Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
“Ndicharumbidza Jehovha paungano.” —PISAREMA 26:12.
1. Kuwedzera kufundo nomunyengetero kumba, chii chimwe chinobatanidzwa pakunamata kwechokwadi chinokosha?
KUNAMATA Jehovha hakungobatanidzi kunyengetera nokudzidza Bhaibheri kumba chete asiwo kuita basa senhengo yeungano yaMwari. Israeri wekare akarayirwa ku“unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere,” kuti vadzidze mutemo waMwari kuitira kuti vafambe munzira yake. (Dheuteronomio 31:12; Joshua 8:35) Vakanga vakura uye “majaya nemhandara” vaikurudzirwa kuti varumbidzewo zita raJehovha. (Pisarema 148:12, 13) Gadziriro dzakafanana dzinoshanda muungano yechiKristu. MuHoro dzoUmambo pasi pose, varume, vakadzi, nevana vanobatanidzwawo vakasununguka mupurogiramu dzinobatanidza vateereri, uye vakawanda vanofadzwa kwazvo nokubatanidzwa.—VaHebheru 10:23-25.
2. (a) Nei kugadzirira kuri chinhu chinokosha pakubatsira vaduku kuti vanakidzwe nemisangano? (b) Muenzaniso waani unokosha?
2 Chokwadi, kubatsira vaduku kuti vaite muitiro wakanaka webasa reungano zvinogona kuva zvakaoma. Kana vamwe vana vanopinda nevabereki vavo vachiita sevasinganakidzwi nemisangano, chii chingave chiri kunetsa? Chokwadi, vana vakawanda vane nguva duku yavanokwanisa kuteerera uye vanofinhwa zviri nyore. Kugadzirira kungabatsira kubata nedambudziko iri. Pasina kugadzirira, vana havagoni kuitawo chimwe chinhu chinooneka mumisangano. (Zvirevo 15:23) Pasina kugadzirira, zvichava zvakaoma kwavari kuti vaenderere mberi mumudzimu zvinogutsa. (1 Timotio 4:12, 15) Chii chingaitwa? Chokutanga, vabereki vanofanira kubvunza kana ivo pachavo vachigadzirira misangano. Muenzaniso wavo unoshanda zvakasimba. (Ruka 6:40) Kuronga fundo yemhuri nokungwarira kunogonawo kuva chinhu chinokosha.
Kuvaka Mwoyo
3. Pafundo yemhuri, nei tichifanira kutovavarira kuvaka mwoyo, uye izvi zvinodei?
3 Fundo yemhuri haifaniri kuva nguva yokungozadza misoro nezivo chete asiwo kuvaka mwoyo. Izvi zvinoda kuziva zviri kunetsa vari mumhuri nokuitirana hanya. Jehovha ano“idza mwoyo.”—1 Makoronike 29:17.
4. (a) Kuva a“sina njere” zvinorevei? (b) Chii chinobatanidzwa paku“wana uchenjeri”?
4 Jehovha anoonei paanoidza mwoyo yevana vedu? Vakawanda vavo vangati vanoda Mwari, uye izvozvo zvinorumbidzwa. Asi, anenge ari muduku kana kuti achiri kutanga kudzidza nezvaJehovha haanyanyi kuziva nzira dzaJehovha. Nemhosva yokuti haana ruzivo rwakawanda, angava a“sina njere,” semataurire anoita Bhaibheri. Pamwe hazvisi zvose zvaanovavarira zvakashata, asi zvinoda nguva yakawanda kuti munhu aite kuti mwoyo wake usvike pane zvinofadza Mwari chaizvo. Izvi zvinobatanidza kuita kuti mafungiro emunhu, zvaanoshuva, zvaanoda, manzwiro, nezvaanovavarira muupenyu zviwirirane nezvinotenderwa naMwari, kusvika panokwaniswa nevanhu vasina kukwana. Apo mumwe munhu anoumba munhu womukati kudaro munzira yaMwari, ari ku“wana uchenjeri.”—Zvirevo 9:4; 19:8.
5, 6. Vabereki vangabatsira sei vana vavo ku“wana uchenjeri”?
5 Vabereki vanogona kubatsira vana vavo here kuti va‘wane uchenjeri’? Chokwadi, hapana munhu anogona kupa mumwe munhu mwoyo wakanaka. Mumwe nomumwe wedu akapiwa rusununguko, uye zvakawanda zvinoenderana nezvatinozvibvumira kufunga nezvazvo. Zvisinei, nokunzwisisa, vabereki vangaita kuti vana vavo vataure zvavanofunga, vachidzidza zviri mumwoyo nepavanoda kubatsirwa. Shandisai mibvunzo yakadai seyokuti ‘Unonzwa sei pamusoro peizvi?’ uye ‘Chii chaizvo chawaizoda kuita?’ Ipapo, teerera uchishivirira. Usanyanya kuviruka nehasha. (Zvirevo 20:5) Kuratidzwa kwemutsa, kunzwisisa, norudo kunokosha kana muchida kubaya mwoyo.
6 Kuti musimbise vavariro dzakanaka, rambai muchikurukura nezvechibereko chomudzimu—rudzi rwoga rwoga rwacho—uye shandai pamwe semhuri kuti muchiratidze. (VaGaratia 5:22, 23) Vakai kuda Jehovha naJesu Kristu, kwete chete nokungotaura kuti tinofanira kuvada asi nokukurukura zvikonzero nei tichivada uye kuti tingaratidza sei rudo irworwo. (2 VaKorinte 5:14, 15) Simbisai chishuvo chokuita zvakarurama nokutaura nezvekubatsirwa kwatinozoguma taitwa. Vakai chishuvo chokuvenga pfungwa, mutauro, nemufambiro zvisina kururama nokukurukura zvinhu zvakashata zvinozokonzerwa nezvinhu zvakadaro. (Amosi 5:15; 3 Johane 11) Ratidzai kuti pfungwa, mutauro, nemufambiro—zvingava zvakanaka kana zvakashata—zvinogona sei kuva nezvazvinoita paukama hwomunhu naJehovha.
7. Chii chingaitwa kubatsira vana kuti vabate zvinovanetsa nokuita zvisarudzo nenzira ichavaita kuti varambe vari pedyo naJehovha?
7 Mwana paanenge ane chinomunetsa kana kuti achifanira kuita chisarudzo chinokosha, tingamubvunza kuti: ‘Unofunga kuti Jehovha anoona sei izvi? Chii chaunoziva pamusoro paJehovha chinokuita kuti utaure kudaro? Wakanyengetera kwaari pamusoro pazvo here?’ Uchikurumidza kutanga sezvinobvira, batsira vana vako kutanga mararamire avanoita zvose zvavanogona kuti vazive zvinodiwa naMwari ndokuzviita. Sezvavanosvika pakunyatsowirirana naJehovha somunhu oga, vachafara kufamba munzira dzake. (Pisarema 119:34, 35) Izvi zvichavaita kuti vakoshese ropafadzo yokubatanidzwa neungano yaMwari wechokwadi.
Kugadzirira Misangano Yeungano
8. Chii chingatibatsira kubatanidza mufundo yedu yemhuri zvinhu zvose zvinoda kutaurwa nezvazvo? (b) Fundo iyoyi inokosha sei?
8 Kune nhau dzakawanda dzinoda kutaurwa nezvadzo panguva dzefundo yemhuri. Dzose mungadzipinza sei? Hazviiti kuita zvinhu zvose panguva imwe. Asi mungazviwana zvichibatsira kuti mugadzire ndaza yezvokukurukura. (Zvirevo 21:5) Nguva nenguva, idzokororei uye fungai kuti ndechipi chinoda kunyatsokurukurwa. Farirai chaizvo kuenderera mberi kwenhengo yoga yoga yemhuri. Gadziriro iyi yefundo yemhuri ndechimwe chinhu chinokosha chedzidzo yechiKristu, chinotiita kuti tigadzirire upenyu hwazvino nokutiita kuti tigadzirire upenyu husingagumi huchauya.—1 Timotio 4:8.
9. Ivavariro dzipi pamusoro pokugadzirira misangano dzatingashandira zvishoma nezvishoma pafundo dzedu dzemhuri?
9 Fundo yenyu yemhuri inobatanidza kugadzirira misangano yeungano here? Pane zvirongwa zvinoverengeka zvamungashandira zvishoma nezvishoma sezvamunodzidza mose here? Zvimwe zveizvi zvingada mavhiki, mwedzi, nyange makore kuti zviitwe. Fungai nezvevavariro idzi: (1) munhu oga oga ari mumhuri agadzirira kutsinhira pamisangano yeungano; (2) munhu oga oga ari kushandira kutsinhira nemashoko ake; (3) kubatanidza magwaro mutsinhiro; uye (4) kuongorora mashoko nechinangwa chokuashandisa iwe pachako. Zvose izvi zvingabatsira munhu kuti aite kuti chokwadi chive chake.—Pisarema 25:4, 5.
10. (a) Tingagadzirira sei misangano yedu yose? (b) Nei izvi zvichibatsira?
10 Nyange fundo yenyu yemhuri ichiwanzobva muchidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iyoyo, musakanganwa kukosha kwokugadzirira Fundo Yebhuku Yeungano somunhu oga kana kuti semhuri, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, neMusangano Webasa. Izviwo ndezvimwe zvinhu zvepurogiramu zvinokosha zvokutidzidzisa kufamba munzira yaJehovha. Apo nepapo mungagadzirira misangano iyi yose seboka remhuri. Nei? Nokushanda kwenyu pamwe, mitoo yokudzidza nayo ichavandudzwa. Muchaguma mawana zvinhu zvakanaka zvakawanda mumisangano yacho pachayo. Pane zvimwe zvose, kurukurai kubatsira kwokugara muchigadzirira misangano iyi nokukosha kwokuva nenguva chaiyo yakarongerwa izvozvo.—VaEfeso 5:15-17.
11, 12. Kugadzirira kuimba kweungano kuchatibatsira sei, uye izvi zvingaitwa sei?
11 Pakokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu,” takakurudzirwa kugadzirira chimwe chinhu chemisangano—kuimba. Makaita izvozvo here? Kuita kudaro kunogona kubatsira kutemera chokwadi cheBhaibheri mupfungwa dzedu nemwoyo uye panguva imwe cheteyo kuwedzera kunakidzwa kwedu nemisangano yeungano.
12 Kugadzirira kunobatanidza kurava nokukurukura zvinoreva mashoko ari mudzimwe nziyo dzakarongwa kungatibatsira kuimba zvinobva pamwoyo. Muna Israeri wekare, zviridzwa zvaishandiswa zvikuru pakunamata. (1 Makoronike 25:1; Pisarema 28:7) Mumwe munhu mumhuri yenyu anoridza chiridzwa here? Madii mashandisa chiridzwa ichocho kuti mudzidzire imwe yenziyo dzoUmambo dzevhiki yacho, ndokuimba rwiyo rwacho semhuri. Zvimwe zvingaita kushandisa nziyo dzakarekodwa. Mune dzimwe nyika hama dzedu dzinoimba zvakanaka kwazvo dzisina zviridzwa. Padzinenge dzichifamba mumigwagwa kana kuti kuita basa radzo muminda, dzinowanzonakidzwa nokuimba nziyo dzakarongerwa misangano yevhiki iyoyo.—VaEfeso 5:19.
Kugadzirira Kwemhuri Basa Romumunda
13, 14. Nei kukurukurirana kwemhuri kunoita kuti mwoyo yedu igadzirire basa romumunda kuchikosha?
13 Kupupurira vamwe nezvaJehovha nechinangwa chake chimwe chinhu chinokosha muupenyu hwedu. (Isaya 43:10-12; Mateo 24:14) Tingava vaduku kana vakuru, tinonakidzwa nebasa iri zvikuru uye tinoita zvakanaka zvakawanda kana takagadzirira. Tingaita sei izvi mumhuri?
14 Kungofanana nedzimwe nhau dzose dzinobatanidza kunamata kwedu, zvakakosha kuti tigadzirire mwoyo yedu. Hatifaniri kungokurukura zvatichaita chete asiwo chikonzero nei tichazviita. Mumazuva aMambo Jehoshafati, vanhu vakapiwa murayiridzo mumutemo waMwari, asi Bhaibheri rinotiudza kuti “vakanga vachigere kutevera . . . nemwoyo wose.” Izvi zvakavaita kuti vave nyore kuedzwa nezvaikwezva zvaigona kuvabvisa pakunamata kwechokwadi. (2 Makoronike 20:33; 21:11) Chinangwa chedu hachisi chokuti tingokwanisa kushuma maawa anopedzerwa mubasa romumunda, kana kuti kungogovera mabhuku chete. Ushumiri hwedu hunofanira kuva kuratidzwa kwokuda kwedu Jehovha nokuda kwedu vanhu vanoda mukana wokusarudza upenyu. (VaHebheru 13:15) Ibasa ratiri “vabati pamwe chete naMwari.” (1 VaKorinte 3:9) Iropafadzo yakadini! Zvatinoitawo ushumiri, tinoita kudaro tichishandira pamwe nengirozi tsvene. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Ndeipizve imwe nguva iri nani ingavapo yokuti tikurudzire kuonga zvakadai inopfuura pakukurukurirana kwemhuri, pangava pafundo yedu yevhiki nevhiki kana kuti pakukurukura rugwaro rwakakodzera muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva!
15. Ndirini patingagadzirira basa romumunda semhuri?
15 Munomboshandisa nguva pafundo yenyu yemhuri kubatsira vemhuri yenyu kuti vagadzirire basa romumunda here? Kuita kudaro kungabatsira chaizvo. (2 Timotio 2:15) Kungabatsira kuita kuti basa ravo rioneke uye ribereke. Apo nepapo, mungaronga chikamu chose chefundo nokuda kwekugadzirira kwakadaro. Kakawanda, mungakurukura nezvezvine chokuita nebasa romumunda pakukurukurirana kupfupi pamagumo efundo yemhuri kana kuti pane imwe nguva pakati pevhiki.
16. Taurai kukosha kwedanho rimwe nerimwe rakarongwa mundima.
16 Fundo dzemhuri dzingashandiswa kuisa pfungwa pamatanho anoverengeka, akadai seanotevera: (1) Gadzirirai mharidzo yakanyatsogadzirirwa inobatanidza rugwaro rwokurava muBhaibheri kana mukana ukabvumira. (2) Ivai nechokwadi chokuti mumwe nomumwe ane bhegi rebasa romumunda rake pachake, Bhaibheri, bhuku rokunyorera zvinonyorwa, peni kana penzura, maturakiti, nemamwe mabhuku anotarisika zvakanaka, kana zvichiita. Bhegi rebasa racho harifaniri haro kuva rinodhura, asi rinofanira kuva rakatsvinda. (3) Kurukurai pokuitira uchapupu husina kurongwa nenzira yokuhuita nayo. Teverai matanho aya ose emurayiridzo uyu nenguva dzamunoshanda pamwe mubasa romumunda. Ipai mazano anoshanda, asi musapa zano pane zvinhu zvakawandisa.
17, 18. (a) Kugadzirira semhuri kworudzii kungabatsira kuita kuti ushumiri hwedu hwomumunda huwedzere zvibereko? (b) Rudzii rwokugadzirira uku rwungaitwa vhiki yoga yoga?
17 Pabasa iro Jesu Kristu akapa vateveri vake, chimwe chinokosha ndechokuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Kuita vadzidzi kunobatanidza zvinopfuura kuparidza. Zvinoda kudzidzisa. Fundo yenyu yemhuri ingakubatsirai sei kubudirira kuita izvi?
18 Semhuri, kurukurai kuti ndiani wakanaka kudzokerera. Vamwe vavo vangava vakagamuchira mabhuku; vamwe vangava vakangoteerera chete. Vangave vakaonekwa mubasa repaimba neimba kana kuti muuchapupu husina kurongwa pamusika kana kuchikoro. Itai kuti Shoko raMwari rikutungamirirei. (Pisarema 25:9; Ezekieri 9:4) Sarudzai kuti mumwe nomumwe wenyu anoda kushanyira ani vhiki iyoyo. Chii chichataurwa nezvacho? Kukurukurirana kwemhuri kungabatsira mumwe nomumwe kugadzirira. Ratidzai magwaro chaiwo okurava nevanofarira pamwe nepfungwa dzakakodzera dzinobva mubhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Musaedza kupedza zvakawandisa pakushanya kumwe. Siyirai saimba mubvunzo uchapindurwa pakushanya kunotevera. Madii kuzviita zvimwe zvamunogara muchiita vhiki yoga yoga semhuri kuronga kuti ishanyo dzipi dzedzokerero idzo mumwe nomumwe achaita, kuti achadziita rini, uye kuti chii chaanotarisira kuita. Kuita kudai kungabatsira kuita kuti ushumiri hwemhuri yose hubereke zvikuru.
Pfuurirai Kuvadzidzisa Nzira yaJehovha
19. Kana nhengo dzemhuri dzichizoramba dzichifamba munzira yaJehovha, dzinofanira kuwanei, uye chii chinoita kuti izvi zviitike?
19 Kuva musoro wemhuri munyika ino yakaipa kwakaoma. Satani nemadhimoni ake vanoedza kuparadza umudzimu hwevashumiri vaJehovha. (1 Petro 5:8) Uyezve, nhasi imi vabereki makaomerwa zvikuru, kunyanya imi vabereki vari voga. Zvakaoma kuti muwane nguva yokuita zvinhu zvose zvamungada kuita. Asi zvichabatsira, nyange mungashandisa zano rimwe panguva, uye ndokuvandudza purogiramu yenyu yefundo yemhuri zvishoma nezvishoma. Kuona vekwako vepedyo vachifamba vakatendeka munzira yaJehovha mubayiro unofadza zvikuru. Kuti dzibudirire kufamba munzira yaJehovha, nhengo dzemhuri dzinofanira kuwana mufaro pakuva pamisangano yeungano nepakuita ushumiri hwomumunda. Kuti izvozvo zviitike, kugadzirira kunodiwa—kugadzirira kunovaka mwoyo uye kunoita kuti munhu oga oga anyatsoshandawo.
20. Chii chingabatsira vabereki vakawanda kuti vawane rudzi rwomufaro unotsanangurwa pana 3 Johane 4?
20 Achitaura nezvevaya vaakanga abatsira mumudzimu, muapostora Johane akanyora kuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.” (3 Johane 4) Fundo dzemhuri dzinoitwa pachifungwa nezvezvinangwa chaizvo uye misoro yemhuri inobata nezvinhu zvinodiwa nenhengo imwe neimwe yemhuri nomutoo womutsa, unobatsira, ingaita zvakawanda kuti mhuri ikwanisewo kuwana mufaro wakadaro. Kuburikidza nokukurudzira kuonga nzira yaMwari youpenyu, vabereki vari kubatsira mhuri yavo kuwana nzira yakanakisisa youpenyu.—Pisarema 19:7-11.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nei kugadzirira misangano kuchikosha chaizvo kuvana vedu?
◻ Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti va‘wane uchenjeri’?
◻ Fundo yedu yemhuri ingabatsira sei pakugadzirira misangano yose?
◻ Kugadzirira basa romumunda semhuri kungatibatsira sei kubudirira zvikuru?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Fundo yenyu yemhuri ingabatanidza kugadzirira misangano yeungano
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kudzidzira kuimba pamisangano kunobatsira