Vabereki—Rovedzai Vana Venyu Kuparidza
1 Ungano dzedu dzakakomborerwa nevana vakawanda vane chishuvo chechokwadi chekubatira Mwari. (Mup. 12:1) Vanobatanidzwa pakati peavo vanokokwa naJehovha kuzogoverana mukumurumbidza. (Pis. 148:12-14) Nokudaro, rovedzo yezuva nezuva iyo vabereki vanopa vana vavo inofanira kubatanidza murayiridzo wenzira yekugoverana nayo kutenda kwavo nevamwe mubasa rekuparidza Umambo.—Dheut. 6:6, 7.
2 Rovedzai Vana Munzira Dzinofambira Mberi: Vana vakafanirwa nokurovedzwa pazera duku zvikuru kuperekedza vabereki vavo muushumiri. Musati maenda mubasa, gadzirirai vana venyu kutora rutivi nenzira ine mufungo. Sarudzai pachine nguva mberi zvamunovakarira kuita pasuo. Vana vaduku zvikuru vanogona kupa maturakiti nemahendibhiri uye kukoka vanhu kuHoro yeUmambo. Vaduku vanorava zvakanaka vanogona kukumbirwa kuti varave magwaro pasuo. Vanogona kugovera magazini, vachishandisa mharidzo pfupi. Sezvo vanowana ruzivo rwekuzviwanira, varovedzei kushandisa Bhaibheri mumharidzo dzavo. Vaparidzi vaduku vakawanda vakatanga kwakamirirwa magazini kwavo uye nguva dzose vanoita shanyo dzedzokerero. Kwakanakisisa kuti mwana ashande nemunhu mukuru panzvimbo pokushanda nemumwe wechiduku. Munhu mukuru anogona kutsanangurira saimba kuti muduku wacho ari kurovedzwa muushumiri.
3 Mumwe mwana muduku akakumbira betsero yevakuru kuitira kuti agokwanirisa semuparidzi weUmambo. Kunyange zvazvo akanga ane makore mashanu bedzi okukura panguva iyoyo uye asingagoni kurava, aigona kupa shoko reUmambo nenzira inobudirira pamasuo. Akaziva nemusoro kwekuwana magwaro, akaavhura, akakumbira saimba kuarava, uye ipapo akatsanangura.
4 Vana vanofanirawo kudzidziswa nomuenzaniso wevabereki ukoshi hwekuva norudungwe rwekugoverana nguva dzose muushumiri. Vabereki vanofanira kuvamba muitiro webasa unopfuurira wevhiki nevhiki ndokuomerera kwauri, kuitira kuti vana vazive kuti chikamu chipi chevhiki nguva dzose chinosiiwa nokuda kwebasa rekuparidza.
5 Apo vana vanorovedzwa kubva pazera duku kuda uye kufarikanya ushumiri, vachasundwa kusvasvavirira ropafadzo huru zvikuru munguva yemberi, zvichida dzinobatanidza basa reupiyona. (1 VaK. 15:58) Tose zvedu tinofanira kukurudzira vana vari pakati pedu kuita fambiro mberi yakanaka sevarumbidzi vaJehovha.