RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naAugust 8
  • Vhiki Inotanga naAugust 15
  • Vhiki Inotanga naAugust 22
  • Vhiki Inotanga naAugust 29
  • Vhiki Inotanga naSeptember 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naAugust 8

Rwiyo 125

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vaparidzi nezvemazuva epurogiramu yegungano redunhu neyezuva regungano chairo egore rebasa ra2006 kana ava kuzivikanwa.

10 min: “Uri Kushandisa Mahendibhiri Here?” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kumbira vateereri kuti vataure zvakanaka zvavakawana nokushandisa mahendibhiri. Ivawo nomuenzaniso mupfupi womuparidzi ari kukoka munhu anofarira kumusangano achishandisa hendibhiri. Tapota ona “Zviziviso.”

25 min: “Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!”a Fanoronga kuti piyona mumwe kana maviri enguva dzose vataure zvavakaita kuti vagone kuva mapiyona uye zvikomborero zvavari kuwana somugumisiro.

Rwiyo 197 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 15

Rwiyo 11

10 min: Zviziviso zveungano. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 1 neAwake! yaAugust 8. Ratidza mukuru uye muparidzi ari ndonda vachiparidza parunhare.

15 min: Unoyeuka Here? Kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaApril 15, 2005, papeji 30. Kumbira vateereri kuti vapindure mubvunzo mumwe nomumwe. Ratidza kushanda kwemashoko acho. Kurudzira vanhu vose kunyatsoverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neAwake!

20 min: “Kutanga Kudzidza Bhaibheri Nomunhu Pasuo uye Parunhare.”b Iva nomuenzaniso mupfupi unoratidza kuti ungatanga sei kudzidza nomunhu Bhaibheri pakushanya kwokutanga, uchingoshandisa ndima imwe chete kana mbiri mubhurocha raAnodei. Rondedzera chakaitika chimwe chete kana zviviri zvinokurudzira nezvokutanga kudzidzisa munhu Bhaibheri norunhare.

Rwiyo 30 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 22

Rwiyo 161

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Kuparidza Umambo—Ropafadzo Chaiyo.”c Pakukurukura ndima 4, dzokorora urongwa hwokushuma maminitsi 15, 30, 45, zvichingodaro hunoitirwa vasingakwanisi kuita zvakawanda pamusana pokukwegura kana kuti zvinetso zvoutano.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2002, papeji 8, ndima 6.

Rwiyo 204 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 29

Rwiyo 45

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaAugust. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 15 neAwake! yaAugust 22. Mune imwe yemharidzo dzacho, enzanisira kudzokerazve kune munhu waunogara uchiendesera magazini.

15 min: “Kuparidza Pasina Mashoko.”d Kumbira vaparidzi vashomanana kuti vataure kuti kuongorora muenzaniso wakanaka wevanhu vaMwari kwakavabatsira sei kuti vave vashumiri vaJehovha.

20 min: Shandisa Bhaibheri Pakushanya Kwokutanga. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Dzokorora mazano ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2004, papeji 4, ndima 2, okuratidza zvinotaura Shoko raMwari pakushanya kwokutanga. Enzanisira kuti mharidzo imwe kana mbiri dziri muUshumiri hwacho dzingashandiswa sei nemabhuku achagoverwa muna September. Mazano ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 okuti tingazobatanidza sei chatiri kugovera angakurukurwawo uye oenzanisirwa kana nguva iripo.

Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 5

Rwiyo 98

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 12”e Fanoronga kuti muparidzi mumwe kana vaviri vataure zvakavabatsira kuti vabudirire kutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri.

20 min: Kuronga Kubatsira Vakwegura. Hurukuro inopiwa nomukuru kubva muNharireyomurindi yaAugust 15, 1993, mapeji 28-9, pasi pomusoro muduku unoti “Kuronga Kunokosha.” Taura urongwa hwave hwakaitwa muungano hwokubatsira vanorwara uye vakwegura.

Rwiyo 164 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe