Purogiramu Yemhuri—Kuparidza Semhuri
1 Jehovha anofara kuona vechiduku vachirumbidza zita rake. (Pis. 148:12, 13) Muzuva raJesu kunyange ‘vacheche nevanoyamwa vakarumbidza’ Mwari. (Mat. 21:15, 16) Zvakafanana zviri kuitikawo nhasi. Vabereki, mungabatsira sei vana venyu kuti varumbidze Jehovha nokushingaira muushumiri hwechiKristu? Uyezve, sezvasimbiswa munyaya iri pamusoro apa nezvemisangano yechiKristu, muenzaniso wenyu ndiwo unonyanyokosha. Vamwe baba vakataura manzwiro anoita vabereki kwose kwose pavakati: “Vana havaiti zvaunotaura; vanoita zvaunoita!”
2 Imwe hanzvadzi yakarerwa nevabereki vanotya Mwari yakati: “Pataimuka mangwanani oMugovera woga woga takanga tisingambobvunzi kana taifanira kuenda kunoparidza. Taiziva kuti taitofanira kuenda.” Saizvozvowo, unogona kudzidzisa vana vako kukosha kwebasa rokuparidza nokugara muchibuda mubasa romumunda semhuri vhiki nevhiki. Izvi hazvingoiti kuti vana vako vadzidze kubva pane zvavanoona uchiita bedzi asi zvinoitawo kuti uone mafungiro avo, tsika dzavo, uye mano avo ari kuwedzera.
3 Kurovedza Kunofambira Mberi: Kuti vana vanakidzwe noushumiri, vanoda kubatsirwa kuti vanyatsoitawo chimwe chinhu. Hanzvadzi yambotaurwa pamusoro apa yakatiwo: “Takanga tisiri vanagudzamudungwe vaingoperekedza vabereki vedu mubasa ravo. Taiziva kuti pane zvaitafanira kuita kunyange kana kwaingova kuridza bhero repamba uye kusiya hendibhiri. Nokunyatsogadzirira tisati taita zvaizoitwa kupera kwevhiki kumwe nokumwe, taiziva zvataizofanira kutaura.” Unogona kurovedza vana vako nokushandisa maminitsi mashomanana vhiki yoga yoga kuvabatsira kugadzirira ushumiri, pamunenge muchidzidza semhuri kana kuti pane imwe nguva.
4 Kuparidza pamwe chete semhuri kunokupa mumwe mukana wokuroverera chokwadi muvana vako. Vamwe baba vechiKristu vaifamba nomwanasikana wavo pavaienda kunogovera maturakiti kuvagari vokune mumwe mupata waiva kure nemakiromita gumi. Anoyeuka achifara kuti, “Panguva yataifamba tose, ndipo apo baba vangu vakaroverera chokwadi mumwoyo mangu.” (Dheut. 6:7) Dai newewo ukakomborerwa nokuita kuti basa romumunda rive papurogiramu yevhiki nevhiki yemhuri yenyu.