 137 ¶3–p. 138 ¶4)

Nha. 1: Bhuku reMapisarema—Nei Richibatsira—Chikamu 1 (si-CA p. 105 ¶23-7)

Nha. 2: Pisarema 136:1-26

Nha. 3: Chirangaridzo Kudya Kunogoveranwa Munzira Ipi?

Nha. 4: hUtatu Hahusi hwomuBhaibheri (rs-CA p. 380 ¶2–p. 386 ¶3)

Sept. 25 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 142-150 Rwiyo 5

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokuita Kuti Inzwi Riwedzere Kunzwika (be-CA p. 139 ¶1–p. 140 ¶1)

Nha. 1: Bhuku reMapisarema—Nei Richibatsira—Chikamu 2 (si-CA map. 105-6 ¶28-32)

Nha. 2: Pisarema 142:1–143:12

Nha. 3: iKana Mumwe Munhu Akabvunza Kuti, ‘Unodavira Utatu Here?’ (rs-CA p. 400 ¶3–p. 401 ¶4)

Nha. 4: Tingaisa Zvinodiwa Nevamwe Pamberi Pezvedu Munzira Dzipi?

Oct. 2 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 1-6 Rwiyo 111

Unyanzvi Hwokutaura: Shandisa Maikorofoni Zvakanaka (be-CA p. 140 ¶2–p. 142 ¶2)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raZvirevo—Chikamu 1 (si-CA map. 106-7 ¶1-5)

Nha. 2: Zvirevo 5:1-23

Nha. 3: Nei Kuine Uipi Hwakawanda Zvikuru? (rs-CA p. 362 ¶2–p. 363 ¶1)

Nha. 4: jUsaparadzira Ngano (2 Tim. 4:4)

Oct. 9 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 7-11 Rwiyo 73

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Bhaibheri Pakupindura (be-CA p. 143 ¶1-3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raZvirevo—Chikamu 2 (si-CA map. 107-8 ¶6-11)

Nha. 2: Zvirevo 7:1-27

Nha. 3: Kusava Nokwatakarerekera sevaKristu Kunoita Kuti Tive Vakabatana Sehama

Nha. 4: Nei Mwari Achibvumira Uipi? (rs-CA p. 363 ¶2–p. 364 ¶3)

Oct. 16 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 12-16 Rwiyo 180

Unyanzvi Hwokutaura: Kuvandudza Kwatingaita Mashandisirwo eBhaibheri (be-CA p. 144 ¶1-4)

Nha. 1: Kudzidza Kushandisa Zvimwe Zvinoshandiswa Pakutsvakurudza (be-CA p. 35 ¶3–p. 38 ¶4)

Nha. 2: Zvirevo 14:1-21

Nha. 3: Kubvumira kwaMwari Uipi Kwakatibatsira Sei? (rs-CA p. 365 ¶1-2)

Nha. 4: Chii Chingatibatsira Kuti Tinyatsoteerera Pamisangano?

Oct. 23 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 17-21 Rwiyo 131

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Bhaibheri Kwakurudzirwa (be-CA map. 145-6)

Nha. 1: Bhuku raZvirevo—Nei Richibatsira—Chikamu 1 (si-CA map. 109-10 ¶19-28)

Nha. 2: Zvirevo 17:1-20

Nha. 3: Maonero Anoita vaKristu Vanhu Vakwegura

Nha. 4: kBhaibheri Rinotsigira Kuti Vakadzi Vaonekwe Sei? (rs-CA p. 411 ¶1-2)

Oct. 30 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 22-26 Rwiyo 9

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokunyatsosuma Magwaro (be-CA p. 147 ¶1–p. 148 ¶2)

Kudzokorora

Nov. 6 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 27-31 Rwiyo 51

Unyanzvi Hwokutaura: Kusarudza Mashoko Akakodzera Pakusuma Magwaro (be-CA p. 148 ¶3–p. 149 ¶3)

Nha. 1: Bhuku raZvirevo—Nei Richibatsira—Chikamu 2 (si-CA map. 110-11 ¶29-38)

Nha. 2: Zvirevo 28:1-18

Nha. 3: Kuva Musoro Kwevarume Kunoderedza Vakadzi Here? (rs-CA p. 411 ¶3–p. 412 ¶1)

Nha. 4: Nei Tisingafaniri Kutonga Vanhu Vatinoona Muushumiri Nezvavari Nechokunze

Nov. 13 Kuverenga Bhaibheri: Muparidzi 1-6 Rwiyo 25

Unyanzvi Hwokutaura: Kusimbisa Kwakakodzera Kunosanganisira Manzwiro Aunoita (be-CA p. 150 ¶1-2)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raMuparidzi (si-CA map. 112-13 ¶1-8)

Nha. 2: Muparidzi 5:1-15

Nha. 3: Vakachenjera Nevakangwara Vari Kuvanzirwa Sei Chokwadi cheBhaibheri? (Mat. 11:25)

Nha. 4: Vakadzi Vanofanira Kuva Vashumiri Here? (rs-CA p. 412 ¶2–p. 413 ¶1)

Nov. 20 Kuverenga Bhaibheri: Muparidzi 7-12 Rwiyo 37

Unyanzvi Hwokutaura: Simbisa Mashoko Akakodzera (be-CA p. 150 ¶3–p. 151 ¶2)

Nha. 1: Bhuku raMuparidzi—Nei Richibatsira (si-CA p. 114 ¶15-19)

Nha. 2: Muparidzi 9:1-12

Nha. 3: Nei Vakadzi vechiKristu Vachipfeka Chifukidziro Chomusoro Pane Dzimwe Nguva? (rs-CA p. 413 ¶2–p. 414 ¶1)

Nha. 4: Godo Rakaipira Chii?

Nov. 27 Kuverenga Bhaibheri: Rwiyo rwaSoromoni 1-8 Rwiyo 11

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Dzokusimbisa (be-CA p. 151 ¶3–p. 152 ¶5)

Nha. 1: Kusuma Bhuku roRwiyo rwaSoromoni uye Nei Richibatsira (si-CA map. 115-17 ¶1-4, 16-18)

Nha. 2: Rwiyo rwaSoromoni 7:1–8:4

Nha. 3: Nei vaKristu Vachifanira Kupfeka Zvakatsvinda, Zvakachena, uye Zvine Mwero?

Nha. 4: Zvakakodzera Here Kuti Vakadzi Vashandise Zvokupoda-poda Kana Zvishongo Zvemabwe Anokosha? (rs-CA p. 414 ¶2–p. 415 ¶2)

Dec. 4 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 1-5 Rwiyo 90

Unyanzvi Hwokutaura: Magwaro Ashandiswa Zvakarurama (be-CA p. 153 ¶1–p. 154 ¶3)

Nha. 1: Kusuma Bhuku raIsaya (si-CA map. 118-19 ¶1-8)

Nha. 2: Isaya 3:1-15

Nha. 3: Nyika Ichaparadzwa Nomoto Here? (rs-CA p. 279 ¶2–p. 280 ¶1)

Nha. 4: lNei vaKristu Vachifanira ‘Kunonoka Kuva Nehasha’ (Jak. 1:19)

Dec. 11 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 6-10 Rwiyo 204

Unyanzvi Hwokutaura: Kujekesa Kushanda kwoRugwaro (be-CA p. 154 ¶4–p. 155 ¶4)

Nha. 1: Kugadzira Pepa Rehurukuro (be-CA map. 39-42)

Nha. 2: Isaya 10:1-14

Nha. 3: Nei Kukwanisa Kukanganwira Kuchikosha Zvikuru?

Nha. 4: Ndiani Ari Kutonga Nyika Ino—Mwari Kana Kuti Satani? (rs-CA p. 280 ¶2–p. 281 ¶1)

Dec. 18 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 11-16 Rwiyo 47

Unyanzvi Hwokutaura: Taura Uchishandisa Magwaro (be-CA p. 155 ¶5–p. 156 ¶5)

Nha. 1: Vechiduku—Bvumirai Vabereki Venyu Kuti Varinde Mwoyo Yenyu (w04-CA 10/15 p. 20 ¶1–p. 22 ¶3)

Nha. 2: Isaya 11:1-12

Nha. 3: VaKristu Vechokwadi Vanoona Sei Nyika uye Vanhu Vayo? (rs-CA p. 281 ¶2–p. 282 ¶2)

Nha. 4: VaKristu Vechokwadi Havazoiti Chimwe Chinhu Pahondo yeAmagedhoni

Dec. 25 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 17-23 Rwiyo 53

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Kwacho Kwabuda Pachena (be-CA p. 157 ¶1-5)

Kudzokorora

[Mashoko Omuzasi]

a Inopiwa hama bedzi.

b Inopiwa hama bedzi.

c Inopiwa hama bedzi.

d Inopiwa hama bedzi.

e Inopiwa hama bedzi.

f Inopiwa hama bedzi.

g Inopiwa hama bedzi.

h Sarudza pfungwa dzinokosha shomanana pane mashoko akapiwa dzichanyatsobatsira zvinodiwa muungano yenyu.

i Sarudza pfungwa dzinokosha shomanana pane mashoko akapiwa dzichanyatsobatsira zvinodiwa muungano yenyu.

j Inopiwa hama bedzi.

k Inopiwa hama bedzi.

l Inopiwa hama bedzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe