RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 7
  • Kuparidza Pasina Mashoko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Pasina Mashoko
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kupupura Nomufambiro Wakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • VaHebheru 4:12—“Shoko raMwari Ibenyu Uye Rine Simba”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 7

Kuparidza Pasina Mashoko

1 Pasina kutaura shoko, zvisikwa zvaJehovha zvinooneka zvinotaura zvakawanda pamusoro pezvaari zvisingaoneki. (Pis. 19:1-3; VaR. 1:20) Saizvozvowo, mufambiro wedu wakanaka, unhu hwechiKristu, uye chitarisiko chine mwero zvinoparidza pasina mashoko. (1 Pet. 2:12; 3:1-4) Mumwe nomumwe wedu anofanira kuda ‘kushongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose’ nenzira yatinozvibata nayo.—Tito 2:10.

2 Vanhu vasina kukwana vanogona sei kuwedzera runako rwedzidziso dzeBhaibheri? Vanogona kuzviita bedzi nokutungamirira kweShoko raMwari uye simba romudzimu mutsvene. (Pis. 119:105; 143:10) Shoko raMwari “ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose.” (VaH. 4:12) Rinopinda zvakadzama mukati medu roita kuti tipfeke unhu hutsva. (VaK. 3:9, 10) Mudzimu mutsvene unoita kuti tive nounhu hunodiwa, hwakadai somutsa, kunaka, unyoro, nokuzvidzora. (VaG. 5:22, 23) Somunhu mumwe nomumwe tiri kubvumira shoko raMwari nomudzimu wake kushanda muupenyu hwedu here?—VaEf. 4:30; 1 VaT. 2:13.

3 Vamwe Vanozviona: Patinorarama maererano nemitemo yaJehovha toedza kuratidza unhu hwake, vamwe vanozviona. Somuenzaniso, funga nezvomurume aisekwa nevaanoshanda navo nokuti aiva akapfupika. Imwe hanzvadzi yaishanda muhofisi imwe chete naye yaimuremekedza uye yaimukudza. Izvi zvakaita kuti abvunze kuti nei hanzvadzi iyi yakanga yakasiyana nevamwe zvakadaro. Yakatsanangura kuti yairemekedza vamwe nokuti yaishandisa mirayiro yeBhaibheri muupenyu hwayo. Yakamuudzawo nezvetariro inoshamisa yoUmambo. Murume wacho akatanga kudzidza Bhaibheri uye akazofambira mberi zvokutobhabhatidzwa. Paakadzokera kumusha kwake, hama dzake dzakayemura mufambiro wake wakanaka, uye vanoverengeka vakagamuchirawo chokwadi.

4 Kubasa, kuchikoro, kana kuti patinenge tiine voukama uye vavakidzani, tinogona kuita kuti vamwe vakudze Mwari nomufambiro wedu wakanaka pamwe nokuparidza kwedu.—Mat. 5:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe