Chikamu 12—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kubatsira Vadzidzi Kutanga Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri
1 Vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri pavanotanga kuita ushumiri hwomumunda, vangatyiswa nepfungwa yokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu ivo pachavo. Tingavabatsira sei kuti vave nemaonero akanaka echikamu ichi chinokosha choushumiri hwedu?—Mat. 24:14; 28:19, 20.
2 Kana mudzidzi weBhaibheri angova muparidzi asina kubhabhatidzwa chete, zvimwe anenge ave kutopa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri. Kurovedzwa kwaanowana pakugadzirira uye kupa hurukuro dzevadzidzi kuchamubatsira kukudziridza unyanzvi hwokudzidzisa hunodiwa no“mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Tim. 2:15.
3 Dzidzisa Nomuenzaniso Wako: Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nokuvapa mirayiridzo yakajeka uye nokuvaratidza muenzaniso wakanaka. Akati: “Munhu wose anonyatsodzidziswa achafanana nomudzidzisi wake.” (Ruka 6:40) Kutevedzera kwaunoita Jesu nokuratidza muenzaniso wakanaka muushumiri hwako kunokosha. Waunodzidza naye paanocherechedza muenzaniso wako muushumiri, achanzwisisa kuti chinangwa chokudzokerazve ndechokutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri.
4 Tsanangura kuti patinoudza saimba nezvokudzidza Bhaibheri, kazhinji hazvidi hazvo kuti titsanangure urongwa hwose hwokudzidza. Kakawanda zvakanaka kungoenzanisira kudzidza kwacho tichishandisa ndima imwe kana mbiri mubhuku rinodzidzwa. Mazano anobatsira okuita izvi angawanika papeji 8 yoUshumiri huno uye papeji 6 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002.
5 Pazvinenge zvakakodzera, kumbira mudzidzi kuti aende newe kana kuti nomumwe muparidzi ane unyanzvi kune vamwe vaunodzidza navo Bhaibheri. Angatsinhirawo pandima kana kuti pfungwa huru yorugwaro. Saka, nokucherechedza, mudzidzi achadzidza zvakawanda nezvokudzidzisa vanhu Bhaibheri zvinofambira mberi. (Zvir. 27:17; 2 Tim. 2:2) Murumbidze, uye kurukura naye zvaangaita kuti avandudze.
6 Kudzidzisa vaparidzi vatsva kuti vave vadzidzisi veShoko raMwari kuchavagadzirira ‘basa rakanaka’ rokutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri. (2 Tim. 3:17) Zvinofadza zvikuru kushanda pamwe chete navo pakukoka vanhu norudo tichiti: “Wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena”!—Zvak. 22:17.