Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 ramunoona rakakodzera. September: Swedera Pedyo naJehovha. Kana rikasagamuchirwa, ratidza bhurocha raRambai Makarinda! October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira, tapota varatidze bhurocha raAnodei. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raZivo kana kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
◼ Mapeji 5 ne6 oUshumiri Hwedu hwoUmambo huno anofanira kuchengetwa kuti azoshandiswa maererano nepurogiramu yegungano redunhu uye yezuva regungano chairo egore rebasa ra2006.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.
◼ Ungano dzinofanira kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2006, uye 2006 Yearbook of Jehovah’s Witnesses neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Vaparidzi vanoda zvinhu izvi vanofanira kunyoresa kune vanotarisira mabhuku.
◼ Vanotarisira Mabhuku: Pamunokurukura nebazi pamusoro pemabhuku anenge arasika, kana zvichiita tapota munofanira kunge muine pepa remabhuku ose akatumirwa. Kana muchinyorera bazi, tumiraiwo pepa remabhuku ose akatumirwa kana zvichiita.
◼ Iye zvino kwava nehendibhiri idzva rakagadziridzwa risingaratidzi zuva nenguva yemisangano, kunyange kero yepaImba yoUmambo. Pahendibhiri racho panenge paine nzvimbo yokunyora mashoko iwayo. Izvi zvakafanana nezviri papepa rokukokera Chirangaridzo, uye richatsiva hendibhiri rekare. Mabhii anomirira hendibhiri iri idzva ndeaya, sf, uye rinogona kuodhwa chero nguva. Ungano dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete dzinogona kuodherwa neungano inotarisira. Tapota nyorai mitauro yamunoda. Mahendibhiri ekare anofanira kutanga apera musati maodha matsva.
◼ Musi woMugovera, September 17, 2005, hofisi yebazi muHarare ichange yakavharwa nokuda kwokuchenesa kunoitwa muchirimo. Pachange pasina urongwa hwokuratidza vanhu zvivako kana hwokuti ungano dzizotora mabhuku musi iwoyo.
◼ Mabhuku Matsva Aripo: Fungisisa Uprofita hwaDhanieri—Mabhii makuru (dplp)—Chichewa, Shona. Namata Mwari Wechokwadi Bedzi—Mabhii makuru (wtlp)—Chichewa, Shona
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo: Beware of Losing Faith By Drawing Away From Jehovah (cdda)—Chirungu. Jehovah Delivers Those Calling Upon His Name (cdcu)—Chirungu. Warning Examples for Our Day—On Compact Disc (cdwx)—Chirungu. Watchtower Library—2004 Edition—Chirungu (Onai kuti: Ichange yave kuwanikwa gore negore kutanga iye zvino.)